Johwani 10
10
Mufananidzo WaNyakabusa Adonaka
1“Chokwadi, ndinoti kwamuri, uyo asingapindi mubara rohwai nopamusuwo, asi achikwira nopamwewo, munhu iyeyo mbavha nogororo. 2Asi uyo anopinda nopamusuwo ndiye nyakabusa wohwai. 3Ndiye anozururihwa nomuchengeti wopamusuwo, hwai dzinonzva dzinga rache, futi anodaidza hwai dzache nomazita achidzikweerera kunze. 4Kana wadziunganidza dzese kunze, anodzikweerera, idzo dzichimutevera, ndava dzinoziva dzinga rache. 5Dzinoteveraba murendo, asi dzinotomutiza, ndava hadzizive dzinga rovarendo.” 6Mufananidzo wakareyu udoshandisiwa naJesu kwavari, asi vadonzvitsitsaba zvaaivanyepa.
Jesu Nyakabusa Adonaka
7Saka Jesu adonyaira kwavari pakare achiti, “Chokwadi ndinoti kwamuri, ndini sasa robara romahwai. 8Vese vadondithangira kuuya, mbavha nomakororo, saka mahwai hayanai kuvatetekera. 9Ndini musuwo, wese zvache anopinda nopandiri anoponesewa, futi anopinda wobirika achiwana mafuro. 10Mbavha inondouya kuti ibe, nokubaya nokupamwadza basi, ini ndidouya kuti vave noupenyu, kuti vave nahwo hudozara. 11Ndini nyakabusa adonaka. Nyakabusa adonaka anopereka upenyu hwache nondava yomahwai. 12Anenge ari wondomba asiri nyakabusa futi asiri muridzi womahwai, akaona svitsi richiuya anotiza achisiya mahwai, svitsi rinoyabvuta nokuyapamwadza. 13Anotiza ndava ndowondomba asinai hanya nomahwai. 14Ndini nyakabusa adonaka ndinoziva mahwai yangu futi mahwai yangu yanondiziva, 15sekuziva kwandinoitiwa naBaba nainini ndinoziva Baba futi ndinopereka upenyu hwangu nokuda kwomahwai. 16Futi ndinodzimwe hwai, dzisiri dzobara rino, ndinofanirawo kuuya, dzichanzva dzinga rangu. Saka pachaita boka ribodzi nanyakabusa mubodzi. 17Nochikonzero chakarechi Baba vanondida, ndava ndinopereka upenyu hwangu, kuti ndidzohutora pakare. 18Hapanai anohutora kwandiri, asi ndinohupereka ndega. Ndinosimba rokuhupereka, futi ndinosimba rokuhutora pakamu, murairo wakareyu ndidoupasiwa naBaba vangu.” 19Padova nokupesana pakare pakati povaJudha nokuda kwomashoko yakareya. 20Vazinji vavo vadoti, “Anoshave, futi ari kupenga, sei muchimutetekera?” 21Vamwewo vadoti, “Aya matauriroba youye anoshave. Shave ringaite kuti meso yorombe yaone?”
Jesu Anorambiwa
22Yanga yava nguwa yomhepo, pamutambo wokupemberera kuKumikidziwa kwoimba yaMwari muJerusarema, 23Jesu wanga achitekaira muchivanze choimba yaMwari, paberere raSoromoni. 24Saka vaJudha vadomuunganira ndokuti kwaari, “Ucharamba uchida kuti timbondofungidzira kusvika rini? Kana uri Khirisitu wacho, tinyairire zvidojeka.”
25Jesu adovapindura achiti, “Ndidokunyairirai, asi munotendaba. Mabasa yandinoita muzita raBaba vangu, yanondipupurira, 26asi hamutende ndava hamusi mahwai yangu. 27Mahwai yangu yanonzva dzinga rangu, futi ndinoyaziva, pakamu yanonditevera, 28futi ndinoyapasa upenyu husingapere, futi yanopfaba, hapanai achadzoyabvuta mujanja rangu. 29Baba vangu vadondipasa iyo, mbakuru kuno vese, futi hapanai anokona kuyabvuta mujanja raBaba. 30Inini naBaba tiri mubodzi.”
31VaJudha vadohwenga matombo pakare kuti vamuteme, 32Jesu adovapindura achiti, “Ndidokunangidzai mabasa yadonaka yadowanda yadobva kuna Baba, ndipi racho panaiyoya ramunonditemera nomatombo?”
33VaJudha vadomupindura vachiti, “Tinokutemeraba basa ridonaka, asi kushora Mwari, ndava iwepa uri munhuwo zvache daipa, uri kuzviita Mwari.”
34Jesu adovapindura achiti, “Zvidonyohwaba mumutemo wenyu kuti, ‘Ndidoti muri anamwari?’ 35Kana adovati, anamwari ivo vadopasiwa shoko raMwari, nokuti magwaro yangachohweba, 36mungati kuna iye adoitiwa mutsvene naBaba ndokutumiwa panyika, ‘Uri kushora Mwari,’ ndava ndati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari?’ 37Kana ndisiri kuita mabasa yaBaba vangu, saka regai kunditenda ndipo, 38asi kana ndichiyaita, kana zvazvene imipa musinganditende, tendai mabasa, kuti muzive nokunzvitsitsa kuti Baba vari mandiri, nainini ndiri muna Baba.”
39Vadoedza kumusunga pakare, asi adopukunyuka kubva mumaoko yavo. 40Jesu adoenda pakare padonangarana nohwizi Jorodhani, panzvimbo Johwani yaadothanga kuwombekera, futi adoramba ari kwakareko. 41Futi vanhu vazinji vadoenda kwaari, ndokubva vati, “Johwani haanai kuita chiratidzo, asi zvese zvaadonyaira pamusoro pomunhu wakareyu nzvochokwadi.” 42Futi vanhu vazinji panzvimbo yakareyo vadotenda kwaari.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Johwani 10: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International