Ruka 3
3
Kuparidza KwaJohwani Muombeki
(Mateo 3:1-12; Mariko 1:1-8; Johwani 1:19-28)
1Mugore rogumi nomashano rokutonga kwaTaibheriyasi Khesari, Pondiyasi Pirato ari mutongi woJudhiya, naHerudhe ari mutongi woGaririya, nomunin'ina wache Firipi ari mutongi womatunhu yoItariya noTirakonitisi, naRisaniyasi ari mutongi woAbhireni, 2panguwa yokuva muphirisita mukuru kwaAnasi naKhefasi, shoko raMwari ridouya kuna Johwani mwanakomana waZakariya ari musango. 3Adoenda mudunhu rese ridopoteredza Jorodhani, achiparidza kuti vanhu vapinduke, vaombekewe kuti varegerehwe zvitadzo zvavo. 4Semanyorehwo yazvidoitiwa mubhuku romashoko yomuporofiti Isaya,
“Izvi roanokuwa musango,
‘nhadzirai mugwagwa waIshe,
yororai nzira dzache!
5Mipata yese ichafuchihwa,
makomo notutunhu zvichaderedzewa,
nomagonyo yachayorohwa,
nonzira dzinomaphubu dzichaenzanisiwa,
6Futi vanhu vese vachaona ruponiso raMwari.’”
7Naizvozvo adoti kumhomho idouya kwaari kudzoombekewa naye, “Imipa muri vana vonyoka! Mbani adokuchenjedzai kuti mutize ukari hunouya? 8Berekai zvibereko zvinoenderana nokupinduka, futi rekai kuthanga kuzviti, ‘Tina Abhurahamu vanova baba vedu,’ ndava ndinokunyepai, Mwari anogona kumutsira vana Abhurahamu kubva pamabhwe aya. 9Kudaiku demo ratoisiwa pamidzi yomiti, saka muti wese usingabereke zvibereko zvidonaka unogwatiwa uchikhandiwa mumoto.”
10Vanhu vadobva vamubvunza vachiti, “Manje toita tini?”
11Zvino adovapindura, “Uyo anohembe dziiri mbaakoverane noasina, noanozvokuja mbaaitewo zvibodzi bodzizvo.”
12Vateresi vadouyawo kudzoombekewa vadoti kwaari, “Mudzidzisi, ko isisu tiitei?”
13Iye adoti kwavari, “Regai kutora zvidopindiridza zvamudotemehwa.”
14Mauto yadomubvunzawo yachiti, “Ko isisuwo toita sei?”
Iye adoti kwavari, “Rekai kutorera vanhu nosimba kana nokunenedzera mhosva dzomabhwodo, gutsikanai nomihoro yenyu.” 15Vanhu pavaigurupira, vese vachifungira mumwoyo kuti pamwe Johwani wakareyu ndiye Khirisitu. 16Johwani adovapindura vese, “Inipano ndinokuombekai nomvura, asi anomasimba kukunda inini ari kuuya, murau woshangu dzache ndinokodzeraba kusugudura, achakuombekai naMweya Mutsvene nomoto. 17Chisero chache anacho mumanja, kuti achenese udzire, nokuunganidzira gorosi muchitura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwe.”
18Nokukurudzira kuzinji, adoparidza nyaya idonaka kuvanhu. 19Asi Herudhe mudzviti, waanga adzuma nondava yaHerodhiyasi, mukadzi womunin'ina wache, nokumwe kunyangadza kwese kwanga kwaitiwa naHerudhe, 20adoingidzira zvakarezvi zvese nokudzoisa Johwani mutorongo kwaadoita.
Jesu Anoombekewa
(Mateo 3:13-17; Mariko 1:9-11)
21Zvino vanhu vese pavadoombekewa, naJesu waombekewawo ari pakunamata, denga ridozururiwa, 22Mweya Mutsvene adoburuka achivhoda paari, adoita kunge njiva, futi izvi ridouya kubva kudenga richiti, “Iwepa ndiwe Mwanakomana wangu wandinoditsa, naiwepa ndinofadziwa maninge.”
Madziteteguru yaJesu
(Mateo 1:1-17)
23Jesu paadothanga ushumiri hwache, wanga wava nomakore yanenge makumi matatu, pakufungidzihwa ari mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHeri, 24mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMeriki, mwanakomana waJanai, mwanakomana waJosefa, 25mwanakomana waMatatiyasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNahamu, mwanakomana waEsiri, mwanakomana waNagai, 26mwanakomana waMaata, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeini, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJodha, 27mwanakomana waJowanani, mwanakomana waRisa, mwanakomana waZerubhabheri, mwanakomana waSheritieri, mwanakomana waNeri, 28mwanakomana waMeriki, mwanakomana waAdhi, mwanakomana waKosamu, mwanakomana waErimadhami, mwanakomana waEri, 29mwanakomana waJoshuwa, mwanakomana waEriezari mwanakomana waJorimi, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi 30mwanakomana waSimiyoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonami, mwanakomana waEriyakimu, 31mwanakomana waMeriya, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatani, mwanakomana waDhavhiti, 32mwanakomana waJese, mwanakomana waObhedhi, mwanakomana waBhowazi, mwanakomana waSara, mwanakomana waNashoni, 33mwanakomana waAminadhabhi, mwanakomana waAdhimini, mwanakomana waAmi, mwanakomana waHezironi, mwanakomana waPherezi, mwanakomana waJudha, 34mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaki, mwanakomana waAbhurahamu, mwanakomana waThera, mwanakomana waNaho, 35mwanakomana waSeragi, mwanakomana waReu, mwanakomana waPeregi, mwanakomana waEbha, mwanakomana waShera, 36mwanakomana waKeinani, mwanakomana waAfakisadhi, mwanakomana waShemi, mwanakomana waNowa, mwanakomana waRameki, 37mwanakomana waMatusera, mwanakomana waInoki, mwanakomana waJeredhi, mwanakomana waMaharareri, mwanakomana waKenani, 38mwanakomana waInosi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhamu, mwanakomana waMwari.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka 3: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International