Paadonyaira zvakarezvi, adodaidzira nodzinga ropamusoro achiti, “Razaro, birika.” Munhu adopfa adobirika muguwa, maoko nomakumbo yache yanga yadopomberedzewa nojira, chiso chache chidofukidziwa nofuko. Jesu adoti kwavari, “Mumononorei mapiza yomuguwa mumureke aende.”