Mariko 12
12
Mufananidzo Wovarimi Vadoipa
(Mateo 21:33-46; Ruka 20:9-19)
1Ipopo Jesu adothanga kunyaira kwavari nomufananidzo achiti, “Umwe murume adosima miti yomizambiringa mumunda mache, ndokuusosera, achibva wachera gomba rokusvinira muto, ndokuvakha chirindo, zvino adousiira vashandi achibva waenda kunyika iri kurefu. 2Nguwa yokukohwa paidosvika, adotuma muranda wache kuvashandi kuti vamupase michero yomunda. 3Ivo vadomubata ndokumurova ndokumuendesa asinai chinhu. 4Adotuma kamu umwe muranda kwavari. Vadomurova musoro, nokumubata uyanga. 5Adotuma umwe kamu, uyu vadomubaya. Novamwe vazinji vaadotuma, ivovo vaivarova kana kuvabaya. 6Kusvikira wasarihwa nomwanakomana mubodzi waaiditsitsa wokutuma, Adotuma wakareyo ari wokupedzisira, achigurupira kuti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ 7Asi vashandi vakarevo vadorangana vachiti, ‘Uyu ndiye muji wonhaka, mbatimubayei, kuti nhaka isare yava yedu.’ 8Vadomubata, ndokumubaya, vachimukhandidzira kunze kwomunda womizambiringa.
9Chii chichaitiwa nomwenekachiro womunda? Achauya achibaya vashandi vakarevo, wopasa vamwe munda wache. 10Hamunai kuverenga gwaro rakareri nai?
‘Ibhwe ridorambiwa novavakhi
ndiro ridodzova musoro wokhona.
11Izvi zvidoitiwa naIshe,
zvinoshamisa mumaziso yedu!’”
12Ipopo vadozimbwa kuti wataura mufananidzo wakareyo achireva ivo. Saka vadotsvaga mabatiro yavangamuite asi vadocha vanhu, ndokubva vamusiya, vachienda zvavo.
Kukudziwa kwaMwari nokwoVatongi
(Mateo 22:15-22; Ruka 20:20-26)
13Zvino vadodzotuma vamwe vovaFarisi novokwaHerudhe kumuteya kubva pamashoko yache. 14Ivo vadouya vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri pachokwadi hamusanduriwe nomunhu, ndava hamuverenge kuti munhu mbani. Asi munodzidzisa vanhu chokwadi chaMwari chaicho. Zviri pamutemo chere kuti tiripe mitero kuna Khesari kana kurega?
15Tipereke chere kana tiregedze?” Asi Iye nokuziva unyengeri hwavo adoti, “Sei muchida kunditeya? Ndipasei dhinari ndirione.”
16Vadouya naro kwaari, iye ndokuti kwavari, “Chiso nomunembo wakareyu nzvaani?
Ivo vadoti kwaari, “NzvaKesari.”
17Ipopo Jesu adoti kwavari, “Saka pasaika Khesari, zvaKesari, mopasawo Mwari zvaMwari.”
Vadobva vashamisiwa naye.
Kuroorana Pakumuka kwoVadopfa
(Mateo 22:23-33; Ruka 20:27-40)
18Zvino padodzouyawo vaSadhusi vanoti hakunai kumuka kwovadopfa, ndokumubvunza vachiti, 19“Mudzidzisi, Mozisi adotinyorera kuti, ‘Kana munhu akapfa achisiya mukadzi wache asinai mwana, munin'ina womupfi mbaatore mukadziyo kuti aberekere mukoma wache vana. 20Zvino panga panovanakomana vanomwe, wokuthanga adoroora ndokupfa achisiya mukadzi asinai mwana. 21Wochipiri adomugara nhaka, iyewo adopfa achisiya kamu mukadzi asinai mwana, wochitatu adoitawo zvibodzi bodzizvo. 22Zvidoitika nzvokuti vese vari vanomwe vadopfa pasinai adosiya adoita mwana nomukadzi wakareyo. Pakupedzisira mukadzi adodzopfawo. 23Sezvo mudzimai wakareyu adova mukadzi wovarume vese vari vanomwe, pakumuka kwovadopfa achadzova mukadzi waani?” 24Jesu adoti kwavari, “Chakarechi ndichoba nai chikonzero chamuri kutaika nacho, chokusaya kuziva Magwaro pabodzi nosimba raMwari? 25Nokuti pakumuka kwovadopfa, havaroore kana kuroodzewa, asi vanenge vaita kunge ngirozi dziri kudenga. 26Zvino panyaya yokumuka kwovadopfa, hamuna kuverenga nai mubhuku raMozisi paadonyora zvidotauhwa naMwari padzambwa achiti, ‘Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaki, naMwari waJakobho?’ 27Saka haasi Mwari wovadopfa asi ndiMwari wovapenyu, ipopo muri kutaikitsa.”
Mutemo Mukuru
(Mateo 22:34-40; Ruka 10:25-28)
28Zvino umwe wovanyori waivawo pakarepo paadonzva kunetsana kwavaiita, adoona kuti Jesu wapindura vaSadhusi zvidonaka, adomubvunzawo achiti, “Ngupi mutemo wokuthanga panoyese?”
29Jesu adomupindura achiti, “Wokuthanga nguyu, ‘Inzva Izirairi, Ishe Mwari wedu ndiye Ishe mubodzi, 30Futi unofanira kuda Ishe Mwari wako nomwoyo wako wese, nomweya wako wese, nokufunga kwako kwese, nosimba rako rese.’ 31Wochipiri nguyu, ‘Unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita.’ Hapanai umwe murairo unokurira yakarei.”
32Ipopo munyori adoti, “Mudzidzisi zvamanyaira nzvochokwadi, ndava kuna Mwari mubodzi, hakunai umwe kunze kwache. 33Nokumuda nomwoyo wese nokunzvitsitsa kwese nosimba rese, nokuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita. Izvozvi zvinokunda zvipiriso zvese zvinopisiwa nozvibairo.”
34Jesu paadoona kuti wapindura zvidochenjera, adoti kwaari, “Hausi kurefu noumambo hwaMwari.”
Kubva ipopo hapanai futi adodzotsunga kumubvunza mubvunzo.
Anga Khirisitu Mwanakomana waDhavhiti Chere?
(Mateo 22:41-46; Ruka 20:41-44)
35Zvino Jesu paaidzidzisa ari muimba yaMwari adoti, “Seiko vadzidzisi vomurairo vachiti Khirisitu Mwanakomana waDhavhiti? 36Dhavhiti pachake adotaura ari muMweya Mutsvene achiti,
‘Ishe adoti kuna Ishe wangu,
‘Garikika kuruji kwangu
dzamara ndaisa vavengi vako pasi potsoka dzako.’
37Zvino kana Dhavhiti pachake achimudaidza kuti Ishe, anodzova mwanakomana wache tini?” Chaunga chidofara kumunzva.
Anovachenjedza Pamusoro Povanyori
(Mateo 23:1-36; Ruka 20:45-47)
38Pakudzidzisa kwache adoti kwavari, “Chenjererai vanyori vanofarira kuthadzvaira vadosimira majasi marefu, nokumoresewa vachiremekedzewa novanhu munzvimbo dzinokumana vanhu vazinji. 39Vanoda kamu kugara pazvigaro zvopamusoro mumasinagoge, nopamabiko vachida kupiwa nzvimbo dzovanhu vanoremekedzewa. 40Vanonyepera kuita minamato mirefu vari mudzimba dzovajiche vachidzovabiridzira.” Kurangiwa kwavo kuchava kukuru.
Chipo Chikuru
(Ruka 21:1-4)
41Jesu paanga adogarikika padonangarana nochivigiro chomari, adoona mapasihwo yaiitiwa mari novanhu. Vapfumi vazinji vaipereka mari idowanda. 42Padodzouyawo mujiche murombo ndokukhandawo tumari tudikidiki tuiri tunokwana sendi. 43Ipopo adodaidza vadzidzi vache akati kwavari, “Chokwadi ndinoti kwamuri mujiche murombo uyu wapereka zvidowanda kukunda vese vaisa muchivigiro. 44Nokuti vamwe vese vapereka vachibiritsa kubva pazvizinji zvavanazvo. Asi iye pakusaya kwache wapereka zvese zvaanga anazvo, zvaifanira kumuraramisa.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mariko 12: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International