Johwani 14

14
Jesu Nzira Kuna Baba
1“Rekai kutambudzika mumwoyo; tendai muna Mwari, mutendewo mandiri. 2Mumba maBaba vangu muno nzvimbo dzizinji, dai zvisinai kudaro, ndaikunyepai nai kuti ndinoenda kokunhadzirirai nzvimbo? 3Futi kana ndaenda kokunhadzirirai nzvimbo, ndinodzoka pakare kokutorai, kuti muvewo pandinenge ndiri. 4Futi munoziva nzira yokwandiri kuenda.”
5Thomasi adoti kwaari, “Ishe, tinozivaba kwamuri kuenda, ko tingazive tini nzira?”
6Jesu adoti kwaari, “Ndini nzira, nochokwadi, noupenyu, hapanai anouya kuna Baba, asi nopandiri. 7Dai mudondiziva, maizivawo Baba vangu, kubva ipopa munovaziva futi mudovaona.” 8Firipi adoti kwaari, “Ishe, tinangidzei Baba, tichagutsikana.” 9Jesu adoti kwaari, “Firipi, ndanga ndinemi pesepa, haunati wandiziva? Uyo anenge wandiona waona Baba. Unganyaire tini uchiti, ‘Tinangidzei Baba?’ 10Unotendaba nai kuti ndiri muna Baba naBaba vari mandiri? Mazvi yandinonyaira kwamuri handinyaire musimba rangu ndega, asi Baba vanogara mandiri vanoita mabasa yavo. 11Nditendei kuti ndiri muna Baba naBaba mandiri, kana kuti nditendei nondava yomabasa yandinoita. 12Chokwadi ndinokunyepai, uyo anotenda kwandiri achaitawo mabasa yandinoita, futi achaita mabasa yadokuritsa kukunda yakareya, ndava ndinoenda kuna Baba. 13Zvese zvamunokumbira muzita rangu, ndichazviita, kuti Baba vakudziwe muMwanakomana, 14Kana mukakumbira chinhu chipi zvachene muzita rangu, ndichachiita.”
Jesu Anovavimbisa Mweya Mutsvene
15“Kana muchindida, muchachengeta mitemo yangu. 16Futi ndichanamata kuna Baba, ivo vachakupasai umwe Mubatsiri, kuti ave naimimi nokusingapere, 17iye Mweya wochokwadi, asingakone kutambihwa nonyika, ndava haimuone kana kumuziva, imimi munomuziva, ndava anogara naimimi, futi achava mamuri. 18Handikusiyei mudoita kunge hungwa, ndichadzoka kwamuri. 19Asi pakanguwa kadiki, nyika haindione futi, asi imimi muchandiona, ndava ndinorarama, naimipawo muchararama. 20Pazuva rakarero muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, futi imimi muri mandiri, inini ndiri mamuri. 21Uyo anomitemo yangu achiichengeta, ndiye chaiye anondida, futi anondida achadiwawo naBaba vangu, nainini ndichamuda futi ndichazvinangidza pachena kwaari.” 22Judhasi, asiri Judhasi Sikariyoti, adoti kwaari, “Ishe, zvinofamba sei kuti munozvinangidza kwatiri, musingazvinangidze kunyika?” 23Jesu adomupindura achiti, “Kana munhu achindida, achatetekera kudzidzisa kwangu, futi Baba vangu vachamuda, futi tichauya kwaari toita musha wedu naye. 24Uyo asingandide haaterere kudzidzisa kwangu, futi kudzidzisa kwamudonzva mhwanguba asi mhwaBaba vadondituma. 25Ndakunyairirai zvinhu zvakarezvi, ndichiri nemi. 26Asi Mubatsiri, Mweya Mutsvene, achatumiwa naBaba muzita rangu, achakufundisai zvinhu zvese, nokukufungisai zvese zvandidokunyepai. 27Ndinokusiirai runyararo, runyararo rangu ndinokupasai. Handikupasei sekupasa kunoita nyika. Mwoyo yenyu mbaireke kutambudzika, futi rekai kucha. 28Mudondinzva ndichiti kwamuri, ‘Ndichaenda, futi ndichauya kwamuri,’ dai maindida, maitopfara, ndava ndinoenda kuna Baba, nokuti Baba mbakuru kwandiri. 29Futi ndakunyairirai zvisati zvaitika, kuitira kuti kana zvaitika, mutende. 30Handichanyaira zvidowanda naimimi, ndava muchinda wopasi pano ari kuuya. Haanai simba pamusoro pangu, 31asi ndinoita sezvandidoraihwa naBaba, kuti nyika izive kuti ndinoda Baba. Sumukai, mbatiendei.”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Johwani 14: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល