Mabasa yoNhumwa 28
28
PaMorota
1Mumasure mokupukunyuka kwedu, tidodzoziva kuti chitsuwa changa chichiitiwa Merita. 2Uye vagari vopakarepo vadotiitira tsitsi dzidonyanya, ndava vadobatidza moto ndokutikokera tese, nokuti kwanga kwathanga kuna uye kwaakutonhora. 3Phauro wanga waunganidza kasvinga kohuni ndokuisa pamoto, padobva pabirika nyoka nokuda kwokupisa ndokumuruma pajanja rache. 4Vagari vopanzvimbo yakareyo pavadoona nyokayo yarembera pajanja rache, vadonyairirana vachiti, “Munhu wakareyu imhondi, saka kunyange wapukunyuka zvache kubva pagungwa, kuenzanisa kwamubvumiraba kuchira.” 5Asi zvidodaipo zvazvene Phauro adozunzira nyokayo mumoto futi haanai kunzva kudzimba kudomutambudza nokuti haanai kukuwadziwa. 6Vadomirira, vachimufungira kuti achazvimba kana kundoerekana wakomoka achipfa, asi pavadomirira nguwa irefu vachiona pasinai zvidonyangara zvichiitika kwaari, vadosandura mafungiro yavo, ndokubva vati ndimwari.
7Zvino papfupi nonzvimbo yakareyo kwaiva nonzvimbo yomurume waiva mukuru wochitsuwa, waiitiwa Pabhiriyasi, adotitambira nokutivaraidza zvokwabhwino kwomazuva matatu. 8Zvidoitika kuti baba vache Pabhiriyasi vanga vadoenzera vachihwara nomuiri nokuita manyoka, saka Phauro adopinda makaremo ndokunamata, adoturika manja yache pavari ndokuvaporesa. 9Pazvidoitika zvakarezvi, vanhu vese vopachitsuwa vanga vachihwara vadouya ndokuporesewa. 10Vadotipasa zvipo zvidowanda, patanga taakuenda, vadotirongedzera zvese zvataida.
Kubva paMorota kuenda kuRoma
11Mumasure momwedzi mitatu tidopinda muchikepe changa chapedza mwaka womhepo chiri muchitsuwa, chikepe chokuArekizandiriya, chidoisiwa mufananidzo womusoro wovakomana mambasa. 12Patidoenzera paSairakasi, tidogara pakarepo kwomazuva matatu. 13Uye kubva pakarepo tidotenderera ndokusvika paRejiyamu, mumasure mozuva ribodzi duthu rokuchamhembe ridosumuka, zvino pazuva rochipiri tidosvika paPuteyori. 14Pakarepo tidowana hama, ndokubva takokewa kuti tigare navo mazuva manomwe. Saka tidosvika kuRoma. 15Ipopo hama dzomakaremo, padzidonzva pamusoro pedu, vadouya kudzosangana naisisu vachibva kurefurefu sekuguta raApiyasi nomaguta matatu yaidaidziwa kuti yokutandarira. Phauro paadovaona adotenda Mwari futi zvidomusimbisa.
MuRoma
16Patidosvika muRoma, Phauro adotendehwa kuti agare wega, adochengetedzewa nomuuto.
17Kwapera mazuva matatu adodaidza pabodzi vatungamiri vovaJudha vomunzvimbo yakareyo, zvino pavadoungana, adoti kwavari, “Hama, kana ndisinai chandidoita ndichitadzira vanhu kana tsika dzomadzibaba vedu, asi zvidodaipo ndidoperekewa mumanja yovaRoma ndiri musungwa kubva kuJerusarema. 18Pavadondiongorora, vadoda kundisunungura, ndava panga pasinai chikonzero chokuti ndipfe pamurandu wangu. 19Asi vaJudha pavadopikisa, ndidomanikidzihwa kukwidza nyaya kuna Siza kana pasinai chinhu chandinomhangarira rudzi rangu. 20Nochikonzero chakarechi ndakumbira kuti ndikuonei nokunyaira naimimi, nokuti nochikonzero chotariro yovaIzirairi ndidosungiwa nongetani dzakaredzi.”
21Saka vadoti kwaari, “Hatinai kutambira tsamba kubva kuJudhiya pamusoro pako, futi pahama dzese dziri kuuya kuno hapanai adopasa upfakazi kana kunyaira zvidonyangara pamusoro pako. 22Asi tinoda kunzva kwauri kuti maonero yako njapi, nokuti pamusoro poboka rakareri tinoziva kuti kwesekwese riri kutauriwa zvokuripikisa,” 23Pavadosarudza zuva rache, vadodzoenda vadowanda kwaanga achigara. Zvino adotsanangura nyaya kwavari kubva mangwanani kusvika mauro, achipa upfakazi hwoumambo hwaMwari nokuedza kuvatendesa pamusoro paJesu zvichibva pamutemo waMozisi novaporofiti. 24Asi vamwe vadotendesewa nozvaadonyaira, ukuwo vamwe havanai kutenda. 25Saka, pavasinai kuwirirana pachavo, vadobirika, Phauro paanga wanyaira zvokuti, “Mweya Mutsvene wanga adokohoroka mukunyaira kumadzibaba yenyu kuburikidza namuporofiti Isaya. 26Paadoti,
‘Enda kuvanhu vakareva uti kwavari,
Muchanzva chaizvo asi musinganzvitsitse,
futi muchaona asi musingaonetsetse,
27nokuti mwoyo yovanhu vakareva yatindivara,
nonzeve dzavo dzaneta kunzva
futi vatsinzina meso yavo.
Nokuti vangadzoona nomeso yavo,
nokunzva nonzeve dzavo,
nokunzvitsitsa nomwoyo yavo,
vodzopindukira kwandiri,
kuti ndivaporese.’”
28Mbazvizikane kwamuri kuti irori ruponiso raMwari ridotumihwa yamwe marudzi, vachatetekera. 29Paadonyaira mashoko yakareya, maJudha vadobirika ndokuthanga kupikisana pachavo.
30Uye adogara pakarepo makore mairi yadozara achizviriritira mumba mache, nokutambira vese vaiuya kwaari, 31achiparidza umambo hwaMwari nokudzidzisa pamusoro paIshe Jesu Khirisitu zviri pachenu uye asingatadzisiwe.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mabasa yoNhumwa 28: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International