Mabasa yoNhumwa 17
17
MuThesaronika
1Zvino Phauro naabiyache pavadodarika nopaAmufiporisi noAporoniya, vadosvika paThesaronika, panga pano sinagoge rovaJudha. 2Zvino Phauro adopinda mukati setsika yache, uye kwomasondo matatu adopikisana navo kubva mumagwaro, 3achitsanangura nokuratidza kuti zvanga zvidokodzera kuti Khirisitu atambudzike nokumuka kuvadopfa, achiti, “Jesu wakareyu, wandinokuparidzirai, ndiye Khirisitu.” 4Vamwe vavo vadokurudzirika, ndokubatana naPhauro naSairasi, ndizvo zvidoitiwa novanamati vazinji vochiGiriki novanhukadzi vairemekedzewa aikona vashoma.
5Asi vaJudha vanga vano chanje, vadotora varume vadoipa, mhandu, vadounganidza mhomho yovanhu, ndokumutsa bongozozo muguta, vachihwisa imba yaJasoni, vachida kuvabiritsira kuvanhu. 6Pavadovasaya, vadozvuvira Jasoni nodzimwe hama pamberi povakuru voguta, vachidaidzira vachiti, “Varume vakareva vadosunamisa nyika vadosvikawo kuno, 7Jasoni adovatambira, vese vari kuita zvinopesana nozvirevo zvaKesari, vachiti, panoumwe mambo, Jesu.” 8Vanhu pabodzi novakuru voguta, vadokanganisiwa pavadonzva zvakarezvo. 9Zvino pavadotora chibatiso kuna Jasoni novamwe, vadovasiya vachienda.
MuBheriya
10Nokamangu hama dzidoendesa Phauro naSairasi kuBheriya nousiku, ivo pavadosvika vadopinda musinagoge rovaJudha. 11Zvino vaJudha vakareva vanga vadonaka kukunda vokuThesaronika, ndava vadotambira shoko nomwoyo unochido, vachinzvera magwaro zuva rimwe norimwe, kuti vaone kana zvinhu zvakarezvo zviri izvo. 12Nokudaro vazinji vavo vadotenda, zvichisanganisira varume novakadzi vaikudziwa vaiva vaGiriki vanga vadowanditsa. 13Asi vaJudha vokuThesaronika pavadozviziva kuti shoko raMwari raiparidziwa naPhauro nopaBheriyawo, vadouyawo ipopo, vachibvundurira nokunyonganisa mhomho. 14Ipopo hama nokamangu dzidoendesa Phauro nokugungwa, asi Sairasi naTimoti vadosara pakarepo. 15Avo vadoperekedza Phauro vadomusvitsa kuAtene, vadoti vatambira rairo yokuudza Sairasi naTimoti kuti vakurumidze kuuya kwaari, vadobirika vachienda.
MuAtene
16Zvino Phauro paanga adovamirira paAtene, adosorewa mumweya wache paadoona kuti guta ranga ridozara nozvifananidzo. 17Nokudaro adopikisana novaJudha, novanamati, novamwe vaaikumana navo musinagoge, nopamusika zuva rimwe norimwe. 18Vamwe vafungitsitsi vovaEpikurini novaSitoiki vadosangana naye. Vamwe vadoti, “Chiiko chinonyaihwa nomuwawati wakareyu?” Vamwe vadoti, “Anenge muparidzi wanamwari vasingazikane” ndava adoparidza Jesu norumuko. 19Ipopo vadomubata, ndokumuisa paAreyopago, vachiti, “Tinoda kuziva kuti nghupi kudzidzisa kutsva uku kwaunoreva? 20Nokuti uri kuuya nozvinhu zvitsva panzeve dzedu; saka tinoda kuziva kuti zvinhu zvakarezvi zvinorevei?” 21Zvino vanhu vokuAtene vese, novatohwa vaigara makaremo, hapanai chavaipedzera nguwa kunze kwokunyaira kana kunzva chinhu chitsva.
22Zvino Phauro, adomira pakati poAreyopago, adoti, “Varume voAtene, ndinoona kuti pazvinhu zvese muri vanamati chaizvo. 23Nokuti pandaipfuura, ndidowanawo atari ino munembo uyu, ‘Kuna mwari asingazikane.’ Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai. 24Mwari adoita nyika nozvese zviri mairi, ari Ishe wodenga nonyika, haagari muzvivakwa zvidogadzihwa novanhu, 25haashumihwe nomanja yovanhu, kunge ano chinhu chaanosaya, sezvo ari iye anopasa vanhu vese upenyu nokufema nozvese, 26iye adoita marudzi yese yovanhu yachibva pamunhu mubodzi kuti vagare panyika pese, wambotara nguwa nomigano yougaro hwavo, 27kuti vatsvage Mwari, notariro yokuti vamutsvatsvadzire, vamuwane. Kana nepo asiri kurefu noumwe noumwe wedu. 28Nokuti
‘Maari tinorarama nokufamba nokuva zvatiri,’
sezvidoreva vamwe vadetembi venyu,
‘Nokuti tiri vorudzi rache.’
29Zvatiri rudzi raMwari, hatifaniri kufunga kuti hu Mwari hudofanana nondarama, kana sirivha, kana ribwe, zvidovezewa noumasiri nokufunga kwomunhu. 30Mwari adoreka zvache kuyeuka nguwa dzokusaya zivo, asi zvino anoraira vanhu vese kwesekwese kuti vapinduke, 31nokuti adotara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waadomisikidza, zvakarezvi adozvisimbisa kuvanhu vese nokumumutsa kubva kuvadopfa.”
32Zvino pavadonzva zvokumuka kovadopfa, vamwe vadoseka, asi vamwe vadoti, “Tichadzokunzva pakamu pamusoro pozvakarezvi.” 33Nokudaro Phauro adobirika pakati pavo. 34Asi vamwe varume vadobatana naye pakutenda, pakati pavo paiva naDhiyonisiyasi, muAreyopago, nomukadzi wainzi Dhamari, novamwe pabodzi navo.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mabasa yoNhumwa 17: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International