Mariko 13
13
Zviratidzo Zvomazuva Yokupedzisira
(Mateo 24:1,2; Ruka 21:5,6)
1Zvino paanga achibirika muimba yaMwari, umwe mudzidzi wache adoti kwaari, “Mudzidzisi, nangarai muone kushamisa kwomabwe nozvivakwa zviri pano.”
2Jesu adomudaira achiti, “Muri kuona chere zvivakhwa izvi zvikuru zvoimba yaMwari? Hapanai dombo richasara riri pamusoro porimwe risinai kukoromohwa.”
Nhamu Nokutambudziwa
(Mateo 24:3-14; Ruka 21:7-19)
3Paanga wagarikika pagomo roMiorivhi padonangarana noimba yaMwari, Pita, Jakobho, Johwani naAndireya vadouya kwaari pavo vega ndokumubvunza, 4“Tinyepei, ndirini pachaitika zvinhu zvakarezvi, pachava nochiratidzo chei chokuti zvaakuda kuitika?”
5Jesu adoti kwavari, “Chenjerai kuti mureke kutsambutsiwa nomunhu. 6Vazinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Khirisitu,’ vachitsambutsa vazinji. 7Muchanzva zvohondo nomarehwarehwa yohondo, regai kuvhunduka nokuti zvakarezvo zvinofanira kuitika, asi kuguma kunenge kusinati kwasvika. 8Nyika dzichapandukirana, noumambo huchamukirana, pachava nokugwetedzeka kwonyika munzvimbo dzizinji, pachava nonzara. Kwakareku kuchava kuthanga kwonhamu asi kuguma kunenge kusati kwasvika.
9Zvichenjererei nokuti vachakukwirirai kumatare, nokukurovai mumasinagoge. Muchamisiwa pamberi pomadzimambo novatongi nokuda kwangu kuti huve upfakazi kwavari. 10Nyaya Idonaka inofanira kuthanga yaparidzihwa marudzi yese. 11Kana maendesewa kudare, regai kunetseka kuti muchanyairei. Panokwana nguwa yacho ndotaurai zvamunopasiwa. Ndava mashoko yamunonyaira njenyuba, yanobva kuna Mweya Mutsvene. 12Mukoma nomunin'ina vachabayisana, baba nomwana wavo. Novana vachamukira vabereki vachivabayisa. 13Muchazondewa novanhu vese nokuda kwangu, asi anochiirira kusvika pakuguma achaponesewa.
Zvidonyangara Zvinochisa
(Mateo 24:15-28; Ruka 21:20-24)
14Asi kana moona nyangadzi honzeri yotsambwa (anoverenga mbaacherechedze). Vari muJudhiya mbavatizire kumakomo. 15Ari pamusoro poimba yache mbaarege kuburuka achipinda mumba kuti awane chaangabiritse. 16Naiyewo ari kumunda mbaarege kudzoka kumba kudzotora chokusimira. 17Asi pamazuva yakareyo zvichanyanya kunyangarira vanomimba novanomwisa! 18Namatai kuti zvireke kuitika panguwa yomhepo. 19Nokuti pamazuva yakareyo pachaita matambudziko yasinai kumboitika kubva pakusikiwa kwonyika naMwari kusvika zvino, futi yanodzoitikaba kamu. 20Dai Ishe vaireka kutapudza mazuva yakareyo, hapanai waichira, asi nokuda kwovasaruhwa vache mazuva yakareyo yachatapudziwa.
21Zvino kana munhu akati kwamuri, ‘Onai, Khirisitu ari pano kana kuti onai ari uko,’ regai kuzvitenda. 22Nokuti anaKhirisitu vomabhwodo novaporofiti vomabhwodo vachamuka vachiita zviratidzo nozvishamiso kuti kana zvichikwanisika vatsambutse novasaruhwa vacho. 23Asi chenjerai nokuti ndagara ndakuudzai zvese zvisati zvaitika.”
Kudzoka kwaKhirisitu
(Mateo 24:29-31; Ruka 21:25-28)
24“Mumazuva yakareyo, mumasure mokutambudzika, zuva richadzimwa, mwedzi uchatadza kuvhenekera, 25Nyenyedzi dzichambwera kubva kudenga, masimba yokudenga yachagwetedzeka. 26Ipopo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakuti nomasimba makuru nokubhwinya. 27Achatuma ngirozi dzache kuti dziunganidze vasaruhwa vache kubva kumativi manai yonyika, kubva kumheramhera kwonyika kusvika kumheramhera kwodenga.
Kudzidza Kubva Pamukuyu
(Mateo 24:32-35; Ruka 21:29-33)
28Zvino dzidzai pamukuyu kana mathai yawene yaakuthungira mazani matsva, munoziva kuti mainza yaakusvika. 29Ndomwenze daro kana maakuona zviitiko zvakarezvi zvathanga kuitika, zivai kuti kudzoka kwache kwava papfupi, pamusuwo chaipo. 30Chokwadi, ndinoti kwamuri vanhu vonguwa yakarei havapfi vese zvisati zvathanga kuitika. 31Denga nonyika zvichapfuura asi mashoko yangu yanopfuuraba.
Hapanai Anoziva Zuva kana Nguwa
(Mateo 24:36-44)
32Asi kana riri zuva nonguwa yakareyo inoziviwaba nomunhu, kana ngirozi dzokudenga, kana Mwanakomana, asi Baba vega. 33Chenjerai, murindire, ndava hamuzive kuti nguwa inosvika rini. 34Zvidofanana nomunhu adoenda hwendo hurefu. Anosiya wapasa vashandi vache mabasa yokuita, ndokuudza murindiri wopamusuwo kuti agaririre. 35Rambai mudondogaririra nokuti nguwa inodzoka mwenekachiro womusha munoizivaba, pangave pakati pousiku, mukanganyama kana mangwanani. 36Kuti areke kundoyerekana wasvika achikuwanai mudoenzera hope. 37Zvandinokunyairirai imimi ndinoudza vese: Garirirai!”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mariko 13: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International