Ruka 2

2
Kuzvahwa KwaJesu
(Mateo 1:18-25)
1Pamazuva yakareyo chirevo chidobva kuna Ogasito Khesari kuti nyika yese inyohwe. 2Kwakareku kwanga kuri kunyohwa kwokuthanga kudoitiwa Sairiniyasi ari mutongi woSiriya. 3Munhu wese adoenda konyohwa, umwe noumwe kuguta rache.
4NaJosefawo adobva kuGaririya, muguta roNazareta, ndokuenda kuJudhiya, muguta raDhavhiti rinoitiwa Bheterehema, nokuti wanga ari wodzinza nowoimba yaDhavhiti. 5Adoenda konyohwa pabodzi naMariya waadokonza, wanga wava nomimba, 6futi pavanga vari kwakareko, nguwa yokupona kwaMariya idosvika. 7Adopona mwana wache mukomana wodangwe ndokumuputiridza nomapiza, nokumuenzeresa muchijiro chozvipfuwo, ndava kwanga kusinai nzvimbo mudzimba dzovarendo.
Anyakabusa noNgirozi
8Mudunhu rakarero manga munananyakabusa, vaichengeta mahwai yavo usiku. 9Ngirozi yaIshe idozvionesa kwavari, kubhwinya kwaIshe ndokuvapenyera kumativi yese, ivo ndokubatiwa nokucha. 10Ipopo ngirozi idoti kwavari, “Rekai kucha, nokuti, ndakuunzirai nyaya idonaka yomufaro mukuru uchava wovanhu vese. 11Ndava nasi muguta raDhavhiti, mazvarihwa Muponisi, ndiye Khirisitu Ishe. 12Futi ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri, muchawana mwana adoputiridziwa nomapiza adoenzeresewa muchijiro chozvipfuwo.”
13Kabodzi nokabodzi kudovapo pabodzi nongirozi yakareyo hondo yokudenga ikurufutiyo, yanga ichirumbidza Mwari ichiti,
14“Kubhwinya mbakuve kuna Mwari Wokumusorosoro,
nopanyika mbapave norugare pakati povanhu vanomufadza!”
15Ngirozi padzidobirika pavari dzichienda kudenga, anyakabusa vadotaurirana vachiti, “Mbatiendei kuBheterehema toona chinhu chakarechi chaitika, chataudziwa naIshe.”
16Saka vadoenda nokamangu, ndokuwana Mariya naJosefa, nomwana adoenzeresewa muchijiro chozvipfuwo. 17Pavadomuona vadozivisa zvanga zvatauhwa kwavari pamusoro pomwana wakareyo. 18Vanhu vese vadozvinzva vadoshamisiwa nozvavadonyepewa nananyakabusa. 19Asi Mariya adochengeta zvinhu zvakarezvo zvese, achizvifungitsitsa mumwoyo mache. 20Anyakabusa vadodzokera, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pozvese zvavadonzva nozvavadoona, semaudzihwo yavanga vaitiwa.
Jesu Anopasiwa Zita
21Mumasure momazuva masere, mwana paanga wachecheudziwa, adotenzewa zita rokuti Jesu, iro raadopasiwa nongirozi asati wava mudumbu.
Jesu anoKumikidziwa muImba yaMwari
22Padokwana nguwa yokuzvinatsa kwavo maererano nomutemo waMozisi, vadouya naye kuJerusarema kuti vamupereke kuna Ishe 23Zvakarezvi zvidoitika kuti mutemo waIshe uzazisiwe unoti, “Murume wese anozurura chibereko achanzi mutsvene kuna Ishe.” 24Vadodzoenda kopira chipiriso zvichienderana nozvinotauhwa nomutemo waIshe, zvinoti, “tuvana tuiri tonjiva, kana marunga mairi yohangaiva.”
25Zvino muJerusarema maiva nomunhu waiitiwa Simiyoni, murume wakareyu wanga adorurama futi adozvipira, waitarisira kunyaradziwa kwovaIzirairi, Mweya Mutsvene wanga ari paari. 26Wanga adoisihwa pachenu naMweya Mutsvene kuti waidzoonaba ipfa asati waona Khirisitu waIshe. 27Paadofemehwa naMweya adouya muimba yaMwari, zvino vabereki pavadouya nomwana Jesu, kudzomuitira zviri maererano notsika yomutemo, 28Simiyoni adotora mwana mumaoko mache achibva warumbidza Mwari achiti,
29“Ishe, zvino chiregai zvenyu muranda wenyu aende norugare,
maererano noshoko renyu,
30ndava meso yangu yaona ruponiso renyu
31ramudogadzirira pamberi povanhu vese,
32chiedza chokuzarurihwa kumarudzi yasiri maJudha,
nokubhwinya kuvanhu venyu vaIzirairi.”
33Baba vache namai vache vadoshamisiwa nozvidonyaihwa pamusoro pache. 34Zvino Simiyoni adovaropafadza achibva wati kuna Mariya amai vache, “Ona, Mwana wakareyu adomisihwa kuwa nokusumuka kwovazinji muIzirairi, nochiratidzo chinonyaihwa zvokupikisa 35futi bakatwa richakubaya nokutobirikira pamweya pako, kuti pfungwa dzomuhana dzovazinji dziisiwe pachenu.”
36Paiva nomuporofitikadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, wodzinza raAsha, wanga atochemberetsa, wanga wandogara nomurume wache makore manomwe kubva paumhandara hwache, 37wanga ari mujiche kusvikira wava nomakore makumi masere nomanai. Waibirikaba muimba yaMwari, wainamata nokutsanya achinyengetera usiku nomasikati. 38Paadouya nguwa yakareyo, adopasa kutenda kuna Mwari, achibva wanyaira pamusoro pache kuno vese vanga vadotarisira kudzikinuhwa kwoJerusarema.
Vanodzokera kuNazareta
39Pavadoita zvese zviri maererano nomutemo waIshe, vadodzokera kuGaririya, kuguta ravo, Nazareta. 40Mwana adokura ndokuva nosimba, adozara nouchenjeri, nonyasha dzaMwari dzaiva paari.
Jesu muImba yaMwari
41Zvino vabereki vache vaienda kuJerusarema makore yese kumabiko yoPhasika. 42Jesu paanga wava nomakore gumi nomairi, vadoenda kumutambo zvaiva maererano notsika. 43Padodzopera mutambo, vabereki vache vaakudzokera kumba, mwanakomana Jesu adosara kuJerusarema, asi vabereki vache vanga vasingazvizive, 44vaifunga kuti wanga ari pabodzi naabiyavo, ndokufamba kwozuva rese, asi vadothanga kumutsvaga pakati pohama dzavo noshamwari dzavo. 45Zvino pavadomusaya, vadodzoka kuJerusarema komutsvaga. 46Kwapera mazuva matatu vadodzomuwana ari muchivanze choimba yaMwari, wanga adogarikika pakati povadzidzisi, achivatetekera nokuvabvunza mibvunzo. 47Vese vadomunzva vadoshamisika nomunzvitsitsiro wache nomhinduro dzache. 48Vabereki vache pavadomuona vadoshamisika, amaache vadobva vati kwaari, “Nai mwana, watiitirei daipa? Ona, baba vako nainipano tanga tichishupika kukutsvaga.”
49Iye adoti kwavari, “Ko manga muchinditsvagirei? Hamuzive nai kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?” 50Asi havanai kunzvitsitsa zvaanga achinyaira kwavari.
51Zvino adoenda navo ndokusvika kuNazareta, futi waivateerera, asi amai vache vadochengeta zvinhu zvakarezvi zvese mumwoyo mavo. 52Futi Jesu adoingidzika pauchenjeri nopamumhu, nopakudikana naMwari novanhu.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Ruka 2: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល