Mateo 25

25
Mufananidzo woVasikana Gumi
1Umambo hwokudenga hungafananidziwe novasikana gumi vadotora mwenje yavo vachienda kochingura murume. 2vashano vacho vanga vadozungaira, vashano vanga vadochenjera. 3Nokuti vadozungaira pavadotora marambe yavo, havanai kutora mafuta, 4asi vadochenjera vadotora tudende tomafuta pabodzi nomarambe yavo. 5Murume paadochehwa, vese vadokotsira ndokuenzera.
6Asi pakati pousiku padodaidzihwa, ‘Onai murume! Birikai momuchingura.’ 7Ipopo vasikana vaye vese vadomuka vachibatidza marambe yavo. 8Vadozungaira vadoti kuno vadochenjera, ‘Tipaseiwo yamwe mafuta yenyu, ndava marambe yedu yaakudzimwa.’ 9Asi vadochenjera vadopindura, ‘Pamwe yanodzokwanaba isisu naimipa, endai kuvatengesi mozvitengera.’ 10Pavadoenda kotenga, murume adosvika, vanga vadogadzirira vadopinda naye mumabiko yomuchato, sasa richibva ravhariwa.
11“Mumasure mozvakarezvo vamwe vasikana vadodzouya vachiti, ‘Ishe, Ishe tizururireiwo!’ 12Asi adovapindura achiti, ‘Chokwadi, ndinoti kwamuri, ndinokuzivaiba.’”
13Garirirai ndipo, ndava munozivaba zuva kana awa.
Mufananidzo woVaranda Vatatu
(Ruka 19:11-27)
14“Umambo hwaMwari hudofanana pakare nomurume adoenda hwendo, adodaidza varanda vache vaadovimba navo kusiira pfuma yache, 15umwe adomupasa masaga mashano yondarama, umwe mairi, umwe ribodzi, umwe noumwe adopasiwa maererano nomagonero yache. Saka tenzi adobva waenda zvache. 16Uyeuye adotambira masaga yondarama mashano adoenderafuti koita maronda nayo, achibva wawana yamwe mashano pamusoro. 17Ndomwenze kamu nouye wanga anomasaga yondarama mairi adowana yamwe mairi. 18Asi uye adotambira ribodzi adoenda koricherera pasi achivikha mari yatenzi wache.
19Zvino kwapera nguwa irefu tenzi wovaranda vakarevo adouya kudzovabvunza zvavanga vaita nomari yache. 20Iyeuye adotambira masaga yondarama mashano adouya achipereka yamwe mashano achiti, ‘Tenzi mudonditambidza masaga yondarama mashano, ndino yamwe yandidoingidzira mashano.’ 21Tenzi wache adoti kwaari, ‘Hekani, muranda adonaka adotendeka, udova adotendeka pazvishoma, ndichakuita mukuru pazvizinji. Pinda mumufaro watenzi wako.’ 22Nouye wanga ano masaga yondarama mairi adouyawo achiti, ‘Tenzi, mudondipasa masaga yondarama mairi, ndaingidzira yamwe mairi pamusoro poyamudondipasa.’ 23Tenzi wache adoti kwaari, ‘Inde, muranda adonaka adotendeka, wanga udotendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pozvizinji. Pinda mumufaro watenzi wako.’ 24Nyakupasiwa saga rondarama ribodzi adouyawo achiti, ‘Tenzi ndidokuzivai kuti muri munhu adooma, munokohwa pamusinai kujara, nokuunganidza pamusinai kuwaza mbeu. 25Saka ndidocha, ndokubva ndaenda kovikha muivhu saga renyu rondarama. Onai, ndiri saga renyu rondarama.’ 26Asi tenzi wache adomupindura achiti, ‘Naiwe muranda adoipa nyanungo, handiti waiziva kuti ndinokohwa pandisinai kujara, nokuunganidza pandisinai kuwaza mbeu? 27Saka dai udoisaka mari yangu kubhengi, kuti pakuuya kwangu ndidzoitambira yabereka. 28Saka mutorerei saga rondarama raanaro, muripase ano masaga gumi. 29Ndava wese anozvaanazvo, achapasiwa zvimwe zvidowanda, wova nozvizinji. Asi uyo asinai chinhu achatorehwa nochaanacho peno. 30Khandirai muranda wakareyo asinai nokabonyo kese murima rokunze, kwakareko vanhu vacharira nokurumanisa meno yavo nondava nokudzimbiwa.’
Kutongewa kwoMarudzi
31Pachauya Mwanakomana woMunhu mukubhwinya kwache, pabodzi nongirozi dzache, achagarikika pamupando wache unobhwinya. 32Pamberi pache pachaunganidziwa marudzi yese, achayakamuranisa kunge nyakabusa anokamura mahwai kubva kumbudzi, 33achaisa hwai kuruoko rache roruji, asi mbudzi kurubose. 34Ipopo Mambo achati kuno vari kuruoko rache roruji, ‘Uyai imi, vadoropafadziwa vaBaba vangu, garai nhaka yamudogadzirihwa kubva pamavambo yonyika, 35ndava pandanga ndino nzara mudondipasa chokuja, pandanga ndino nyota mudondipasa chokumwa, pandanga ndiri murendo mudonditambira, 36pandanga ndiri pedzi mudondisimidza, pandanga ndichihwara mudondibvakachira, pandanga ndiri mutorongo mudouya kwandiri.’ 37Ipopo vadorurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, ndirini patidokuonai muno nzara tikakuposhai, kana muno nyota tikakupasai chokumwa? 38Ndirini patidokuonai muri murendo tikakutambirai, kana muri pedzi tikakusimidzai? 39Ndirini patidokuonai muchihwara kana muri mutorongo tikakubvakachirai? 40Mambo achavapindura achiti, ‘Chokwadi ndinoti kwamuri, pamudozviitira umwe wohama dzangu dzidiki idzi, mudoitira inipano.’
41Zvino achati kuno vari kuruoko romamose, ‘Ibvai kwandiri, imi vadoshurikidziwa, muende kumoto wokusingapere udogadzirihwa Sathani nongirozi dzache, 42nokuti pandanga ndino nzara hapanai chokuja chamudondipasa, ndino nyota hapanai chokumwa chamudondipasa, 43pandanga ndiri murendo hamunai kunditambira, ndiri pedzi hamunai kundisimidza, ndichihwara futi ndiri mutorongo hamunai kundibvakachira.’ 44Ipopo naivo vachapindurawo vachiti, ‘Ishe, ndirini patidokuonai muno nzara kana muno nyota, kana muri murendo kana muri pedzi kana muchihwara kana muri mutorongo, tikareka kukushumirai?’ 45Ipopo Ishe achavapindura achiti, ‘Chokwadi ndinoti kwamuri, pamusinai kuzviitira umwe wovadiki ava, hamunai kuzviitira inini.’ 46Zvino vachaenda kumurango wokusingapere, asi vadorurama kuupenyu husingapere.”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mateo 25: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល