Mateo 10

10
Nhumwa Gumi noVairi
(Mariko 3:13-19; Ruka 6:12-16)
1Zvino adodaidza vadzidzi vache gumi novairi ndokuvapasa masimba pamusoro pomweya idoipa, kuti vaidzinge, nokuporesa matenda yese nohodza dzese. 2Mazita yonhumwa gumi novairi njaya, wokuthanga ndiSimoni anoitiwa Pita naAndireya waiva mukoma nomunin'ina naye, naJakobho waiva mukoma nomunin'ina’ina naJohwani, vaiva vanakomana vaZebhedhiya, 3naFiripi naBhatoromiyu, naTomasi naMateo muteresi, naJakobho mwanakomana waArifiyasi, naThedhiyasi, 4naSimoni woushingi, naJudhasi Sikariyoti, adodzomupandukira.
Basa rovanoGumi noVairi
(Mariko 6:7-13; Ruka 9:1-6)
5Ivova gumi novairi Jesu adovatuma, achivakohomedza, “Musaende kunovasiri vaJudha, futi rekai kupinda muguta rovaSamariya, 6asi endai kuhwai dzidotaika dzoimba yaIzirairi. 7Pamunenge muchienda paridzai muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwanyedza papfupi.’ 8Poresai vahwere, mutsai vadopfa, natsai vomabobo, dzingai mashave. Mudopasiwa mahara, perekai mahara. 9Rekai kutora ndarama kana sirivha, kana mhangura muzvikwama zvenyu, 10pahwendo hwenyu pasave nonhava, pasave nohembe dziiri, kana shangu, kana tsvimbo, ndava mushandi ano kodzero yochokuja chache.
11Futi guta kana musha upi zvawene wamunopinda, tsvagai kuti mbani anokodzera kugara nemi makaremo, garai naiyeyo kusvikira mabirika. 12Pamunenge muchipinda muimba, moresai vari makaremo. 13Kana imba yacho ichikodzera, rugare hwenyu mbahuuye pavari, asi kana isingakodzere, rugare hwenyu mbahudzokere kwamuri. 14Pakaita asingakutambirei kana asingatetekere mashoko yenyu, pamunobirika mumusha wakareyo kana muguta rakarero kuhumurai pfumbi patsoka dzenyu. 15Chokwadi ndinoti kwamuri, pazuva rokutongewa, zvichatorerukira nyika yoSodhoma noGomora kukunda guta rakarero.
Kutambudziwa Kunouya
(Mariko 13:9-13; Ruka 21:12-17)
16“Onai, ndinokutumai mudoita kunge mahwai pakati pomasvitsi. Chenjerai kunge nyoka futi muve vasinai mhosva kunge njiva. 17Chenjererai vanhu, ndava vachakuperekai kumatare, nokukurovai mumasinagoge yavo, 18muchangwuvihwa kuvatongi nomadzimambo nokuda kwangu, kuti mupfakaze pamberi povasiri vaJudha. 19Kana vachikuperekai kuvatongi, regai kunetseka kuti muchataura tini kana kuti muchati chii, ndava zvamuchanyaira muchazvipasiwa panguwa yakareyo. 20Ndava ndimiba munonyaira, asi Mweya waBaba venyu anotaura nomamuri.
21Mukoma nomunin'ina vachabaisana, nababa mwana wavo, vana vachamukira vabereki vachivabaisa, 22futi muchavengewa novese nokuda kwangu. Asi anotsungirira kusvika kumagumo achaponesewa. 23Kana vakakutambudzai murimwe guta, tizirai kuno rimwe, nokuti chokwadi ndinoti kwamuri, munopedzaba maguta yese yaIzirairi, Mwanakomana woMunhu asinati wauya.
24“Mudzidzi haakunde mudzidzisi wache, nomuranda haazi pamusoro patenzi wache. 25Zvinokodzera kuti mudzidzi afanane nomudzidzisi wache, nomuranda kuti afanane natenzi wache. Kana vadodaidza tenzi woimba kuti Bheruzabheri, vachakungudza zvidonyanyitsa tini kunyangadzira voimba yache!”
Anofanira Kuchiwa
(Ruka 12:2-7)
26“Saka rekai kuvacha. Ndava hapanai chidofukidziwa chisingadzobiritsiwa pachenu, kana chidosvisviwa chisingadzozikana. 27Zvandinokunyepai murima, zvinyairei pachiedza, nozvamunonzva kazevezeve zvidaidzirei pamusoro podzimba. 28Rekai kucha vanobaya muiri asi vasingagone kubaya mweya, asi ichai uyo anogona kuparadza zvese muiri nomweya mugehena. 29Ko tusudzamvura tuiri tunotengesewaba nosendi? Asi hapanai kabodzi kanodzowira pasi Baba venyu vasingade. 30Asi kana novhudzi romusoro wenyu ridoverengewa rese. 31Rekai kucha ndipo, mudokosha kukunda tusudzamvura tuzinji.
Kubvuma kana Kuramba Khirisitu
(Ruka 12:8,9)
32Saka wese anondibvuma pamberi povanhu, ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. 33asi wese anondiramba pamberi povanhu ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
Aikona Runyararo asi Botso
(Ruka 12:51-53; 14:26,27)
34Rekai kufunga kuti ndidouya kudzoisa runyararo panyika, handinai kuuya kudzoisa runyararo, asi botso. 35Nokuti ndidouya kuti munhu atsvatsvane nababa vache, mwanasikana apesane namaache, nomuroora apesane naamwene vache, 36mhandu dzomunhu ndidzo dzichava hama dzomumba mache.
37Uyo anoda baba kana amai kukunda inini haakodzere kwandiri, nouyo anoda mwanakomana kana mwanasikana kukunda inini haakodzere kwandiri, 38nouyo asingatore muchinjikwa wache achinditevera haakodzere kwandiri. 39Uyo anoda kuchidza upenyu hwache achataikihwa nahwo, nouyo anotaikihwa noupenyu hwache nokuda kwangu achahuwana.
Mibairo
(Mariko 9:41)
40“Anokutambirai anotambira inini, noanonditambira inini anotambirawo adondituma. 41Anotambira muporofiti nondava yokuti muporofiti achatambira mubairo womuporofiti, noanotambira munhu adorurama nondava yokuti munhu adorurama achatambira mubairo womunhu adorurama. 42Futi wese anopasa umwe wovadiki ava kana mukombe zvawene womvura inotonhora nondava yokuti mudzidzi, chokwadi ndinoti kwamuri, anodzosayaba mubairo wache.”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mateo 10: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល