Ruka 22
22
Kurangana Kubaya Jesu
(Mateo 26:1-5; Mariko 14:1,2; Johwani 11:45-53)
1Zvino mutambo woMazingwa Yasinai Mbiriso unodaidziwa kuti Phasika, wanga wava papfupi. 2Vaphirisita vakuru novanyori vaitsvaga mabairo yavaidzomuita, ndava vaicha vanhu.
Judhasi Anobvuma Kutengesa Jesu
(Mateo 26:14-16; Mariko 14:10-11)
3Manje Sathani adopinda muna Judhasi waiitiwa Sikariyoti, waiverengehwa pagumi novairi, 4adobirika ndokuenda korangana novaphirisita vakuru novatungamiri matengesero yaaidzomuita kwavari. 5Ivo vadofara, ndokuronga kumupasa mari. 6Saka adobvuma, ndokutsvaga mukana wokumutengesa kwavari pasinai gurusvusvu.
Jesu Anogadzirira Kuja Phasika
(Mateo 26:17-25; Mariko 14:12-21; Johwani 13:21-30)
7Zvino zuva roMazingwa Yasinai Mbiriso ridosvika, apo hwayana rophasika raidzoitiwa chipiriso. 8Saka Jesu adotuma Pita naJohwani, achiti, “Endai kotigadzirira phasika, kuti tiije.” 9Vadoti kwaari, “Nghupi kwamunoda kuti tiigadzirire?” 10Iye adoti kwavari, “Onai, kana mapinda muguta, muchakumana nomurume adotakura chirongo chomvura, muteverei mumba maachapinda, 11futi udzai mwenekachiro woimba, ‘Mudzidzisi ari kuti kwauri, iripoi imba yovarendo, mandichajira novadzidzi vangu zigwa rophasika risinai mbiriso?’ 12Iye achakunangidzai kamuri ikuru yopamusoro idorongedzewa, tigadzirirei makaremo. 13Ivo vadoenda, ndokuwana zvidoita semanyairiro yaadovaitira, saka vadobva vagadzira phasika.”
Chirairo chaIshe
(Mateo 26:26-30; Mariko 14:22-26; 1 Vakorinde 11:23-25)
14Nguwa paidosvika, adogarikika patafura ano nhumwa. 15Iye adoti kwavari, “Ndaiditsa kuja naimimi phasika yakarei ndisati ndatambudzika, 16nokuti ndinokunyepai kuti ndichaijaba kusvikira yazazisiwa muumambo hwaMwari.” 17Adotora mukombe, paadopa kutenda adoti, “Utorei wakareyu, mukovane pakati penyu, 18ndava ndinokuudzai kuti kubva zvino ndichamwaba zvomuchero womuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwauya.” 19Futi adotora zingwa, paadorinamatira adorikomora ndokuvapasa achiti, “Uyu muviri wangu unopasiwa kwamuri. Itai zvakarezvi muchindifunga.” 20Ndomwenze pamukombe padopera kuja kwomauro, achiti, “Mukombe uyu udodururiwa nokuda kwenyu ndicho chibvumirano chitsva mugazi rangu. 21Asi onai ruoko raiye ari kundipandukira rinainini pathafura. 22Nokuti Mwanakomana womunhu anoenda sekutahwa kwazvidoitiwa, asi nhamu kumunhu wakareyo anomupandukira.” 23Ipopo vadothanga kubvunzana kuti ngupi pavari waidzoita izvozvi.
Nharo pamusoro poUkuru
24Nharo dzidomukawo pakati pavo, kuti mbani wavo waidzotorewa semukuru. 25Achibva wati kwavari, “Madzimambo yoMarudzi yanovashandisira ukuru, noavo vanomasimba pamusoro pavo vanonzi mbabatsiri. 26Asi mbazvirege kudaro kwamuri, hasa kuti mukuru pakati penyu ave kunge mudikitsa, nomutungamiri aite kunge mushandi. 27Nokuti ngupi mukuru, pano adogarikika pathafura, noanotenaira? Handiti mukuru nguyo anogarikika pathafura? Asi inini ndiri pakati penyu semutenairi. 28Ndimi vaye vadoramba vanainini pakuedzewa kwangu, 29inipano ndidokusarudzirai umambo, fanike masarudzihwo yandidohuitihwa naBaba vangu, 30kuti muje nokumwa pathafura yangu muumambo hwangu, uye mugarikike pamipando muchitonga marudzi gumi nomairi yovaIzirairi.”
Jesu Anozivisa Kuramba kwaPita
(Mateo 26:31-35; Mariko 14:27-31; Johwani 13:36-38)
31“Simoni, Simoni, ziva kuti Sathani adopopera kukutorai kuti akuungurei kunge gorosi, 32asi ndidokunamatira kuti kutenda kwako kureke kukundikana, futi kana wadzodzoka pakare, simbisa abiyako.” 33Adoti kwaari, “Ishe, ndidozvigadzirira kuenda kutorongo futi nokutopfa pabodzi naimimi.” 34Jesu adoti, “Ndinokunyepa Pita, jongwe rinoriraba nasi, usati waramba katatu, kuti unondiziva.”
Chikwama, Nhava noBakatwa
35Futi adoti kwavari, “Pandidokutumai musinai chikwama kana nhava, kana shangu, pano chamudosaya chere?” Vadoti, “Hapanai.” 36Achibva wati kwavari, “Asi manje ano chikwama mbaatore, noanonhava mbaatore, futi asinai bakatwa mbaatengese jasi rache atenge ribodzi. 37Nokuti ndinokunyepai kuti rugwaro rakareri rinofanira kuzazisiwa mandiri, ‘Futi adoverengewa pabodzi novatadzi,’ ndava zvidonyohwa pamusoro pangu zvinokuzazisiwa kwazvene.” 38Futi vadoti, “Nangarai, Ishe, pano pane mapakatwa mairi.” Adoti kwavari, “Zvatokwana.”
Jesu Anonamata paGomo romiOrivhi
(Mateo 26:36-46; Mariko 14:32-42)
39Futi adobirika achienda kugomo roMiorivhi, semaitiro yache, vadzidzi vadomutevera. 40Futi paadosvika panzvimbo adoti kwavari, “Namatai kuti mureke kupinda pakuedzewa.” 41Futi adobirika kubva pavari ndokuenda pamberi zvishoma, adopfugama ndokunamata achiti, 42“Baba, kana muchida biritsai mukombe uyu kwandiri, zvisinei mbakureke kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu, mbakuitiwe.” 43Padooneka ngirozi idobva kudenga ichimusimbisa. 44Ari pakutambudzika kukuru adonamata zvidonyanya. Dukuta rinenge madonhwe yogazi ridodonha pasi. 45Futi paadosumuka kubva pakunamata, adoenda kuvadzidzi ndokuvawana vatoenzera nondava yokusuwa, 46achibva wati kwavari, “Munoenzerereiko? Mukai munamate kuti mureke kupinda pamuedzo.”
Kusungiwa kwaJesu
(Mateo 26:47-56; Mariko 14:43-50; Johwani 18:3-11)
47Paanga achiri kutaura, padouya gurusvusvu, futi murume anoitiwa Judhasi, umwe wovanogumi novairi, anga achivatungamirira. Iye adonyedza papfupi naJesu kuti amutsvode, 48asi Jesu adoti kwaari, “Judhasi, ungatengese Mwanakomana woMunhu nokutsvoda?” 49Zvino vaye vanga vanaye pavadondoona zvanga zvava kuitika, vadoti, “Ishe, tikhwape nomapakatwa here?” 50Umwe wavo adokhwapa nzeve yokuruji yomuranda womuphirisita mukuru ndokuigwata. 51Asi Jesu adoti, “Izvozvo zvakwana.” Futi adobata nzeve yache achimuporesa. 52Ipopo Jesu adoti kuvapirisita vakuru novabati voimba yaMwari novakuru, vanga vauya kudzomusunga, “Mabirika kunge muri kuhwisa gananga, mudopakata bakatwa nonduni? 53Pandanga ndinaimimi muimba yaMwari zuva nozuva, hamunai kundibata. Asi yakarei inguwa yenyu, noyomasimba yorima.”
Pita Anoramba Jesu
(Mateo 26:57-58,69-75; Mariko 14:53-54,66-72; Johwani 18:12-18,25-27)
54Ipopo vadomusunga ndokuenda naye, vachimuisa kumba kwomuphirisita mukuru. Pita adovatevera ari kurefu, 55pavadobatidza moto pakati pochivanze vachigara vese pabodzi, Pita adogara pakati pavo. 56Zvino mushandisikana achimuona adogara pachiedze adomunangaritsa, ndokuti, “Murume wakareyu anga anaye futi.” 57Asi adozviramba achiti, “Amai imi, handimuzivi ini.” 58Pamasure pokanguwa kapfupi umwewo adomuona ndokuti, “Iwewe uri mabiyavo.” Asi Pita adopindura achiti, “Vakuru, ndiniba!” 59Mumasure mochinguwa chinenge awa ibodzi umwe kamu adosimbisa achiti, “Chokwadi murume uyu wanga anaye, ndava ndowomuGaririya.” 60Asi Pita adoti, “Vakuru imi, ndinozivaba zvamunonyaira.” Ipopo achiri kutaura, jongwe ridorira. 61Ishe adocheuka ndokunangara Pita. Zvino Pita adobva watondera shoko raIshe, raadonyaira kwaari achiti, “Uchandiramba katatu nasi Jongwe risati rarira.” 62Adobirika achienda korira zvinosiririsa.
Kunyadziwa noKurohwa KwaJesu
(Mateo 26:67-68; Mariko 14:65)
63Zvino varume vanga vadosunga Jesu vadomunyadza nokumurova, 64vadomusunga pakamu mumaziso zvokariroriro ndokunyaira kwaari vachiti, “Porofita! Mbani wakurova?” 65Vadonyaira mashoko yadowanda yokumunyomba, vachimushora.
Jesu Pamberi Podare
(Mateo 26:59-66; Mariko 14:55-64; Johwani 18:19-24)
66Kwachena, ungano yovakuru vovanhu idoungana pabodzi, kusanganisira vaphirisita vakuru novanyori, vadoenda naye kudare ravo, vachibva vati, 67“Kana uri Khirisitu, tiudze.” Asi iye adoti kwavari, “Kana ndikakuudzai, hamungatende, 68futi kana ndikakubvunzai, munondipinduraba. 69Asi kubva zvino Mwanakomana womunhu achagara kuruoko roruji rosimba raMwari.” 70Vese vachibva vati, “Saka ndiwe Mwanakomana waMwari here?” Iye ndokuti kwavari, “Manyaira kuti ndini.” 71Futi vadoti, “Tichadireiko pfakazi pakare? Tazvinzvira tega kubva pamuromo wache.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka 22: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International