Ruka 16
16
Mutariri Wopfuma Adochenjera
1Adotiwo kuvadzidzi vache, “Paiva nomupfumi wanga ano mutariri wopfuma, zvipomehwa zvidoisiwa kwaari zvokuti munhu wache anga achimuparadzira zvinhu. 2Saka adomudaidza ndokuti kwaari, ‘Chii ichi chandiri kunzva pamusoro pako? Nditsanangurire mabatiro yauri kuita utariri hwako, nokuti ungaenderereba mberi uri mutariri.’ 3Mutariri adoti mumwoyo mache, ‘Ndichaita tini, sezvo tenzi wangu waakunditorera utariri hwangu? Kuti nditimbe ndidovhuwa, futi kuruvira ndinonyara. 4Ndaziva zvandichaita, kuti vanhu vanditambire mudzimba dzavo kana ndabiritsiwa pautariri.’ 5Saka adodaidza mubodzi mubodzi pavanhu vanga vano zvikwerete naTenzi wavo, adoti kuno wokuthanga, ‘Nzvingani zvaudokwereta kuna tenzi wangu?’ 6Adoti, ‘Zviyero zana zvomafuta yomuOrivhi.’ Adoti kwaari, ‘Tora pokunyorera ugarikike pasi nokamangu unyore makumi mashano.’ 7Zvino adodzoti kuno umwe, ‘Ko iwewe nzvingani zvaudokwereta?’ Iye adoti, ‘Zviyero zana zvogorosi.’ Adoti kwaari, ‘Tora pokunyorera, unyore makumi masere.’ 8Tenzi adopembedza mutariri asinai kutendeka nokuda kwouchenjeri hwache, nokuti vanakomana vonyika ino vadochenjera pamashandiro yavo novanhu vonguwa dzavo kukunda vanakomana vochiedza.”
9“Zvino ndinokunyepai, zviitirei shamwari kuburikidza nopfuma isinai kururama, kuitira kuti painokundikana vakutambirei muugaro hwokusingapere. 10Uyo adotendeka pazvishoma adotendekawo pazvizinji, nouyo asinai kutendeka pazvishoma haanai kutendekawo pazvizinji. 11Manje kana manga musinai kutendeka papfuma isinai kururama, mbani angavimbe naimimi kukupasai pfuma yochokwadi? 12Kana manga musinai kutendeka pazvinhu zvoumwe, mbani achakupasai zvenyu?”
13“Hapanai mushandi angashandire anatenzi vairi, nokuti anodzovenga mubodzi achida umwe, kana kudzozvipira kunomubodzi achinyozera umwe. Hamungashandire Mwari nomari.”
Zvimwe Zvidotauhwa naJesu
(Mateo 11:12-13; 5:31-32; Mariko 10:11-12)
14Zvino vaFarisi vokuditsa mari, pavadonzva zvakarezvo zvese, vadomushora. 15Asi iye adobva wati kwavari, “Ndimi vaye vanozviita vadorurama pamberi povanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu. Nokuti zvinosumudzihwa novanhu, zvidonyangara pamberi paMwari.”
16“Mutemo novaporofiti zvidovapo kusvikira pana Johwani, kubva pakarepo Nyaya Idonaka youmambo hwaMwari iri kuparidziwa. Apa wese munhu ari kupinda mahuri nochisimba. 17Asi zvidotopusa kuti denga nonyika zvipfuruke, panokuti kabhii kabodzi komutemo kasaye basa.”
18“Wese anoramba mukadzi wache achiroora umwe anoita upombwe, naiyewo anoroora mukadzi adorambiwa nomurume wache anoita upombwe.”
Murume Mupfumi NaRazaro
19“Kwanga kuno umwe murume wanga adopfuma, waipfeka nguwo dzitsvuku dzidonaka nokuja zvidonaka mazuva yese. 20Pasuwo pache paigara murume murombo waiitiwa Razaro, wanga adozara zvironda, 21waida kuposhewa nozvaimbwera kubva pathafura yomupfumi, noimbwawo dzaiuya dzichinanzva zvironda zvache. 22Murombo adopfa ndokutakuhwa nongirozi dzichimuisa pachipfuwa chaAbhurahamu. Mupfumi adodzopfawo ndokuvigiwa, 23ari muHadhesi, achiyaura, adosumudza meso yache, ndokuona Abhurahamu ari kurefu naRazaro ari pachipfuwa chache. 24Adodaidzira, ‘Baba Abhurahamu, ndinzvirei tsitsi, tumai Razaro anyike kumhera kwokakumo kache mumvura atonhodze chirimi changu, ndava ndiri kudzimbiwa murimi rino romoto.’ 25Asi Abhurahamu adoti, ‘Mwanakomana, yeuka kuti panguwa youpenyu hwako udotambira zvidonaka zvako, zvidodaro Razaro adotambira zvidoipa, asi zvino ari kunyaradziwa pano, iwepa uri mundondo. 26Pamusoro pozvakarezvo zvese, pakati pedu naimimi padoisiwa gomba ridonoketsa, kuitira kuti vaye vanoda kubva kuno vachiuya kwakareko vatadzirire, uyewo kuti pasaye vangayambukire kuno vachibva kwakareko.’ 27Zvino adoti, ‘Saka ndinokukumbirai baba, kuti mumutume kumba kwababa vangu, 28ndava ndino vanin'ina vashano, kuti avachenjedze, kuti vareke kudzouyawo munzvimbo ino yokuyaura.’ 29Asi Abhurahamu adoti, ‘Mozisi novaporofiti vanavo, mbavavanzve vakarevo.’ 30Asi adoti, ‘Neye, baba Abhurahamu, asi kana pakaita anoenda kwavari achibva kuvadopfa, vachapinduka.’ 31Adoti kwaari, ‘Kana vasinganzvi Mozisi novaporofiti, vanopindukarini kana pakatomuka umwe kubva kuvadopfa.’”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka 16: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International