Ruka 15
15
Hwai Ridotaika
(Mateo 18:12-14)
1Manje vateresi novatadzi vese vadonyedza kuna Jesu kuti vamunzve. 2VaFarisi novanyori vadon'un'uzika vachiti, “Murume uyu anotambira vatadzi, achija navo.” 3Jesu adobva wavanyepa mufananidzo.
4Adoti. “Mbani pakati penyu kana anozana romahwai, anoti kana ribodzi rataika angareke kusiya makumi mapfemba nomapfemba musango, woenda koritsvaga kusvikira wariwana? 5Kana wariwana anoriisa, papfudzi pache achifara. 6Paanosvika kumba anokokera shamwari dzache novavakhidzani, achiti kwavari, ‘Farai nainini, nokuti ndawana hwai rangu ranga rataika.’ 7Nokudaro ndinokuudzai kuti kudenga kunenge kuno mufaro mukuru pamusoro pomutadzi mubodzi anotendeuka, kukunda vanhu makumi mapfemba novapfemba vadorurama vasingade kupinduka.”
Mufananidzo woMari Idotaika
8“Pangave nomukadzi chere anoti kana, ano masirivha gumi, akataya sirivha ribodzi angareke kubatidza mwenje kuti avheneke, wotsvaira mumba mese kusvikira wariwana? 9Kana wariwana anounganidza shamwari dzache novavakhidzani achiti, ‘Farai nainini, nokuti ndawana sirivha randanga ndataya.’ 10Saka ndinotiwo kwamuri, pamberi pongirozi dzaMwari panomufaro kana mutadzi mubodzi watendeuka.”
Mwanakomana Adotaika
11Iye adoti, “Panga pano murume anga ano vana vakomana vairi. 12Mudiki wacho adoti kuna baba vache, ‘Baba, ndipasei chikamu chopfuma yangu yonhaka.’ Baba vadokovanisa pfuma yavo pakati pavo. 13Pasinai nonhambwe yese, mwanakomana mudiki adounganidza pfuma yache yese ndokuenda kuimwe nyika kurefurefu. Adocheneka pfuma yese nomagariro yadoipa. 14Paadopedza kuja pfuma yakareyo yese, nzara idokungudza idovapo kunyika yakareyo, iye adosara asinai chinhu. 15Nokudaro adoenda kogarawo nonzvahwa yomunyika yakareyo, adodzomutuma kumaminda yache kochengeta humba. 16Wanga achitoda kugutsiwa nochikafu chomashanga yaijiwa nohumba, pasinai waimupasa. 17Asi paadozopengenuka adoti, ‘Vashandi vababa vangu vangani vanotoja vachisiya zvimwe, asi pano ini ndaakutopfa nonzara! 18Ndichasumuka ndiende kuna baba vangu, futi ndoti, Baba, ndidotadzira denga, nopamberi penyu, 19Ndichakodzeraba kuitiwa mwanakomana wenyu, ndibatei kunge umwe wovashandi venyu.’” 20Adosumuka ndokuenda kuna baba vache. Asi baba vache pavadomuona achiri kurefu, vadomunzvira mutsa, ndokumhanyira komuzvembetera nokumutsvoda.
21“Mwanakomana adobva wati kwavari, ‘Baba, ndidotadzira denga, nopamberi penyu, ndichakodzeraba kuitiwa mwanakomana wenyu.’ 22Asi baba vadoti kuvashandi vavo, ‘Uyai kamangu nohembe idonakitsa, mupfekedzei, moisa ringi pakakumo kache, noshangu patsoka dzache. 23Muuye nochimhuru chidokora mubaye tije, tifare. 24Nokuti mwanakomana wanguyu wanga wapfa, asi waamupuma pakamu, wanga wataika, asi wawanika.’ Vadothanga kufara.”
25“Zvino mukoma wache anga ari kumunda, paadosvika papfupi nopamumba, adonzva kuimba nokutamba. 26Iye adodaidza umwe wovashandi ndokumubvunza kuti chii changa chichiitika. 27Iye adoti kwaari, ‘Munin'ina wako wauya, saka baba vako vamubaira chimhuru chidokora, nokuti vamuona achiri mupenyu, futi adosimba.’ 28Asi iye adokaripa nazvo, ndokuramba kupinda mukati. Baba vache vadobirika panze ndokumupenzverera. 29Asi adopindura baba vache achiti, ‘Onai, makore aya yese ndidokushandirai, handinai kureka kuteerera kuraira kwenyu, asi hamunai kundipasa kana kashere chaiko kuti ndije ndichifara noshamwari dzangu! 30Asi paandodzoka wakareyu mwanakomana wenyu, wokupedzera upfumi hwenyu kupfambi, mamubaira chimhuru chidokora.’ 31Baba vache vadoti kwaari, ‘Mwanakomana, iwewe uneni nguwa dzese futi zvese zvangu nzvako. 32Zvagara zvidokodzera kupembera nokufara, nokuti munin'ina wako uyu wanga wapfa, apa wararama. Wanga wataika asi wawanika.’”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka 15: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International