Johwani 9
9
Jesu Anoporesa Murume Adozvahwa ari Rombe
1Paanga achitekaira, adoona murume adozvahwa ari rombe. 2Vadzidzi vache vadomubvunza kuti, “Mudzidzisi, ko mbani adotadza, murume wakareyu kana kuti vabereki vache, zvidoita kuti azvariwe ari rombe?”
3Jesu adovapindura kuiti, “Ndizvoba kuti murume iyeyu adotadza, kana kuti mbabereki vache, asi kuti mabasa yaMwari yaoneke maari. 4Tinofanira kuita mabasa yoadondituma kuchiri kweru daipa, usiku huri kuuya, ipopo hapanai anodzokona kushanda. 5Ndichiri munyika, ndiri chiedza chonyika.”
6Paadonyaira zvakarezvo, adosvipira mathe pasi ndokukanya tumatope nayo, achiparanga mumaziso yorombe, 7achiti kwaari, “Enda koshamba mugambwa rinoitiwa Siromi” (zvinoreva kuti kutuma). Saka adoenda ndokushamba, ndokudzoka waakuona.
8Vavakidzani novadombomuona kare achiri kuita zvokupemha vadoti, “Iyeyu ndiyeba nai munhu waigara achikumbira kare?”
9Vamwe vadoti, “Ndiyeyu,” vamwewo ndokuti, “Neye, vadondofanana.” asi iye waimbondoti, “Ndini.” 10Vadoramba vachindomubvunza vachiti, “Naiwe, meso yako yadovhurika tini?”
11Iye adovapindura achiti, “Murume anoitiwa Jesu adokanya tumatope ndokuparanga mumaziso mangu achinditi, ‘Enda kuSiromi koshamba’ saka ndidoenda ndokubva ndaakuona.”
12Vadoti kwaari, “Ari poi?”
Iye adopindura achiti, “Handizive.”
VaFarisi Vanoongorora Kurapiwa Kwake
13Vadoendesa kuvaFarisi murume waiva bofu. 14Zvino raiva zuva roSabata Jesu paadokanya tumatope achimusvinudza. 15VaFarisi vadomubvunza pakare kuti adoona tini. Iye adoti kwavari, “Adoisa tumatope pamaziso yangu, ndokubva ndashamba, ndokubva ndaakuona.”
16Vamwe vovaFarisi vadoti, “Murume wakareyu haabve kuna Mwari, ndava haachengete Sabata.”
Asi vamwe vadoti, “Ko munhu anenge ari mutadzi angaite tini zviratidzo zvidodai?” Padova nokupesana pakati pavo.
17Saka vadoti pakare kumunhu wanga ari rombe, “Unoti chii naye, iye wakusvinudza meso daipa?”
Adoti, “Muporofiti.”
18Vatungamiri vovaJudha havanai kuzvitenda kuti, wanga ari rombe futi kuti adodzovhuriwa meso, kusvikira vatodaidza vabereki vomurume adovhuriwa meso, 19vadovabvunza vachiti, “Ndiye mwanakomana wenyu, wamunoti adozvahwa ari rombe chere? Manje waakuona tini?”
20Vabereki vache vadovapindura kuti, “Tinoziva kuti iyeyu mwanakomana wedu, futi kuti adozvariwa riri rombe, 21asi kuti manje waakuona sei hatizivi, futi tinozivaba kuti mbani wasvinudza meso yache. Mubvunzei wayaruka, anozvinyairira wega.” 22Vabereki vache vadotaura daipo nokuti vaicha vatungamiri vovaJudha, nokuti vatungamiri vovaJudha vanga vatorangana kuti kana ani zvache akaita upfakazi hwokuti Jesu ndiye Khirisitu, waidzodzingiwa musinagoge. 23Saka vabereki vache vadodzoti, “Wayaruka, mubvunzei.” 24Saka vadodaidza kochipiri murume wokuzvahwa ari rombe, ndokuti kwaari, “Pasa mbiri Mwari, tinoziva kuti munhu wakareyu mutadzi.” 25Adovapindura achiti, “Kana ari mutadzi, ndinozvizivaba, chinhu chibodzi chandinoziva nyhokuti, ndaiva rombe, manje ndaakuona.”
26Vadomubvunza vachiti, “Adoita chii kwauri? Adokupenyesa tini?”
27Adovapindura achiti, “Ndakunyairirai kare, asi munotetekeraba. Munodirei kuzvinzva pakare? Munodawo kuita vadzidzi vache nai?”
28Manje vadobva vamushora vachiti, “Iwepa ndiwe mudzidzi wache, asi isisu tiri vadzidzi vaMozisi. 29Tinoziva kuti Mwari adotaura naMozisi, asi kana ari munhu wakareyu, tinozivaba kwaanobva.”
30Murume adopindura achiti, “Sei, izvi zvinoshamisa! Hamuzivi kwaanobva, asi iye wasvinudza meso yangu. 31Tinoziva kuti Mwari haatetekeri vatadzi, asi kana ari anocha Mwari, achiita zvinomufadza, Mwari anomutetekera. 32Hazvinai kumbonzvika kubva pakuthanga kwonyika kuti panoadovhura meso yomunhu adozvahwa ari rombe. 33Dai munhu wakareyu asinai kubva kuna Mwari, waikonaba kuita chinhu.”
34Vadomupindura vachiti, “Udozvahwa muzvitadzo zvizinji, waakuda kudzidzisa isisu futi?” Vadobva vamudzingira kunze kwosinagoge.
Upofu hwoMweya
35Jesu paadonzva kuti vamubiritsa panze, uye paadodzomuwana adomuti, “Unotenda chere kuMwanakomana woMunhu?” 36Adomupindura, “Changamire, ndiudzei kuti ndiyani kuti nditende kwaari?” 37Jesu adoti kwaari, “Wamuona, futi ndiye ari kunyaira kwauri.”
38Adoti, “Ishe ndinotenda,” achibva wamunamata. 39Jesu adoti, “Kutonga ndiko kwandidovinga panyika pano, kuti vaye vasingaone vaone, futi kuti vaye vanoona vave marombe.” 40Vamwe vaFarisi vanga vari papfupi naye pavadonzva zvakarezvo, vadoti kwaari, “Naisisuwo tiri marombe chere?” 41Jesu adoti kwavari, “Dai maiva marombe, maivaba nomhosva, asi zvino munoramba munomhosva nokuti munoti, munoona.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Johwani 9: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International