Johwani 13
13
Jesu Anoshambidza Tsoka Dzovadzidzi Vache
1Zvino mutambo woPhasika usati wasvika, Jesu achiziva kuti nguwa yache yasvika yokuti abirike panyika achienda kuna Baba, paadoda vache vanga vari panyika, adovada kusvika pakupedzisira. 2Panguwa yokuja kwomauro, jabhurosi wanga watodira kare mumwoyo maJudhasi mwanakomana waSaimoni Sikariyoti pfungwa yokupandukira Jesu. 3Jesu achiziva kuti Baba vadoisa zvese mumanja yache, futi kuti adouya kubva kuna Mwari futi kuti wanga achienda kuna Mwari, 4saka adosumuka kubva patafura ndokubisa jasi rache rokunze achidira padivi, achibva wazvisunga nothauro, 5zvino adodururira mvura mumbiya ndokuthanga kushambidza tsoka vadzidzi achidzipukuta nothauro raanga adozvisunga naro. 6Adosvika pana Simoni Pita, zvino Pita adobva wati kwaari, “Ishe, maakushambidza tsoka dzangu chere?”
7Jesu adomupindura, “Zvandiri kuita hauzvizive iye manje, asi uchadzozvinzvitsitsa pasure.”
8Pita adoti kwaari, “Hamungamboshambidza tsoka dzangu.”
Jesu adomupindura, “Ndikareka kukushamba, haungave wangu.”
9Simoni Pita adoti kwaari, “Ishe, aikona tsoka dzangu chete asi nomaoko yangu nomusoro wangu futi!”
10Jesu adoti kwaari, “Uyo anenge washamba zvichadaba kuti ashambidziwe, kusiya kwomakumbo yacheyo chete, ndava watochena muviri wese, futi mudotochena, asi hamusi mese.” 11Ndosaka adoti “Mudochenaba mese” ndava waiziva kuti mbani waidzomupandukira.
12Paanga washamba tsoka dzavo watotora jasi rache achirisimira nokudzokera panzvimbo yache, adovabvunza achiti, “Manzvitsitsa chere zvandaita kwamuri? 13Munondidaidza kuti Mudzidzisi uye Ishe, ipopo munokohorora, ndava ndozvandiri. 14Manje kana inini Ishe wenyu noMudzidzisi, ndashamba tsoka dzenyu, saka munofanirawo kushambidzana tsoka. 15Nokuti ndakupasai muenzaniso, kuti muitewo zvandaita kwamuri. 16Ndinokunyepai chokwadi kuti, muranda haakurire tenzi wache, kana nhume haikurire anoituma. 17Kana muchiziva zvinhu izvozvi, mudokomborehwa kana muchizviita. 18Handisi kureva imimi mese ndinoziva vandidosarura. Asi kuti gwaro rizadzisiwe, ‘Uyo wandaija naye zvokuja zvangu wandipandukira,’ 19Ndinokunyairirai zvakarezvi iye zvino, zvisati zvaitika, kuti pazvinodzoitika mutende kuti Ndini Iye. 20Chokwadi ndinokutaurirai kuti wese anotambira wandinotuma anotambirawo inini, futi anotambira inini anotambirawo adondituma.”
Jesu Anogara Wataura Zvokupandukihwa
(Mateo 26:20-25; Mariko 14:17-21; Ruka 22:21-23)
21Zvino Jesu paadonyaira zvakarezvo, adotambudzika mumweya wache ndokuti, “Chokwadi, umwe wenyu achandipandukira.”
22Vadzidzi vadonangarana nangarana, vasingazive waanga achireva. 23Mumwe wovadzidzi vache, waidiwa naJesu, wanga adotsveyamira papfupi nochipfuwa chaJesu, 24adotsvetehwa naSimoni Pita achimuti, “Mubvunze kuti ari kutaura ani.” 25Saka wanga ari papfupi naJesu adoti kwaari, “Ishe, angave yani?” 26Jesu adomupindura achiti, “Nguyo wandichapasa chimepfu kana ndachiseva mumbenge.” Saka paadoseva chimepfu adochipasa Judhasi, mwanakomana waSimoni Sikariyoti. 27Saka mumasure mokutora chimepfu chozingwa, Sathani adopinda muna Judhasi. Jesu adobva wati kwaari, “Zvese zvauchaita, ita nokukurumidza.” 28Zvino vanga vari patafura hapanai adoziva kuti sei adonyaira zvakarezvi kwaari. 29Vamwe vadofunga kuti, ndava Judhasi waigara nohomwe yomari, saka Jesu waimunyepa kuti atenge zvavaida pamutambo, kana kuti waifanira kupasa zvimwe zvinhu kuvarombo.
30Saka paadondotambira chimepfu, adoenda panze nokamangu, futi hwanga hwava usiku.
Mutemo Mutsva
31Judhasi paadobirika, Jesu adoti, “Zvino Mwanakomana woMunhu wakudziwa, futi maari Mwari vakudziwa, 32Kana Mwari akudziwa maari, Mwari achakudzawo Mwanakomana maari, uye achamukudza kabodzi nokabodzi. 33Vana vangu, ndichava nemi kwokanguwa kadiki. Muchanditsvaga, sezvandidoudza vaJudha saka ndava kukuudzaiwo, ‘Kwandiri kuenda munokonaba kuuya.’ 34Ndinokupasai mutemo mutsva, wokuti mudanane. Sekuda kwandidokuitai, naimimi mudanane daro. 35Kana muchidanana vanhu vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu.”
Jesu Anogara Wataura Zvokurambiwa naPita
(Mateo 26:31-35; Mariko 14:27-31; Ruka 22:31-34)
36Simoni Pita adomubvunza achiti, “Ishe, muri kuenda poi?”
Jesu adomupindura kuti, “Kwandiri kuenda haugone kunditevera zvino, asi uchadzotevera pasure.”
37Pita adoti kwaari, “Ishe sei ndisingakone kukuteverai iye manje? Ndinopereka upenyu hwangu nokuda kwenyu.”
38Jesu adomupindura achiti, “Uchapereka upenyu hwako nokuda kwangu chere? Chokwadi, ndinokunyepa kuti, uchandiramba katatu jongwe risati rarira.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Johwani 13: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International