Ruka 1
1
Kuwidzira
1Kudaiku panovazinji vadozvipira kuisa pabodzi rondedzero yozvinhu zvidozazisiwa pakati pedu. 2Ndinokunyorerai semapasihwo yatidozviitiwa naivo vanga vari pfakazi dzidozviona futi vari vashumairi voshoko. 3Saka sezvandidozviteedza zvese ndiri papfupi nazvo kwonguwa irefu, zvidondinakirawo kukunyorerai nhoroondo yokuteedzana kwazvene, iyemi vanoremekedzewa zvidonyanya vaTiofirasi. 4Ndinozviitira kuti muzive chokwadi pamusoro pozvinhu zvamudonyepewa.
Kuzivisiwa Kwokuzvahwa KwaJohwani Muombeki.
5Mumazuva yaHerudhe, mambo woJudhiya, kwaiva nomuphirisita waiitiwa Zakariya, wogovero raAbhiya, waiva nomukadzi wanga ari wokuvanasikana vaAroni, zita rache richiitiwa Erizabheti. 6Vese murume nomukadzi, vanga vadorurama pamberi paMwari, vachifamba mumitemo yese nomumirau yaIshe pasinai chaishoreka. 7Asi vanga vasinai mwana, ndava Erizabheti waiva ngomwa, futi vese vanga vakaramba.
8Zvino padosvika zoro raZakariya, adoshumira semupirisita pamberi paMwari. 9Zvidoitika maererano notsika youphirisita, kuti adobatiwa nohakata kuti apinde mukherekhe yaIshe kuti apise zvinonushira, 10ipopo panguwa yozvinonushira mhomho yese yanga ichinamata iri panze. 11Zvino ngirozi yaIshe idoonewa naZakariya, idomira kuruji roatari yozvinonushira. 12Zakariya paadoona ngirozi adonetseka nazvo, ndokubva wabatiwa nokucha. 13Asi ngirozi idoti kwaari, “Reka kucha, Zakariya, ndava munamato wako wanzvika, futi mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwana mukomana, iwepa womutenza zita rokuti Johwani. 14Futi uchava nomufaro nokukondwa, novazinji vachafara pakuzvahwa kwache. 15Nokuti achava mukuru pamberi paIshe, achamwaba waini kana zvinokora, futi achazadziwa naMweya Mutsvene, kubva mudumbu ramaache, 16futi achadzotsa vanakomana vazinji vovaIzirairi kuna Ishe Mwari wavo. 17Achaenda pamberi paIshe mumweya nomusimba raEriya, kuti adzotse mwoyo yanababa kuvana, novasingateereri kuuchenjeri hwovadorurama, kuva anoitira Ishe vanhu vadogadzirira.”
18Zvino Zakariya adoti kungirozi, “Ndingazvizive tini zvakarezvi? Ndava ndakaramba, futi mukadzi wangu wachembera.”
19Ipopo ngirozi idomupindura ichiti, “Ndini Gabhurieri, anomira pamberi paMwari, ndidotumiwa konyaira kwauri, nokukuvikhira nyaya yakarei idonaka. 20Manje chionaka, uchanyarara futi wotadza kunyaira kusvikira pazuva razvichaitika zvakarezvi, ndava haunai kutenda mashoko yangu, yachazazisiwa nonguwa yayene.”
21Ipopo vanhu vanga vadomirira Zakariya, vadoshamisika nokuchehwa kwache mukherekhe. 22Paadodzobirika, adokonaba kunyaira kwavari, ivo vadobva vaziva kuti wanga waona chiratidzo mukherekhe, adoita zvokuninira kwavari ndokuramba ari chimumumu.
23Padopera nguwa yache yokushumaira, adoenda kumba kwache. 24Musure momazuva yakareyo mukadzi wache Erizabheti adoita mimba, ndokuzvihwanza kwomwedzi mishano, achiti, 25“Ndizvo zvidoitiwa naIshe kwandiri pamazuva yaadondinangara, kuti abiritse kushoreka kwangu pakati povanhu.”
Kuzvahwa KwaJesu Kunotauhwa
26Mumwedzi wochitanhatu ngirozi Gabhurieri idotumiwa naMwari kuenda kuguta roGaririya rinoitiwa Nazareta. 27Idoenda kumhandara yanga idobvunzihwa nomurume waiitiwa Josefa, woimba yaDhavhiti. Zita romhandara yacho raiitiwa Mariya. 28Ngirozi idouya kwaari ndokuti, “Mufaro kwauri, iwe waitihwa mutsa, Ishe anewe!”
29Asi Mariya adonetseka maninge nokunyaira kwakareko, futi adofunga mupfungwa dzache kuti yangave mamoresero hwai yadodaro. 30Ngirozi idoti kwaari, “Reka kucha, Mariya, ndava waitihwa mutsa naMwari. 31Saka chiona kuti, uchava nopamuviri wopona mwana mukomana, wauchatenza zita rokuti Jesu. 32Achava mukuru, futi achadaidziwa kuti Mwanakomana woWokumusorosoro, futi Ishe Mwari vachamupasa mupando wokutonga wababa vache Dhavhiti, 33futi achava Mambo muimba yaJakobho nokusingapere, noumambo hwache hunopfurukaba.”
34Asi Mariya adoti kungirozi, “Anga zvakarezvi zvinoitika tini, sezvo inipano ndisinai murume?”
35Ngirozi idoti kwaari, “Mweya Mutsvene achauya pauri, nomasimba yoWokumusorosoro yachakufukidza, saka mwana achazvahwa achaitiwa mutsvene, Mwanakomana waMwari. 36Chionaka, hama yako Erizabheti mukuchembera kwache watovawo nomimba yomwana mukomana, mwedzi uno watova wochitanhatu womunhu wakareyo waiitiwa ngomwa. 37Nokuti naMwari hapanai chisingagoneke.”
38Mariya adoti, “Onai, ndiri murandakadzi waIshe, mbazviitike kwandiri zvarehwa noshoko renyu.” Ngirozi idobva yabirika paari.
Mariya Anobvakachira Erizabheti
39Mumazuva yakareyo Mariya adosumuka nokamangu kuenda kunyika yomakomo, kuguta roJudhiya. 40Adopinda mumba maZakariya ndokumoresa Erizabheti. 41Zvino Erizabheti paadondonzva izvi rokumoresa kwaMariya, mwana adochiruka mudumbu rache. Erizabheti adozaziwa naMweya Mutsvene, 42futi adobva wakanuka ndokunyaira noizvi rinoruzha achiti, “Udoropafadziwa iwewe pakati paanhikadzi, futi budzi rochibereko chako ridoropafadziwa! 43Asi ndava yei ndaitihwa zvakarezvi, zvokuti amai vaIshe wangu vanouya kwandiri? 44Nokuti izvi rokundimoresa kwako parandosvika munzeve dzangu, mwana ari mudumbu mangu wachiruka nomufaro. 45Adoropafadziwa iye adotenda nokuti kuchava nokuzazisiwa kwozvidonyaihwa naIshe kwaari .”
Chimbo chaMariya Chokurumbidza
46Futi Mariya adoti,
“Mwoyo wangu unokudza Ishe,
47mweya wangu unofarira Mwari Muponisi wangu,
48Ndava adorangarira kuzvidzika kwomurandasikana wache.
Nokuti kubva zvino mazera yese yovanhu yachanditi ndidoropafadziwa,
49nokuti iye anomasimba adondiitira zvinhu zvikuru.
Zita rache ritsvene,
50tsitsi dzache dziri pamusoro paivo vanomucha
kubva kumarudzi kusvika kumarudzi.
51Wanangidza simba noruoko rache,
wapamwadza vanozvitutumadza pamafungiro yomwoyo yavo.
52Wagadzika pasi vanomasimba achivabiritsa pamipando yavo,
achikwidziridza vadozvidzika.
53Wagutisa nozvinhu zvidonaka vanonzara,
vapfumi wavaendesa vari maoko vhuzuvhuzu.
54Wabatsira muranda wache Izirairi,
mukuyeuka tsitsi dzache kwaari.
55Sekunyaira kwaadoita kumadzibaba yedu,
kuna Abhurahamu nokuvana vache nokusingapere.”
56Mariya adogara naErizabheti mwedzi inosvika mitatu, ndokuzodzoka kumba kwache.
Kuzvahwa KwaJohwani Muombeki
57Zvino nguwa idosvika yokuti Erizabheti apone, adopona mwana mukomana. 58Zvino vavakhidzani vache nohama dzache pavadonzva kuti Ishe wamunzvira tsitsi maninge, vadobva vafara naye.
59Vadouya nozuva rochisere kudzochecheudza mwana, pakarepo vadoda kumutenza zita rababa vache rokuti Zakariya. 60Asi amai vache vadoti, “Neye, achatenzewa zita rokuti Johwani.”
61Vadoti kwaari, “Pahama dzenyu hapanai anodaidziwa nozita rakareri.” 62Vadoninira nomanja kuna baba vomwana, vachibvunza zita raidiwa nababa kuti mwana atenzewe.
63Zakariya adokumbira hwendefa rokunyorera, ndokunyora kuti “Zita romwana ndiJohwani.” Vese vadoshamisika nazvo. 64Pasinai nonhambwe yese muromo waZakariya udovhurika, chirimi chache ndokupfuduka, adobva wathanga kutaura achikudza Mwari. 65Kucha kudouya kuvavakhidzani vavo vese, zvinhu zvakarezvi zvese zvidotauhwa munyika yese yomakomo yoJudhiya. 66Vese vadozvinzva vadozviisa muhana dzavo, vachiti, “Mwana iyeyu achava yani?” Ndava janja raIshe ranga rinaye.
Kuporofita kwaZakariya
67Zvino Zakariya baba vache vadozadziwa naMweya Mutsvene, ndokuporofita vachiti,
68“Mbaakudziwe Ishe Mwari waIzirairi,
ndava wabvakachira nokununura vanhu vache.
69Futi watisimudzira simba roruponiso
muimba yomuranda wache Dhavhiti.
70Sekunyaira kwaadoita nomuromo wovaporofiti vache vatsvene kubva karekare,
71kuti atiponese kubva kumhandu dzedu,
nokubva kuno vese vanotizonda,
72kuti aite mutsa udovimbisiwa madzibaba yedu,
nokuyeuka chibvumirano chache chitsvene.
73Mhiko yaadopikira kuna baba vedu Abhurahamu,
74kutipasa kuti isisu,
tikasununguhwa kubva paruoko rovavengi vedu,
timushumire tisingache,
75muutsvene nomukururama pamberi pache
mazuva yese yokurarama kwedu.
76Iwe, mwana, uchadaidziwa kuti muporofiti woWokumusorosoro,
ndava uchaenda pamberi paIshe
kuti umunhadzirire nzira dzache,
77kuti upase ruzivo roruponiso kuvanhu vache
kuburikidza nokuregerehwa kwozvitadzo zvavo,
78nondava yokupfava kwotsitsi dzaMwari wedu,
patichabudihwa nozuva kubva kumusoro
79kupasa chiedza kuno avo vadogara murima nomumumvuri woipfa,
nokutungamira tsoka dzedu munzira yorugare.”
80Futi mwana adokura ndokuva nosimba pamweya, adogara musango kusvikira pazuva raadodzozviisa pachenu kuvaIzirairi.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka 1: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International