Ipopo adoenda naye kuJerusarema, ndokumugadzika pakatorotoro koimba yaMwari, ndokuti kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikhandire pasi kubva pakarepano. Ndava kudonyohwa kuti, ‘Acharaira ngirozi dzache pamusoro pako, kuti dzikuchengete.’ Futi dzichakukacha, kuti gumbo rako rireke kurovera padombo.’”
Zvino Jesu adomupindura achiti, “Zvidotauhwa kuti, ‘Rega kuedza Ishe Mwari wako.’”