Paanga ari munorimwe guta, padouya munhu wanga anomabobo muviri wese. Paadoona Jesu, adowira pasi pamberi pache ndokumuteterera achiti, “Ishe kana muchida, munogona kundinatsa.”
Zvino adotambanudza ruoko rache ndokumubata. Adoti kwaari, “Ndinoda, chinatsiwa.” Kabodzi nokabodzi mabobo yadobva yabirika kwaari.