Ruka 17

17
Chitadzo
(Mateo 18:6-7,21,22; Mariko 9:42)
1Futi adoti kuvadzidzi vache, “Miedzo yokuti munhu atadze inouya pachokwadi, asi mayanga kuno uyo anouya nayo! 2Zvaitova hasa kwaari kana guyo raisungirihwa mumutsipa wache achichudumutsiwa mugungwa, panokukonzera umwe wovadiki vakareva kutadza. 3Zvichenjererei.”
“Kana hama yenyu yatadza, mudzumei, kana akapinduka, muregererei, 4kana akakutadzirai kanomwe pazuva ribodzi, achidzoka kwamuri kanomwe, achiti, ‘Ndatendeuka,’ munofanira kumuregerera.”
Kutenda
5Nhumwa vadoti kuna Ishe, “Ingidzirai kutenda kwedu!”
6Ishe vadoti, “Dai muno kutenda kunenge mbeu yomasitadhi, maigona kuti kumuti uyu womukuyu, ‘Dzupuka udzikiwe munyanza,’ waikuteererai.”
Basa Romushandi
7“Aripo chere pakati penyu, anomushandi wobasa rokugaura nokurisa mahwai paanenge wabva kumunda angamuti, ‘Chiuya izvozvi ugarikike uje pathafura?’ 8Handiti anotomuti, ‘Tenaira undiitire chirairo, ndije nokumwa. Mumasure mozvakarezvo wodzojawo nokumwa?’ 9Anotenda mushandi chere nondava yokuti waita zvaadoraihwa? 10Naimimiwo, kana maita zvese zvamudoraihwa, moti, ‘Tiri varanda vasingakoshe, tandoita zvataifanira kuita.’”
Jesu Anoporesa Varume Gumi
11Paanga achienda kuJerusarema, adopinda nopakati poSamariya noGaririya. 12Achipinda mumusha, adosangana novanhu gumi vanga vanomabobo, ivo vadomira kurefu, 13ndokusumudza mazvi yavo vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzvirei tsitsi.”
14Paadovaona adoti kwavari, “Endai kozvinangidza kuvapirisita.”
Pavanga vachienda vadobva vapora. 15Zvino mabiyavo, paadondoona kuti waporesewa, adodzoka, achirumbidza Mwari noizvi riri pamusoro, 16Adowira pasi nochiso potsoka dzaJesu, achimutenda. Zvino iyeyo wanga ari muSamariya. 17Ipopo Jesu adoti, “Anga vaporesewa vanga vasiri gumi nai? Ko vapfemba vari poi? 18Hapanai chere wadzoka kuti auye korumbidza Mwari kusiya kwaiyeyu mutohwa?” 19Adoti kwaari, “Sumuka uende zvako, kutenda kwako kwakuporesa.”
Kuuya kwoUmambo
(Mateo 24:23-28,37-41)
20Achibvunziwa novaFarisi kuti Umambo hwaMwari hwaidzouya rini, adovapindura, “Umambo hwaMwari hahuuye nozviratidzo zvinooneka, 21havangati, ‘Onai, huri pano!’ kana kuti, ‘Huri uko!’ ndava nangarai, Umambo hwaMwari huri pakati penyu.”
22Manje adoti kuvadzidzi, “Mazuva yari kuuya pamuchasuva kuona rimwe romazuva yoMwanakomana woMunhu, asi munorionaba. 23Zvino vachati kwamuri, ‘Nangarai, uko!’ kana kuti, ‘Nangarai kuno!’ Rekai kuenda, rekai kuvatevera. 24Nokuti semapenyero yanoita mheni ichivheneka denga kubva kurimwe divi kuenda kuno rimwe, ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu pazuva rache. 25Asi anofanira kutambudziwa pazvinhu zvizinji nokurambiwa novanhu vonguwa ino. 26Sezvazvanga zvidoita pamazuva yaNowa, ndizvo zvazvichaitawo pamazuva yoMwanakomana woMunhu. 27Vaija, vaimwa, vairoorana kusvikira zuva Nowa raadopinda mungarava mvura idouya ichivaparadza vese. 28Ndizvo kamu zvazvanga zvidoita mumazuva yaRoti, vaija, vaimwa, vaitenga, vaitengesa, vaijara, vaivakha, 29asi pazuva ridobirika Roti muSodhoma moto nochefu yoruvara rokheri zvidona kubva kudenga zvichivaparadza vese, 30ndizvo zvazvichaitawo pazuva richaratidziwa Mwanakomana woMunhu.”
31“Pazuva rakarero, uyo anenge ari pamusoro poimba, zvinhu zvache zviri mumba, mbaareke kuburuka kuti azvitore, naiyewo ari kumunda mbaareke kudzoka. 32Yeukai mukadzi waRoti. 33Wese anotsvaga kuchidza upenyu hwache anotaikihwa nahwo, asi anotaikihwa noupenyu hwache achahuchidza. 34Ndinokunyepai, pausiku hwakarehwo pachava novairi pamubhedha mubodzi, umwe achatohwa umwe achisiiwa. 35Pachaita vakadzi vairi vachakuya vari pabodzi, umwe achatohwa umwe achisiiwa. 36Varume vairi vachava mumunda, umwe achatohwa umwe achisiiwa.”
37Ivo vadoti kwaari, “Poi, Ishe?”
Adoti kwavari, “Pano chitunha ndipo panoungana magora.”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Ruka 17: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល