Mabasa yoNhumwa 27
27
Phauro anoenda kuRoma
1Zvino pazvidosarudziwa kuti tiende kuItari, vadopereka Phauro novamwe vasungwa kumukuru wozana romauto yohondo, waiitiwa Juriyasi. 2Ipopo tidopinda muchikepe chokuAdhiramitiyamu, changa chaakutosumuka kuenda kuzviteshe zvomumhenderekedzo dzoEzhiya, tidopinda mugungwa tichiperekedzewa naArisitakasi, wokuMakedhoniya waibva kuThesaronika. 3Zuva ridotevera tidoenzera paSidhoni, uye Juriyasi adobata Phauro zvinotsitsi, ndokumupasa mvumo yokuenda kushamwari dzache kuti ariritihwe. 4Pakupinda mugungwa kubva pakarepo tidokwasva tiri pakudzivirihwa kweSaipurasi, ndava duthu raipikisana nesu. 5Uye patidokhwasva nodivi rinogwata gungwa tichisiya Sirisiya noPamufiriya, tidosvika paMaira muRisiya. 6Pakarepo mukuru wozana romauto adowana chikepe chokuArekizandiriya chaienda kuItari, ndokutipinza makaremo.
7Tidokwasva pashomapashoma kwomazuva yanoverengeka, ndokusvika nomatsurutsuru patidosiya Kinidhasi, sezvo duthu harinai kutitendera kuenda mberi, tidokwasva tiri nopamukoto woKhireti tatarisana noSarome. 8Tichishupika kuipindirira munyasi mayene, tidosvika panzvimbo inoitiwa Chiteshe choFeya, paiva papfupi noguta roRasiya.
9Nguwa idowanda yanga yapera, nohwendo hwanga hwatova munjodzi nokuti zuva rokutsanya ranga rapfuura, Phauro adovayambira, 10achiti, “Varume, ndinoona kuti hwendo huchava nonjodzi nokurasikihwa kukuru, kusiri kwozvinhu nochikepe chete, asi noupenyu hweduwo.” 11Asi mukuru wozana romauto adotetekera zvidonyanya kumukuru wochikepe nokumuridzi wachene kukunda zvidonyairiwa naPhauro. 12Uye nondava yokuti pachiteshe panga pasinai kukodzera kupedza mwaka wochando vari pakarepo, vazinji vadopasa zano rokuti vaende mberi mugungwa kubva pakarepo, nokugurupira kuti pamwe vaidzondosvika Fonikisi, panhandare yoKhireti, panosangana mhepo yokumaodzanyemba kudodziva kumabvazuva noyokuchamhembe kudodziva kumabvazuva, uye vaidzova pakarepo mumwaka wochando.
Duthu paGungwa
13Zvino padovhuvhuta duthu rokuchamhembe zvidodzikamira, vachifunga kuti zvavanga vachigurupira zvaitika, vadobisa zvibatiso ndokukhwasva vachideva vari munyasi momahombekombe yoKhireti, papfupi nomukati mochiteshe. 14Asi nokamangu duthu ridosimbitsa rinobva kumusoro rinoitiwa, rokumaodzanyemba kudodziva kumabvazuva ridorova richibva panyika, 15zvino chikepe pachidobatiwa hachinai kukwanisa kunangarana noduthu. Tidoreka zvidodaipo uye tidondogwididzihwa. 16Pakutizira nopadodziirihwa nokatsuwa kadiki kanoitiwa Khaudha, tidokwanisa kuchengetedza kamwadiya nokutambudzika. 17Mumasure mokukasumudza vadotora matanho yokusimbisa chikepe. Zvino vachicha kuti vaidzomhanyira paSitisi, vadodzura chibatiso, ndokureka chikepe chichigwididzihwa nomhepo. 18Pataimbondogwididzihwa zvidonyangara noduthu, zuva ridotevera vadothanga kukhanda mitoro yochikepe kunze. 19Futi pazuva rochitatu vadotaya midziyo yochikepe nomanja yavo pachavo. 20Zvino pakusinai kuoneka zuva kana nyenyedzi kwomazuva yadowanda, futi risiri duthu ridiki ridova patiri, ipopo tariro yedu yese yokuchira tidopedzisira taitaya.
21Mumasure mokunge vapedza nguwa irefu vasinai zvokuja, Phauro adoenda pamberi pakati pavo ndokuti, “Varume dai mudonditetekera, mudoreka kusumuka muchibirika paKhireti, dai musinai kudzosangana nonjodzi nokurasikihwa kwakareku. 22Zvino ndaakukukumbirai kuti murambe mudoshinga. Ndava pachaitikaba kurasikihwa noupenyu pakati penyu, asi chikepe basi. 23Nokuti usiku hwakarehuno ngirozi yaMwari wangu wandinonamata yamira nainini 24ikanditi, ‘Reka kucha, Phauro, unofanira kumira pamberi paSiza, saka nangara, Mwari wakupasa vese ava vanokwasva naiwewe.’ 25Saka tsungai mwoyo, varume, ndava ndinokutenda muna Mwari kuti zvichava chaizvoizvo sekunyairihwa kwandaitiwa. 26Asi tichataihwa pachimwe chitsuwa.”
27Padosvika usiku hwochigumi nohunai, pataigwididzihwa pakati pogungwa roAdhiriyatiki, panenge pakati pousiku vakwasvi vadozimbwa kuti vaapapfupi nonyika. 28Saka vadopima ndokuwana pari pagwiri zvokusvika zviyero makumi mairi. Pamberi pacho zvishoma vadopima pakare ndokuwana pava pagwiri zvokusvika zviyero gumi nozvishano. 29pakucha kuti tinodzorovera pamabhwe, vadodzikisa zviremereso zvinai kubva kumasure kwochikepe, ndokunamatira kuti zuva ribude. 30Zvino vakhwasvi pavaitsvaga mapukunyukiro kubva muchikepe, ndava vanga vaderedza chikepe mugungwa, vachiita kunge vaidzikisa kamwadiya kubva pazasi, 31Phauro adoti kumukuru wozana romauto nokumauto, “Kusiya kwokunge varume vakareva varamba vari muchikepe, hamungaponesewe.” 32Saka mauto yadogwata thambo dzokamwadiya, ndokukasiya kachienda.
33Utonga pahwanga hwatsvuka, Phauro adovakurudzira vese kuti vaje, achiti, “Nasi rava zuva rochigumi nomanai musingaje, muchindonangarira mudondodaro. 34Manje ndinokukumbirai kuti mutore zvokuja. Zvichakupasai simba, zvapasisina kana kabvudzi kachaparara kubva mumusoro woupi zvache pakati pedu.” 35Ipopo paadonyaira zvakarezvi, adotora mazingwa, ndokupasa kutenda kunaMwari pamberi pavo vese, ndokuchikomora ndokuthanga kuja. 36Saka vese vadokurudzirika ndokujawo zvokuja pachavo. 37Tese pabodzi muchikepe taisvika mazana mairi nomakumi manomwe novatanhatu. 38Uye pavadoja vachiguta, vadorerutsa chikepe, vachikhandira gorosi mugungwa.
Kubamuka kwochikepe
39Zvino pakwanga kwachena, havanai kuziva nzvimbo yakareyo, asi vadoona padandaro pokuzororera. Vadokungura kuti dai zvaigoneka vaiunza chikepe pachiteshe. 40Saka vadogwata zvisimbiso ndokuzvisiya mugungwa, ukuwo vachisugudura thambo dzaisunga zvokukwasvisa. Zvino vachisumudzira kumberi duthu richivhuvhuta vadosvika pachiteshe. 41Asi pachidorovera pajecha, gumakuma rachene ridonamira pasi ndokurambirira. Apawo kumasure kwachene kudoparadziwa nosimba rosaisai.
42Urongwa hwomauto hwanga huri hwokubaya vasungwa, kuti vareke kuyachira vachipunyuka. 43Asi mukuru wozana romauto, nokuti waida kuchidza Phauro, adovarambidza kuita chinangwa chavo. Adoraira vaye vaikona kuyachira kuti vathange kuzvikhanda kumberi kuti vasvike panyika. 44Vamwe vese vadoenda vari pazvimuti zvidovezewa nopazvidimbu zvochikepe. Saka zvidoitika kuti vese vadopukunyuka vachienda kunze.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mabasa yoNhumwa 27: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International