Ruka KUWIDZIRA
KUWIDZIRA
Vhangeri ridonyohwa naRuka ndimwe romabhuku manai yoChitenderano Chitsva yanotsanangura upenyu hwaJesu Khirisitu. Pamabhuku manai yakareya rimwe norimwe rinoitiwa Vhangeri, zvinoreva kuti “Nhau Dzidonaka.” Mabhuku yoya yari manai daipa yadonyohwa naMateo, Mariko, Ruka naJohwani, mumasure moipfa yaJesu. Munyori anoitiwa Ruka haanai kundonyora nyaya youpenyu hwaJesu chete, asi adonyorawo bhuku rinoitiwa Mabasa yoNhumwa. Mubhuku raMabasa Ruka adonyora zvinhu zvidoitiwa novadzidzi mumasure mokupfa nokumuka kwaJesu. Hapanai anoziva nguwa chaiyo padonyohwa Vhangeri raRuka kana nzvimbo kwaridonyorehwa. Asi vazinji vanodzidza zvoBhaibhiri vanoti rinenge ridonyohwa makore makumi manomwe (70) mumasure mokuzvahwa kwaKhirisitu.
Munyori wakareyu, anoitiwa Ruka, waiva murapi anoshandisa mishonga. Manyorero yache nomashandisiro yache mazvi zvinoisa pachenu kuti wanga ari munhu adodzidza. Ruka adoda kunyora tsananguro idorungama pamusoro poupenyu hwaJesu, achinatsa kutsanangura maitikiro yozvidoitika, kuti vanoverenga zvaadonyora vabatsirike (Ruka 1:1-3). Ruka wanga asiri muJudha (Vakorose 4:10-14), saka adonyora nomanyorero yanonzvitsitsiwa novasiri maJudha. Zvakarezvi zvinooneka pakutsanangura kwache zvotsika dzochiJudha (Ruka 1:8).
Vhangeri yaRuka idoita fanike yaMateo noyaMariko nokuti mabhuku yakareya yanotsanangura zvibodzibodzizvo nomutoo udofanana. Pakati payene yese yari matatu, Ruka ndiye wega anotsanangura zvidokwana pamusoro pokuzvahwa kwaJohwani Muombeki. Ruka anotsindikira pamusoro pokuregerehwa (Ruka 3:3, 11:4, 17:3-4, 23:34, 24:47) futi anonyaira zvidonyanya pamusoro pokunamata (chitsauko 3:21, 5:16, 6:12, 11:1-12, 23:32).
Marongehwo
Muchitsauko chomuna (Ruka 1:1-4), Ruka anowidzira vhangeri rache achitsanangura chikonzero chaadorinyorera.
Adodzotsanangura zvokuzvahwa kwaJesu nonzira yaadozvigadzirira nayo ushumiri (Ruka 1:5—4:13).
Chikamu chikuru choVhangeri raRuka chidonyohwa zvobasa ridoitiwa naJesu. Muchikamu chakarechi Ruka adonyanya kunyora pamusoro pozvishamiso zvidoitiwa naJesu kusanganisira kudzidzisa kwaadoita.
Chokupedzisira, muzvitsauko zvitatu zvokumhera (22-24) Ruka adotsanangura mapfiro yaJesu, mavikhihwo nomamukiro yaadodzoita kubva kuvadopfa.
      ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka KUWIDZIRA: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International