Johwani 15
15
Jesu Muzambiringa Chaiwo
1“Ndini muzambiringa wochokwadi, futi Baba vangu murimi. 2Thai rese riri mandiri risingaite muchero, anoritema, futi thai rese rinoita michero anorichekerera, kuti riite michero mizinji. 3Mudotonatsiwa kare nokudzidzisa kwandidonyaira kwamuri. 4Garai mandiri, nainini mamuri. Fanike thai risingakone kuita muchero riri rega, kana risiri pamuzambiringa, naimimiwo hamugone kubereka muchero, asi kutoti muchigara mandiri basi.”
5“Ndini muzambiringa, imimi muri mathai. Uyo anogara mandiri, nainini maari, ndiye anoita muchero idowanda, nokuti pasina inini hapanai chamunoita. 6Kana munhu asingagare mandiri, anogwatiwa kunge thai wooma, futi mathai yadodaro yanounganidziwa yokhandihwa mumoto yopisiwa. 7Kana mukagara mandiri, nomashoko yangu yachigara mamuri, kumbirai zvese zvamunoda, muchazviitihwa. 8Kukudziwa kwaBaba vangu kunonangidziwa nokubereka kwenyu muchero idowanda, zvakarezvo ndizvo zvamudoitira vadzidzi vangu. 9Kunge kudiwa kwandidoitiwa naBaba, ndomwenze madiro yandinokuitai, garai murudo rangu. 10Kana mukachengeta mitemo yangu, muchagara murudo rangu, fanike kuchengeta kwandidoita mitemo yaBaba vangu ndokugara murudo ravo.”
11“Zvinhu zvakarezvi ndidokunyairirai kuti mufaro wangu uve mamuri, futi kuti mufaro wenyu uzare. 12Uku ndiko kuraira kwangu, kwokuti mudane sezvandidokudai imimi. 13Hapanai anorudo rinokunda rakareri, rokuti munhu anopfira shamwari dzache. 14Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurairai. 15Handichakudaidzai kuti vashandi, nokuti mushandi anozivaba zviri kuitiwa tenzi wache, asi ndidokudaidzai kuti shamwari, nokuti zvese zvandidonzva kuna Baba ndidokuzivisai. 16Hamunai kundisarudza, asi ndidokusarudzai nokukugadzai kuti muende kobereka muchero futi kuti muchero wenyu urambe uripo, kuitira kuti chipi nochipi chamunokumbira Baba muzita rangu, vakupasei chakarecho. 17Uku ndiko kuraira kwangu, kuti mudanane.
Chizondo choNyika
18“Kana nyika ichikuzondai, zivai kuti idondizonda isinati yakuzondai imimi. 19Dai muri vonyika, nyika yaikudai sevanhu vayene. Asi ndidokusarudzai kubva munyika ino saka hamusi vonyika ndokusaka nyika ichikuzondai. 20Yeukai shoko randidokunyepai rokuti, ‘Muranda haakurire tenzi wache.’ Kana inini vadonditambudza, vachakutambudzaiwo, kana vadochengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu. 21Asi zvese zvakarezvi vachakuitirai nokuti muri vangu, ndava havazive uyo adondituma. 22Dai ndisinai kuuya ndichinyaira kwavari, dai vasinai chitadzo, manje havanai mapukunyukiro yavachaita pamusoro pochitadzo chavo. 23Uyo anondivenga anovengawo Baba wangu. 24Dai ndisinai kuita mabasa yasinai kumboitiwa noumwe munhu pakati pavo, dai vasinai zvitadzo, asi manje vadoona ndokuvenga tese inini naBaba vangu.” 25Izvi zvidoitika kuti shoko riri mumutemo wavo riitike rinoti, “Vadondivenga pasinai nyiyo.”
26“Kana Mubatsiri wauya, wandichakutumirai kubva kuna Baba, iye Mweya wochokwadi, anobva panaBaba, achapasa upfakazi pamusoro pangu, 27naimimi muri pfakaziwo, ndava manga muneni kubvira pakuthanga.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Johwani 15: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International