Johwani 11

11
Ipfa yaRazaro
1Zvino umwe murume waiitiwa Razaro wanga achihwara, waibva kuBhetani, musha waMariya, mukoma nomunin'ina naMarita. 2Uyu ndiye uye Mariya wokuzora Ishe mapfuta achipukuta tsoka dzaIshe nobvudzi rache, ndiye wanga anohanzvadzi yaihwara, yaiitiwa Razaro. 3Saka hanzvadzi dzaRazaro dzidotumira shoko kuna Jesu dzichiti, “Ishe, uyeuye wamunoda wahwara.” 4Asi Jesu paadozvinzva adoti, “Kuhwara kwakareku hakusi kwoipfa, ndokwokuitira kuti Mwari akudziwe kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudziwe nako” 5Zvino Jesu waida Marita naMariya, naRazaro wacho. 6Saka paadonzva kuti Razaro wahwara, adoita mazuva mairi adondogara panzvimbo yaanga ari. 7Mumasure mozvakarezvo adoti kuvadzidzi vache, “Mbatiendei kuJudhiya pakare.”
8Vadzidzi vadoti kwaari, “Mudzidzisi, vaJudha vanga vachida kukutemai nomatombo, asi manje maakuenda kwakarekuye pakare?”
9Jesu adovapindura achiti, “Pazuva hapanai maawa gumi nomairi nai? Kana umwe munhu akatekaira masikati, haagwetsewe, ndava anovhenekehwa nochiedza chonyika. 10Asi kana munhu akatekaira usiku, anogwetsewa, ndava haanai chiedza.” 11Wanyaira deipo, ndokudzoti kwavari, “Shamwari yedu Razaro waenzera, asi ndinoenda komumutsa.” 12Vadzidzi vadoti kwaari, “Ishe, kana waenzera, achapora.” 13Zvino Jesu wanga wanyaira zvoipfa yaRazaro, asi ivo vadofunga kuti waireva zvokundozorora adoenzera zvache. 14Saka Jesu adodzovanyairira zviri pachenu, “Razaro wapfa, 15futi nokuda kwenyu ndinofara kuti ndanga ndisipo, kuitira kuti mutende. Asi mbatiendei kwaari.”
16Thomasi, waiitiwa womamhasa adoti kuno vadzidzi biyache, “Tiendeiwo naye, kuti tipfe pabodzi naye.”
Jesu Ndiye Kumuka Noupenyu
17Zvino Jesu paadosvika, adowana Razaro watoisiwa muguwa, patova nomazuva manai. 18Bhetani ranga riri papfupi nokuJerusarema, kudondoita makhiromita matatu, 19vaJudha vazinji vanga vaenda kuna Marita naMariya kobata maoko nokuda kwomayanga yohanzvadzi yavo.
20Marita paadonzva kuti Jesu wanga achiuya, adoenda kokumana naye, asi Mariya adoramba adogara mumba. 21Marita adoti kuna Jesu, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu yaipfaba. 22Asi naipopa ndinoziva kuti chese chamunokumbira kuna Mwari, Mwari anokupasai.”
23Jesu adoti kwaari, “Hanzvadzi yako ichamuka pakare.”
24Marita adoti kwaari, “Ndinoziva kuti achamuka pakare pakumuka kwozuva rokupedzisira.”
25Jesu adoti kwaari, “Ndini kumuka noupenyu; uyo anotenda kwandiri, kana akapfa, asi achararama, 26futi wese mupenyu anotenda kwandiri achapfaba. Unozvitenda chere?” 27Adoti kwaari, “Hinde, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Khirisitu, Mwanakomana waMwari, ari kuuya panyika.”
Jesu Adorira
28Paadonyaira zvakarezvo adoenda kodaidza Mariya mukoma nomunin'ina naye, achimuti nokazevezeve, “Mudzidzisi ari pano, futi ari kukudaidza.” 29Paadondozvinzva izvozvo, adosumuka nokamangu ndokuenda kwanga kuna Jesu. 30Zvino Jesu wanga asati wapinda mumusha, asi wanga achiri panzvimbo yaadosangana naMarita. 31VaJudha vanga vanaye mumba, vachimunyaradza, vadoona Mariya achisumuka kamangu achibirika, vadomutevera vachifunga kuti wanga achienda kuguwa korira ari ikoko.
32Zvino Mariya paadosvika panga pana Jesu achimuona, adopfugama pasi pamberi potsoka dzache achiti kwaari, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu yaipfaba.”
33Zvino Jesu paadomuona achirira, pabodzi novaJudha vaadouya navo, adodzamihwa mumweya wache ndokushushikana, 34futi adodzoti, “Mudomuviga poi?” Vadoti kwaari,
“Ishe, uyai muone.”
35Jesu adorira. 36Saka vaJudha vadoti, “Onai kuti waimuda sei!”
37Asi vamwe vavo vadoti, “Wakareyu wokusvinudza meso yorombe, waikonaba nai kudziirira munhu wakareyu kuti areke kupfa?”
Razaro Anomutsiwa Pakupfa
38Zvino Jesu adonzva kudzamihwa pakare, ndokuenda paguwa, ranga riri bako, nodombo ridoisiwa pamuromo parene. 39Jesu adoti, “Biritsai dombo.”
Asi Marita, hanzvadzi yomupfi adoti kwaari, “Ishe iye manje wakutonuhwa, nokuti kwatopera mazuva manai wapfa.”
40Jesu adoti kwaari, “Ko handinai kukunyairira kuti kana ukatenda uchaona kubhwinya kwaMwari?” 41Saka vadobiritsa dombo. Jesu adosimudza chiso chache ndokuti, “Baba ndinokutendai kuti mandinzva. 42Ndinoziva kuti munondinzva nguwa dzese, asi ndazvinyaira nondava yovanhu vadomira pano, kuti vatende kuti mudondituma.” 43Paadonyaira zvakarezvi, adodaidzira nodzinga ropamusoro achiti, “Razaro, birika.” 44Munhu adopfa adobirika muguwa, maoko nomakumbo yache yanga yadopomberedzewa nojira, chiso chache chidofukidziwa nofuko. Jesu adoti kwavari, “Mumononorei mapiza yomuguwa mumureke aende.”
Kupangana Kubaya Jesu
(Mateo 26:1-5; Mariko 14:1-2; Ruka 22:1-2)
45Saka vaJudha vazinji vanga vauya naMariya vachiona zvidoitiwa naJesu, vadotenda kwaari, 46asi vamwe vavo vadoenda kuvaFarisi ndokuvanyairira zvanga zvaitiwa naJesu. 47Saka vatungamiri vovaphirisita novaFarisi vadounganidza dare, ndokuti, “Toita tini? Nokuti murume iyeyu ari kuita zviratidzo zvidowanda. 48Tikamureka achienderera mberi daipa, vese vachatenda kwaari, ipopo vaRoma vanodzouya kopwanya zvese, imba yaMwari yedu norudzi redu.”
49Asi mabiyawo waiitiwa Kefasi waiva muphirisita mukuru gore rakarero, adoti kwavari, “Hapanai chamunoziva peno, 50munonzvitsitsaba kuti zvidokodzera kwamuri kuti munhu mubodzi apfire vanhu, pano kuti rudzi rese rirege kuparadziwa.” 51Haanai kunyaira zvakarezvi nokuda kwache wega, asi nondava yokuva kwake muphirisita mukuru gore rakarero, adoporofita kuti Jesu waifanira kupfira rudzi rovaJudha, 52aikona kuti rudzi iroro rega, asi kuunganidza pabodzi vana vaMwari vadopamwarira pasi pese.
53Saka kubva pazuva rakarero vadopangana kuti vangamubaye tini. 54Zvino Jesu haanai kudzotekaira pachenu pakati povaJudha, asi adobirika achienda kudunhu rokunyasi kwosango, kuguta rinoitiwa Efuremu, futi adogara kwakareko novadzidzi vache. 55Zvino Paseka mutambo wovaJudha, yanga yaakusvika, futi vazinji vadobva kumatunhu vachienda kuJerusarema Paseka isati yasvika, kuitira kuti vazvinatse. 56Vanga vachitsvaga Jesu vachitonyairirana vadomira muimba yaMwari vachiti, “Munofungei? Kuti haangauye kumutambo?” 57Manje vatungamiri vovaphirisita novaFarisi vanga vatsindikira vanhu vachiti, wese anenge wandoziva kwaiva naJesu, waifanira kuvaudza kuti vamusunge.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Johwani 11: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល