Mabasa yoNhumwa 3
3
Munhu Adoremara Adoporesewa
1Zvino rimwe zuva Pita naJohwani vanga vachienda kuimba yaMwari nonguwa yomunamato, iri nguwa yochipfemba. 2Murume wanga adoremara kubva pakuzvahwa, wanga achitakuhwa mazuva yese, vachimuisa pamusuwo woimba yaMwari udotenzewa kuti Suwo Ridonaka kuitira ambokumbira zvipo kubva kuno vaipinda muimba yaMwari. 3Paadoona Pita naJohwani vaakutoda kupinda muimba yaMwari, adovakumbira mari. 4Zvino Pita naJohwani vadomunangaritsa, pakarepo Pita ndokuti, “Tinangare!” 5Iye ndokunangara kwavari achigurupira kutambira chinhu kubva kwavari. 6Asi Pita adoti kwaari, “Sirivha nondarama handinai, asi ndinokupasa chandinacho, muzita raJesu Khirisitu woNazareta tekaira.” 7Adomubata janja roruji, ndokumusumudza, pakarepo tsoka dzache nozviziso zvotsoka zvidosimbisiwa. 8Adochiruka ndokutekaira achipinda muimba yaMwari navo, achitekaira nokuchiruka achirumbidza Mwari. 9Uye vanhu vese vadomuona achitekaira achirumbidza Mwari, 10vadomuziva, kuti ndiye waigara pasuwo rinoitiwa Ridonaka roimba yaMwari achikumbira zvipo, vadokanganisika nokushamisika nozvidoitika kwaari.
Mharidzo yaPita muImba yaMwari
11Zvino murume paanga achidobatirira kunaPita naJohwani, vanhu vese vadoshamisika ndokuuya vachitizira kwavari paberere raiitiwa raSoromoni. 12Manje Pita paadoona zvakarezvi, adoti kwavari, “Hama dzangu vaIzirairi, mashamisiwa neiko pamusoro pozvakarezvi, ndavayei muchitinangaritsa sekunge nhisu taita kuti murume wakareyu atekaire nosimba redu, kana nokururama kwedu? 13Mwari waAbhurahamu nowaIsaki nowaJakobho, naMwari womadzibaba vedu, ndiye adokudza muranda wache Jesu, wamudopandukira uye mukamuramba pamberi paPirato, iye wasarudza kuti amusunungure. 14Asi imimi mudoramba iye Mutsvene adorurama, mudokumbira kuti musunungurihwe mhondi, 15Mudobaya muvambi woupenyu, asi Mwari adomumutsa kubva kuvadopfa kudeiku isisu tiri pfakazi dzozvakarezvi. 16Nokutenda muzita raJesu murume wakareyu wamuri kuona nowamunoziva waporesewa, uye kutenda kwache muna Jesu ndiko kwaita kuti murume wakareyu adomira pamberi penyu aporesewe sezvamuri kuona mese.
17Asi zvino, hama dzangu vaIzirairi, ndinoziva kuti mudozviita nokusaya kuziva ndomwenze vatungamiri venyuwo pakamu. 18Asi yakareya ndiyo mazazisiro yaadoita Mwari pano zvaadonyaira kuburikidza novaporofiti vese achizivisa kuti, Khirisitu waidzotambudzika. 19Pindukai ndipo, mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvitadzo zvenyu zvidzimiwe, kuti nguwa dzokusanduriwa dzinobva kuna Ishe dzisvike, 20kuti atume Muponisi Jesu waadogadza nokuda kwenyu. 21Iye anofanira kuramba ari kudenga kusvikira nguwa yasvika yokuti zvinhu zvese zviitiwe zvitsva sezvidovimbisiwa naMwari kare kuburikidza novaporofiti vache vatsvene. 22Nokuti Mozisi adoti, ‘Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muporofiti adofanana nainini kubva pakati pohama dzenyu. Munofanira kumutetekera pazvese zvaanokunyepai. 23Wese asingamutetekere achaparadziwa zvachose kubva pavanhu.’ 24NovaPorofiti vese vadonyaira, kubva panaSamueri novadodzomutevera pamasure, vadonyairawo zvomazuva yakareyano. 25Imimi muri vaji vonhaka yovaPorofiti, novosungano yaMwari yaadoita nomadzibaba venyu. Paadoti kuna Abhurahamu, ‘Kuburikidza novana vako vanhu vese vopanyika vacharopafadziwa.’ 26Mwari paadomutsa wache, adothanga kumutuma kwamuri kuti akuropafadzei achidzotsa umwe noumwe wenyu kubva panzira dzenyu dzidoipa.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mabasa yoNhumwa 3: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International