Ruka 18

18
Mufananidzo Womujiche Nomutongi
1Zvino adovanyepa mufananidzo, waidzoita kuti varambe vachinamata vasingaori mwoyo. 2Adoti, “Kuno rimwe guta kwanga kuno mutongi wanga asingache Mwari, kana kuva nobasa nomunhu. 3Zvino paiva nomujiche muguta rakarero wairamba achiuya kwaari achiti, ‘Ndirungamisire nyaya nomhandu yangu.’ 4Kwochinguwa wairamba, asi pasure adoti mumwoyo mache, ‘Kana zvangu ndisingache Mwari kana kuva nobasa nomunhu, 5asi nondava yokuti mujiche wakareyu ari kundinetsa, ndichamurungamisira, kuti arege kundisembura nokuramba achimbondouya kwandiri.’”
6Ishe adoti, “Inzvai zvinonyaihwa nomutongi asinai kururama. 7Zvino Mwari angareke nai kurungamisira vasaruhwa vache vanodaidza kwaari masikati nousiku? Angavachehwere nai? 8Ndinokunyepai, achavarungamisira nokamangu. Zvisinei, panouya Mwanakomana woMunhu achawana kutenda kuripo panyika here?”
Mufananidzo woMufarisi noMuteresi
9Adonyairawo mufananidzo kuno vamwe vaizvivimba kuti vadorurama vachishora vamwe ndokuti, 10“Vanhu vairi vadoenda konamata muimba yaMwari, umwe wanga ari muFarisi, umwe ari muteresi. 11MuFarisi adomira achinamata ari pache wega achiti, ‘Mwari, ndinokutendai kuti handinai kufanana novamwe vanhu, vanonhafu, vasinai kururama, mhombo, kana kunge muteresi uyu. 12Ndinotsanya kairi pasondo, ndinopereka chogumi chozvese zvandinowana.’ 13Asi muteresi, adomira kurefu asingasumudze kana chiso yache kudenga asi adozvidukupisa achiti, ‘Mwari, ndinzvireiwo tsitsi inini mutadzi!’ 14Ndinokunyepai kuti, “Murume wakareyu, adoenda kumba kwache waruramisiwa kukunda muFarisi. Ndava wese anozvikwiridzira achaninipisiwa, asi uyo anozvininipisa achakwiridzihwa.”
Jesu Anoropafadza Vana Vadiki
(Mateo 19:13-15; Mariko 10:13-16)
15Zvino vanga vachiuya kwaari notucheche twese kuti atubate, vadzidzi pavadozviona vadovadzumidza. 16Asi Jesu adovadaidza ndokuti, “Rekai vana vadiki vauye kwandiri, damba wavarambidza, ndava vadodaiva umambo hwaMwari ngwavo. 17Chokwadi, ndinokunyepai, wese asingatambire Umambo hwaMwari kunge mwana mudiki anopindaba mahuri.”
Murume Mupfumi
(Mateo 19:16-30; Mariko 10:17-31)
18Zvino mutongi adomubvunza, “Mudzidzisi adonaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka youpenyu husingapere?”
19Jesu adoti kwaari, “Unondidaidzirei kuti adonaka? Hapanai adonaka asi Mwari wega. 20Mirairo unoiziva inoti, ‘Reka kuita upombwe, reka kubaya, reka kuba, reka kuita upfakazi hwomabhwodo, kudza baba vako namaako.’”
21Iye adoti, “Zvakarezvi zvese ndidozvichengeta kubva paudiki hwangu.”
22Jesu paadozvinzva, adoti kwaari, “Panochibodzi chausati wava nacho. Tengesa zvese zvaunazvo ukovere varombo, ipopo uchava nopfuma kudenga, wouya wonditevera.” 23Asi paadonzva zvakarezvo adododoma chiso, ndava waiva nopfuma idowanditsa.
24Jesu achimunangara adoti, “Maomeroba yazvidoita kuno vapfumi kupinda muumambo hwaMwari! 25Ndava zvidotopusira ngamera kupinda nopaboo ronariti pamupfumi kuti apinde muUmambo hwaMwari.”
26Vaye vadozvinzva vadoti, “Manje mbani angaponesewe?”
27Asi adoti, “Zvisingakwanisiki kuvanhu kuna Mwari zvinokwanisika.”
28Pita adoti, “Onai tidosiya misha yedu tichikuteverai.”
29Zvino adoti kwavari, “Chokwadi, ndinoti kwamuri, hapanai munhu adosiya imba kana mukadzi kana vakoma novanin'ina kana vabereki kana vana, nondava youmambo hwaMwari, 30asingatambire zvizinji zvidopetewa munguwa ino, nomunguwa inouya upenyu husingapere.”
Jesu Anonyaira Kochitatu zvokupfa Kwache
(Mateo 20:17-19; Mariko 10:32-34)
31Achitora vanogumi novairi, adoti kwavari, “Onai, tiri kuenda kuJerusarema, zvese zvidonyohwa novaporofiti pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazazisiwa. 32Ndava achaisiwa mumaoko yovanhu vodzimwe ndudzi, vachamunyadza nokumubata uyanga nokumusvipira mathe, 33Vachamurova nokumubaya, nozuva rochitatu achamuka.”
34Asi hapanai chavadonzvitsitsa pazvese zvakarezvi, kunyaira kwakareku kwanga kudosvisvika kwavari, futi havanai kubata zvidotauhwa.
Jesu Anoporesa Rombe Raipemha
(Mateo 20:29-34; Mariko 10:46-52)
35Paanga wava panyasi noJeriko, murume rombe wanga adogarikika parutivi ponzira achipemha, 36paainzva mhomho yaifamba, adobvunza kuti zvairevei.
37Vadomuudza, “Jesu woNazareta ari kupinda.”
38Iye adodaidzira, “Jesu, Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvirei tsitsi!”
39Zvino vaye vanga vari kumberi vadomudzuma, vachimuudza kuti anyarare, asi adotonyanyitsirafuti kudaidzira, “Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvirei tsitsi!”
40Jesu adomira, achiraira kuti vauye naye kwaari, paadosvika papfupi adomubvunza, 41“Unoda kuti ndikuitire chii?”
Iye adoti, “Ishe itai kuti ndione.”
42Jesu adoti, “Chiona, kutenda kwako kwakuporesa.”
43Pakarepo adobva waona ndokumutevera, achirumbidza Mwari, vanhu vese pavadozviona vadokudza Mwari.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Ruka 18: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល