Mabasa yoNhumwa 18
18
MuKorinde
1Mumasure mozvakarezvo, Phauro adobva paAtene achienda kuKorinde. 2Adowana muJudha, waiitiwa Akwira, nzvahwa yokuPondasi, achandobva kuItari, naPurisira mukadzi wache, nokuti Khiraudhiyasi wanga waraira kuti vaJudha vese vabirike muRoma. Saka adoenda kovaona, 3zvino nokuti wanga ari wobasa ribodzi navo adogara navo, vachishanda, ndava basa ravo ranga riri rokugadzira matende. 4Sabata regarega adokurukurirana navo musinagoge, achikohomedza vaJudha novaGiriki.
5Sairasi naTimoti pavadosvika vachibva kuMakedhoniya, Phauro wanga adobatikana nokuparidza, achipupurira vaJudha kuti Jesu ndiye Khirisitu. 6Zvino pavadomupikisa nokumushora, adokuhumura hembe dzache adoti kwavari, “Gazi renyu mbarive pamisoro yenyu! inini handinai mhosva. Kubva iyezvino ndichaenda kuno vasiri vaJudha.” 7Adobirika pakarepo achienda kumba kwaTito Jusito, anonamata Mwari, imba yache yanga iri papfupi nosinagoge. 8Khirisipasi mukuru wosinagoge, adotenda muna Ishe, pabodzi novoimba yache vese; novaKorinde vazinji vadonzva ndokutenda vadoombekewa.
9Zvino pano humwe usiku Ishe adonyaira kuna Phauro muchiratidzo achiti, “Reka kucha, nyaira, reka kunyarara, 10ndava ndinewe, hapanai munhu achakuhwisa kuti akukuwadze, ndava ndinovanhu vazinji muguta rakarerino.” 11Saka iye adogara gore nomwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
12Asi Gariyo paadova mukuru woAkaya, vaJudha vadobatana kuhwisa Phauro vachimuendesa kudare romhosva, 13vachiti, “Murume wakareyu ari kukurudzira vanhu kunamata Mwari zvinopesana nomutemo.” 14Asi Phauro paanga waakuda kunyaira, Gariyo adoti kuvaJudha, “Dai iri nyaya yokudzonga kana mhosva ikuru, ndingadai ndino chikonzero chokuita mwoyo murefu naimipa, vaJudha, 15asi sezvo iri nyaya yomibvunzo yomashoko nomazita nomutemo wenyu, zvionerei mega, inini ndinoramba kuva mutongi wozvinhu zvakarezvo.” 16Adovabiritsa mudare. 17Zvino vese vadobata Sositeni, mukuru wosinagoge, ndokumurova pamberi podare. Asi Gariyo haanai kuita basa nazvo.
KuDzokera kuAndiyoki
18Mumasure mozvakarezvi Phauro adogara pakarepo mazuva mazinji. Adodzobva pahama, achibva waenda kuSiriya nochikepe, ana Akwira naPurisira, paKenikiriya adogusiwa bvudzi mumusoro wache ndava wanga ano mhiko. 19Zvino vadosvika paEfeso, iye ndokuvasiya pakarepo, asi iye pachake adopinda musinagoge ndokupikisana novaJudha. 20Pavadomukumbira kugara nguwa irefu, haanai kubvuma; 21asi achigonekana navo adoti, “Ndichadzoka kwamuri kana Mwari achida,” ndokubirika paEfeso nochikepe.
22Paadosvika paKesariya, adoenda komoresa kherekhe, ndokudzoenda kuAndiyoki. 23Pamasure pokutora nguwa ari pakarepo adobirika, achienda kunzvimbo nonzvimbo mumatunhu yoGaratiya noFirigiya, achisimbisa vadzidzi vese.
Aporo muEfeso nomuKorinde
24Zvino muJudha waiitiwa Aporo, nzvahwa yokuArekizandiriya, adouya kuEfeso. Wanga ari murume anokona kunyaira, waiziva magwaro chaizvo. 25Wanga adorovedzehwa munzira yaIshe, futi achipisa pamweya, adonyaira nokunatsa kudzidzisa nozvaJesu, kunyange zvazvo waindoziva ruombeko raJohwani basi. 26Iye adothanga kunyaira asingache musinagoge, asi Purisira naAkwira pavadomunzva, vadomutora ndokumutsangurira nzira yaMwari zvidozara. 27Adoti achida kuyambukira kuAkaya hama dzidomukurudzira, dzichinyorera kuvadzidzi kuti vamutambire. Paadosvika, adobatsira zvikuru ivo vanga vatenda kuburikidza nomutsa waMwari, 28Ndava nosimba adokunda vaJudha pachena, achinangidza noMagwaro kuti Jesu ndiye Khirisitu.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mabasa yoNhumwa 18: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International