Ruka 23

23
Jesu Pamberi paPirato
(Mateo 27:1-2,11-14; Mariko 15:1-5; Johwani 18:28-38)
1Zvino chaunga chavo chese chidosumuka, chichimuendesa pamberi paPirato. 2Futi vadothanga kumupomera, vachiti, “Tidowana murume uyu achitsambutsa rudzi hwedu, achitirambidza kupereka mitero kuna Khesari, achiti iye pachake ndiKhirisitu mambo.” 3Pirato adomubvunza achiti, “Ndiwe Mambo wovaJudha chere?” Iye adomupindura achiti, “Ndozvawareva.” 4Saka Pirato adodzoti kuvaprista vakuru nokumhomho yovanhu, “Handinai mhosva yandawana pamunhu uyu.” 5Asi vadokurumidza kuti, “Adomutsa vanhu, achidzidzisa kwesekwese muJudhiya rese, kubva muGaririya kutosvika kunzvimbo ino.”
Jesu Anomira Pamberi paHerudhe
6Pirato paadonzva zvakarezvo, adobvunza kana murume wakareyo waiva woGaririya. 7Futi paadondoziva kuti waiva wonzvimbo iri pasi poutongi hwaHerudhe, adomuendesa kuna Herudhe, wanga ari muJerusarema pachake panguwa yakareyo. 8Herudhe paadoona Jesu, adofara maninge, ndava kwonguwa irefu waida kumuona, nondava yokuti wanga wanzva nozvache, futi waigurupira kuona zviratidzo zvaiitiwa naye. 9Saka adomubvunza kwochinguwa asi haanai kupindura. 10Vaphirisita vakuru novanyori vadomira pakarepo, vachimupomera zvidosimba. 11Futi Herudhe novahwi vache vadomubata uyanga vachimunyadza, ndokudzomusimidza chipfeko chinobhwinya, ndokumudzotsa kuna Pirato. 12Futi Herudhe naPirato vadoita ushamwari pazuva rakarero, ndava kare vanga vadozondana.
Jesu Anotongehwa Ipfa
(Mateo 27:15-26; Mariko 15:6-15; Johwani 18:39—19:16)
13Pirato adodaidza pabodzi vaphirisita vakuru novatongi novanhu, 14ndokuti kwavari, “Mauya nomunhu wakareyu kwandiri semunhu wanga achitsambutsa vanhu, asi mumasure mokumuongorora pamberi penyu, mazviona kuti handinai kuwana munhu uyu ano mhosva yozvese zvamuri kumunenedzera, 15naHerudhe haanaiwo, ndosaka wamudzotsa kamu kwatiri. Onai, hapanai chaadoita chinokodzera ipfa. 16Saka ndichamuranga ndomusunungura.” 17Nokuti zvanga zvidokodzera kuti avasunungurire musungwa mubodzi pamutambo.
18 # Mateo 27:20-23; Mariko 15:11-14; Johwani 18:38-40; 19:14-15. Asi vese vadodaidzira pabodzi vachiti, “Mbaabiritsiwe munhu wakareyo! Tisunungurirei Bharabhasi!” 19Munhu wanga adokhandiwa mutorongo nondava yobopoto ridoitiwa muguta, futi nondava yokuponda. 20Pirato adotaura navo pakare, achida kusunungura Jesu. 21Asi vadodaidzira vachiti, “Murovererei, murovererei!” 22Kochitatu adoti kwavari, “Nondava yei, waita chidoipa chipi? Ndaona paari pasinai mhosva idokodzera ipfa, saka ndichandomuranga ndomusunungura.”
23Asi nokamangu vadopopera vachidaidzira nomazvi yopamusoro kuti mbaarovehwe. Zvino mazvi yavo yadokunda. 24Saka Pirato adodzondotongera kuti zvavaipopera vazviitihwe. 25Adosunungura murume wavadokumbira wanga adokhandiwa mutorongo nondava yomunyonga uye nondava nokuponda, asi adopereka Jesu kuzvido zvavo.
Jesu Anorovehwa Pamuchinjikwa
(Mateo 27:32-44; Mariko 15:21-32; Johwani 19:17-27)
26Pavanga vachienda naye, vadobata murume waiitiwa Simoni woKhurini, wanga achipinda achibva kumusha, ndokumutakudza muchinjikwa ari mumasure maJesu. 27Futi adotevehwa nogurusvusvu rovanhu vazinji, novakadzi vanga vachimurira nokumuchema. 28Asi Jesu adochununguka kwavari achiti, “Vanasikana voJerusarema, rekai kundirira, asi zvirirei imimi novana venyu. 29Ndava onai, mazuva yari kuuya pavachati, ‘Vadokomborehwa vasingazvari, nozvibereko zvisinai kumbozvara, nomazamu yasinai kumbomwiwa!’ 30Ipopo vachathanga kuti kumakomo, ‘Tiwirei,’ nokututunhu, ‘Tisvisvei.’ 31Ndava kana vachidai kumuti munyoro, chii chichaitika kana waoma?” 32Vamwe vairi kamu, vanga vari makororo, vaiendesewa kobaiwa pabodzi naye. 33Pavadosvika panzvimbo inoitiwa Dehenya, pakarepo vadomurovera, nomakororo, umwe kuruji umwe kurubose. 34Zvino Jesu adoti, “Baba, varekererei, ndava vanozivaba zvavanoita.” Vadokhanda hakata kuti vakovane majasi yache. 35Vanhu vadondomira pakarepo vadonangara, asi vatongi vadomushora, vachiti, “Adoponesa vamwe, mbaazviponese kana ari Khirisitu waMwari, Musaruhwa wache!” 36Vahwi vadomunyadzawo, vadouya vachimupasa vhiniga, 37vachiti, “Kana uri Mambo wovaJudha, zviponese!” 38Panga panochinyohwa pakare pamusoro pache, “Uyu ndiye Mambo wovaJudha.” 39Umwe womakororo wanga adoturikiwa adomumbombodzera, achiti, “Ndiweba Khirisitu nai? Zviponese naisisuwo!” 40Asi mabiyake adomudzuma, achiti, “Hauche Mwari nai, zvauri pakutongehwa mutongo mubodzi? 41Isisu zvidokodzera, ndava tiri kutambira mubairo udofanira zviito zvedu, asi murume uyu haanai kuita chidoipa.” 42Adobva wati, “Jesu mundirangarire kana mopinda muumambo hwenyu.” 43Adoti kwaari, “Chokwadi ndinoti kwauri, nasi uchava nainini muParadhaisi.”
Kupfa kwaJesu
(Mateo 27:45-56; Mariko 15:33-41; Johwani 19:28-30)
44Yanga yava awa yochitanhatu, padoita rima panyika yese kusvikira paawa yochipfemba, 45zvichiita daipo chiedza chozuva chidodzimwa, jira romuimba yaMwari ndokukeruka nopakati. 46Ipopo Jesu adodaidzira nodzinga rikuru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko yenyu!” Paadondotaura zvakarezvo adobva warosa. 47Zvino mutungamiri wozana paadoona zvidoitika adokudza Mwari achiti, “Chokwadi murume uyu wanga asinai mhosva!” 48Gurusvusvu rese ranga raungana kudzoona zvanga zvichiitika, pavadoona vadokotamisa zviso nondava yokusiririsiwa nazvo, ndokudzokera kudzimba dzavo. 49Vazikani vache vese novanhukadzi vanga vamutevera kubva kuGaririya vadomira kurefu vachiona zvinhu zvakarezvi.
Kuvigiwa kwaJesu
(Mateo 27:57-61; Mariko 15:42-47; Johwani 19:38-42)
50Zvino kwaiva nomurume waiitiwa Josefa waibva muguta rovaJudha roAramatiya. Waiva umwe wovodare, ari munhu adonaka adorurama, 51iye anga asinai kuwirirana nochinangwa chavo nozvavadoita, wanga adotarisira umambo hwaMwari. 52Murume wakareyu adoenda kuna Pirato ndokukumbira chitunha chaJesu. 53Adochiburutsa ndokuchiputiridza nofuko, achimuradzika muguwa ridofongewa padombo, ranga risati ramboradzikiwa munhu. 54Ranga riri zuva roGadziriro, Sabata yanga yaakuthanga. 55Vakadzi vanga vauya naye kubva kuGaririya vadotevera ndokuona guwa, nomaradzikihwo yadoitiwa mutumbi wache, 56Zvino vadodzokera, vachibva vagadzira zvinonushira nozvokuzora. PaSabata vadozorora maringe nomutemo.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Ruka 23: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល