Ruka 21

21
Chipo Chomujiche
(Mariko 12:41-44)
1Adonangara ndokuona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro. 2Adoona umwe mujiche murombo achiisa tumari twokopa tuiri. 3Adobva wati, “Chokwadi ndinokunyepai, mujiche uyu murombo wapa zvizinji kukunda vese, 4ndava vese vapereka kubva pazvizinji zvavanazvo, asi iye paurombo hwache waisa zvese zvaimuraramisa zvaanga anazvo.”
Jesu Anonyaira Zvokuparara kwoImba yaMwari
(Mateo 24:1-2; Mariko 13:1-2)
5Pavanga vachinyaira nozvoimba yaMwari, mashongedzehwo yayanga idoitiwa nomabhwe yanokosha nozvipo zvidopasiwa kuna Mwari adoti kwavari, 6“Kana zviri zvinhu izvi zvamunoona, mazuva yachauya pasingadzosiiwa ibhwe riri pamusoro porimwe risingazokoromorehwa pasi.”
Nhamu Nokutambudziwa
(Mateo 24:3-14; Mariko 13:3-13)
7Ivo vadomubvunza, “Mudzidzisi, izvozvi zvichava rini, futi nyhipi chichava chiratidzo chokuti zvaakuitika?” 8Adoti, “Chenjerai kuti mureke kutsambutsiwa, ndava vazinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini iye!’ Rekai kuvatevera. Futi ‘Nguwa yava papfupi!’ 9Zvino kana mava kunzva zvohondo nokumukirana, rekai kuvhunduka, ndava zvakarezvi zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika.” 10Zvino adoti kwavari, “Rudzi ruchamukira rimwe rudzi, noumambo huchamukira umwe umambo, 11kuchavapo kugwetedzeka kukuru kwonyika, nokunzvimbo dzizinji kuchava nonzara nomatenda, futi kuchaita zvinhu zvinochisa nozviratidzo zvikuru zvichabva kudenga. 12Asi zvakarezvi zvese zvisati zvaitika vachakusungai nokukutambudzai, vachikuendesai kumasinagoge nokumatorongo, futi muchaisiwa pamberi pomadzimambo novatongi nokuda kwozita rangu. 13Iyi ichava nguwa yokuti mupe upfakazi. 14Saka zvizivei mupfungwa dzenyu, kuti hamugare magadzirira zvokupindura, 15ndava ndichakupasai muromo nouchenjeri, zvisingagonewe kukomwesewa kana kupikisiwa nomhandu dzenyu dzese. 16Muchaisiwa munjodzi novabereki chaivo novakoma nohama futi noshamwari, vamwe venyu vachabaiwa, 17muchazondewa novese pamusaka pozita rangu. 18Asi hapanai kana bvudzi romusoro wenyu richaparara. 19Nokutsungirira kwenyu muchawana upenyu hwenyu.”
Jesu Anonyaira Zvokuparadziwa KwoJerusarema
(Mateo 24:15-21; Mariko 13:14-19)
20“Asi pamunoona Jerusarema rapoteredzewa nomauto, moziva kuti kuparadziwa kwarene kwava papfupi. 21Ipopo vanenge vari muJudhiya mbavatizire kumakomo, novaye vanenge vari muguta mbavatobirikira futi, novari kumamisha mbavareke kupinda muguta, 22nokuti yakareya mazuva yokutsiva, kuzadzisa zvese zvidonyorewa. 23Nhamu kuno vanomimba novanomwisa pamazuva yakareyo! Ndava kutambudzika kukuru kuchava panyika noukari pamusoro povanhu vakareva. 24Vachabaiwa nobakatwa, vopambiwa vachiendesewa kumarudzi yese, Jerusarema richatsikiwa novanhu voyamwe marudzi, kusvikira nguwa yovanhu vakarevo yazazisiwa.”
Kuuya kwoMwanakomana woMunhu
(Mateo 24:29-31; Mariko 13:24-27)
25“Kuchava nozviratidzo pazuva, pamwedzi nopanyenyedzi. Marudzi yovanhu panyika vachasaya kudekhara, vachakanganisika nokuunga kwogungwa parinenge richiita mapfeni. 26Vanhu vachawa chikhomo nokucha pavanenge vachitarisira zvinhu zviri kuuya panyika, ndava masimba yokudenga yachagwetedzeka. 27Pakarepo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya nomakuti nomasimba nokubhwinya kukuru. 28Zvino kana zvinhu zvakarezvi zvathanga kuitika, sumudzai misoro yenyu muone, ndava kusununguhwa kwenyu kwava papfupi.”
Chidzidzo kubva paMukuyu
(Mateo 24:32-35; Mariko 13:28-31)
29Futi adovaudza mufananidzo, “Nangarai mukuyu, noimwe miti yese, 30kana yava kupfunda mazani, munoona mega nokuziva kuti mainza yatova papfupi. 31Saka kana maakuona zvinhu zvakarezvi zvichiitika, munoziva kuti Umambo hwaMwari hwasvedera. 32Chokwadi, ndinoti kwamuri, vanhu vonguwa yakarei vanopfuuraba kusvikira zvese zvaitika. 33Denga nonyika zvinopera, asi mashoko yangu yanoperaba.”
Kugaririra Kunodiwa
34“Asi zvichenjererei kuti mwoyo yenyu ireke kunetesewa nokuita nhafu nokukorewa nokuchira upenyu huno, kuti zuva rakarero rikusvikirei kabodzi nokabodzi kunge riva, 35ndava richauya pamusoro povese vanogara pasi pese. 36Asi garirirai nguwa dzese, muchinamata kuti muve nosimba rokupunyuka pazvinhu zvakarezvi zvese zvichaitika, nokumira pamberi poMwanakomana womunhu.”
37Mazuva yese waidzidzisa muimba yaMwari, asi mauro waienda kwaaigara kugomo raiitiwa romuOrivhi. 38Mambakwedza vanhu vese vaiuya kwaari muimba yaMwari kudzomunzva.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Ruka 21: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល