Ruka 4
4
Kuedzewa kwaJesu
(Mateo 4:1-11; Mariko 1:12-13)
1Zvino Jesu paanga adozara naMweya Mutsvene, adodzoka kubva kuJorodhani, futi adotungamihwa naMweya 2kwomazuva makumi manai ari musango, achiedzewa najabhurosi. Hapanai chaadoja mumazuva yakareyo, payadodzopera, wanga waanonzara.
3Jabhurosi adoti kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, raira ibhwe iri riite zingwa.”
4Asi Jesu adomupindura achiti, “Kudonyohwa kuti, ‘Munhu anoraramaba nozingwa basi.’”
5Zvino jabhurosi adotora Jesu ndokuenda naye padokwirira nonguwa ipfupipfupiyo adomunangidza umambo hwese hwopasi, 6adoti kwaari, “Ndinokupasa ukuru hwesehwu nokubhwinya kwahwene, ndava ndidohupasiwa, uye ndinohupasawo wandinoda. 7Kana ukandinamata, zvese zvingatova zvako.”
8Zvino Jesu adomupindura achiti, “Kudonyohwa kuti, ‘Unofanira kunamata Ishe Mwari wako basi iye chete ndiye waunofanira kushumira.’”
9Ipopo adoenda naye kuJerusarema, ndokumugadzika pakatorotoro koimba yaMwari, ndokuti kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikhandire pasi kubva pakarepano. 10Ndava kudonyohwa kuti, ‘Acharaira ngirozi dzache pamusoro pako, kuti dzikuchengete.’ 11Futi dzichakukacha, kuti gumbo rako rireke kurovera padombo.’”
12Zvino Jesu adomupindura achiti, “Zvidotauhwa kuti, ‘Rega kuedza Ishe Mwari wako.’”
13Zvino jabhurosi paadopedza kumuyedza nokuedza kwese, adobirika paari kusvikira pava noumwe mukana.
Jesu Anothanga Basa Rache muGaririya
(Mateo 4:12-17; Mariko 1:14-15)
14Zvino Jesu adodzokera kuGaririya ari musimba raMweya, nyaya pamusoro pache idosvika kunzvimbo dzese dzidopoteredza. 15Adodzidzisa mumasinagoge yavo nokurumbidziwa novese.
Jesu Anorambiwa muNazareta
(Mateo 13:53-58; Mariko 6:1-6)
16Zvino adosvika kuNazareta, kwaadokurira, setsika yache adopinda musinagoge nomusi woSabata. Adosumuka kuti averenge, 17adotambidziwa bhuku romuporofiti Isaya. Adophedenura bhuku ndokuwana padonyorewa,
18“Mweya waShe ari pandiri,
nokuti adondizodza kuti ndiparidze nyaya idonaka kuvarombo.
Adondituma kudzoparidza rusununguko kunhapwa
nokudzotsera meso kumarombe,
nokusunungura vadodzvinyirihwa,
19kuti ndiparidze
gore raShe rinotambirika.”
20Ipopo adovhara bhuku, ndokuridzotsera kumubati, achibva wagarikika, meso yovese vanga vari musinagoge yadomudzvokora. 21Iye adothanga kuti kwavari, “Nasi gwaro iri razazisiwa munzeve dzenyu.”
22Zvino vese vadonyaira zvidonaka pamusoro pache vachishamisika nomashoko yotsitsi yadobirika mumuromo mache. Vadobva vati, “Anga wakareyu mwanakomanaba waJosefa nai?”
23Iye adoti kwavari, “Pasina kupokana, muchanyaira tsumo kwandiri yokuti, ‘Murapi, zvirape, zvatidonzva kuti udoita kuKaperenaume, zviitewo muno mumusha mako.’” 24Ndokubva wati kwavari, “Chokwadi ndinoti kwamuri, hapanai muporofiti anotambirika munyika yache. 25Asi ndinokuudzai chokwadi, paiva novajiche vazinji muIzirairi pamazuva yaEriya, padozarihwa denga kwomakore matatu nomwedzi mitanhatu, kudouya nzara ikuru munyika yese, 26Eriya adotumiwaba kuno umwe wavo, asi kumujiche kuZarefati basi, munyika yoSidhoni, kumukadzi wanga ari mujiche. 27Futi muIzirairi manga muno vomapere vadowanda panguwa yomuporofiti Erisha, asi hapanai kana mubodzi adoporesewa kunze kwaNaamani muSiriya.”
28Pavadonzva zvakarezvo, vese vanga vari musinagoge vadozara noukari. 29Vadosumuka vachimubiritsa muguta, vadoenda naye kumapiripiri yopakatunhu panova padovakhihwa guta ravo, kuti vamugwididzire awe nomusoro. 30Asi iye adobirika nopakati pavo ndokuenda zvache.
Murume anoMweya Udoipa
(Mariko 1:21-28)
31Zvino adoenda kuKaperenaume, guta roGaririya, wanga achivadzidzisa nomusi woSabata. 32Futi vadoshamisika nokudzidzisa kwache, nokuti shoko rache ranga rino chikuriri. 33Musinagogemo manga muno murume wanga ano mweya riri shave ridoipa, adokuwa zvinoruzha achiti, 34“Aa! Munei nesu Jesu woNazareta? Mauya kudzotiparadza chere? Ndinokuzivai, kuti muri Mutsvene waMwari!”
35Asi Jesu adomudzuma achiti, “Nyarara ubirike maari!” Zvino shave paridomuwisira pasi pakati povanhu, ridobirika risinai kumukuwadza.
36Vese vadoshamisiwa nazvo ndokutaurirana vachiti, “Shoko hwai rakareri? Ndava nosimba rochikuriri anodzuma mweya idoipa, ichibva yabirika!” 37Nhau pamusoro pache dzidosvika kumatunhu yese yadopoteredza.
Jesu Anoporesa Vanhu Vazinji
(Mateo 8:14-17; Mariko 1:29-34)
38Zvino adosumuka ndokubirika musinagoge achipinda mumba maSimoni. Manje amezvara vaSimoni vanga vachihwara nomuviri zvidonyanya, vadonyepa Jesu pamusoro pokuhwara kwakareko. 39Jesu adomira pamberi paamezvara vaSimoni Pita ndokudzuma denda. Vadobva vapora kabodzi nokabodzi padenda rakarero, ivo ndokusumuka nokamangu vachitenairira vanhu.
40Zvino zuva paranga raakunyura ratoti piriviri vese vanga vano vahwere vomatenda yadosiyanasiyana vadouya novahwerevo kuna Jesu, iye adoisa maoko yache pamusoro pavo vese achivaporesa. 41Mashave yadobirikawo muvanhu vazinji, yachikuwa yachiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari!”
Asi iye adoyadzuma, achiyarambidza kunyaira, ndava yaiziva kuti ndiye Khirisitu.
Jesu Anoparidza mumaSinagoge
(Mariko 1:35-39)
42Pakwanga kwachena adobirika achienda kwake wega. Vanhu vadomutsvaga ndokumuwana, vadoedza kumuchengetedza kuti arege kudzovasiya. 43Asi iye adoti kwavari, “Ndinofanira kuparidza Nyaya Idonaka youmambo hwaMwari kunoyamwe maguta futi, ndava ndizvo zvandidotumiwa.”
44Zvino wanga achiparidza mumasinagoge yomuJudhiya.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka 4: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International