Ruka 8
8
Vakadzi Vaitenairira Jesu
1Mumasure mozvakarezvi adoenda kumaguta nokumisha, achiparidza nokuuya noNyaya Idonaka youmambo hwaMwari. Vanogumi novairi vanga vanaye, 2novamwe vakadzi vadosununguhwa kumweya idoipa nohodza, Mariya Magadharina, adobiritsiwa mashave manomwe, 3naJoana mukadzi waChuza, mutariri waHerudhe, naSuzana novamwewo vazinji vaivapasa zvavaiwana kubva pakubata kwavo.
Mufananidzo Womujari
(Mateo 13:1-9; Mariko 4:1-9)
4Zvino gurusvusvu rikuru ridouya kwaari richibva kumaguta yadosiyana siyana, iye adonyaira kwavari nomifananidzo.
5Adoti kwavari, “Mujari adoenda kojara mbeu dzache. Paanga achijara, dzimwe dzidombwerera munzira, ndokutsikiwa notsoka notushiri tudobva twadzija. 6Dzimwe dzidombwerera pamabhwe, padzidomera, dzidooma ndava panga pasinai munyonho. 7Dzimwe dzidombwerera pamwinza, mwinza idokura pabodzi nadzo ndokudzivhinga. 8Dzimwe dzidombwerera paivhu ridonaka, ndokukura dzichibereka zvibereko, zvidopetewa kazana.”
Paainyaira zvakarezvi adodaidzira achiti, “Anonzeve, mbaatetekere anzve!”
Chinangwa choMifananidzo
(Mateo 13:10-17; Mariko 4:10-12)
9Zvino vadzidzi vache pavadomubvunza zvairehwa nomufananidzo wakareyu, 10adoti kwavari, “Imimi mudopasiwa kuziva zvidohwanda zvoumambo hwaMwari, asi kuno vamwe zviri mumifananidzo, kuitira kuti pakuona vareke kuonetsetsa, nopakunzva vareke kunzvitsitsa.”
Jesu Anovaudza Zvinoreva Mufananidzo Womujari
(Mateo 13:18-23; Mariko 4:13-20)
11“Zvino mufananidzo nguyu, mbeu ndiro shoko raMwari. 12Dziye dzidombwerera munzira mbaye vadonzva, zvino jabhurosi anouya achitora shoko mumwoyo yavo kuti vareke kutenda vachidzoponesewa. 13Dzidombwerera pamabhwe mbaye vanoti kana vanzva shoko vanoritambira nomufaro. Asi havanai midzi, vanotenda kwokanguwa kapfupi, panouya muyedzo vanowa. 14Zvino mbeu dzidombwerera pamwinza mbaye vanonzva shoko, asi mukurarama kwavo vodzovhingiwa nokuita kwavo hanya nozvonyika, nopfuma futi nomafaro youpenyu, saka havadzoita zvibereko zvidosvika. 15Kana dziri dzopaivhu ridonaka mbaye vanonzva shoko voribatitsitsa nomwoyo udonaka udotendeka, voita zvibereko nokutsungirira.”
Mwenje Pasi poDengu
(Mariko 4:21-25)
16“Hapanai anoti kana wabatidza mwenje anoubvinihira kana kuuisa pasi pobonde. Asi anotouisa pachigadziko kuti vanopinda vavhenekehwe nochiedza.
17Nokuti hapanai chidosvisviwa chisingadzobiritsiwa pachenu, futi hapanai chidohwanziwa chisingadzozikana kana kudzoisiwa pachiedza.
18Chenjererai ndipo, manzviro yamunoita, nokuti kuno anazvo achapasiwa zvimwe, asi asinai nochaanofungacho kuti anacho achatorehwa peno.”
Amai Novanin'ina vaJesu
(Mateo 12:46-50; Mariko 3:31-35)
19Zvino amaache novanin'ina vache vadouya kwaari, asi havanai kugona kusvika paari nokuda kwomhomho. 20Zvino umwe adomunyepa achiti, “Amai venyu novanin'ina venyu vadokumirirai panze, vari kuda kukuonai.”
21Asi iye adoti kwavari, “Amaangu novanin'ina vangu mbaye vanonzva shoko raMwari nokuriita.”
Jesu Anodekhadza Duthu
(Mateo 8:23-27; Mariko 4:35-41)
22Rimwe zuva adopinda mukamwadiya novadzidzi vache ndokuti kwavari, “Mbatiyambukirei kumhiri kwogungwa.” Saka vadobva vathanga kuenda. 23Pavaikhwasva kamwadiya, Jesu adobva waenzera zvache. Zvino duthu rikuru ridouya pagungwa, kamwadiya ndokuthanga kuzara nomvura, zvokuti vanga vaapanjodzi. 24Vadoenda komumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi taakupfa!”
Iye adomuka ndokudzuma duthu nomapfeni yogungwa yanga yachipenga, yadobva yarosa, ndokubva kwadekhara. 25Adoti kwavari, “Kutenda kwenyu kuri poi?”
Asi ivo vadocha futi vadoshamisika, ndokunyairirana vachiti, “Ko munhu wakareyu mbani? Anototeerehwa kana wadzuma duthu nomapfeni yogungwa!”
Anoporesa Munhu Wokugahwa noMashave
(Mateo 8:28-34; Mariko 5:1-20)
26Zvino vadosvika kunyika yovaGarasa, idonangarana noGaririya. 27Achindobirika mukamwadiya achisvika panyika, adokumana nomurume waibva muguta, anga adopotehwa nomashave. Wanga asingasimire mbacha kwonguwa irefu futi wanga asingagare mumba asi mumakuwa. 28Paadoona Jesu adodaidzira nodzinga ropamusoro, ndokuwira pasi pamberi pache achiti, “Chii chamunoda kuita nainini, imi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbirai kuti murege kunditambudza.” 29Nokuti wanga waraira mweya woutsambwa kuti ubirike mumurume wakareyo. Nokuti kwonguwa irefu wanga udomubata, waigara adochengetewa, adosungiwa manja nomakumbo nongetani, asi iye waidimura wotungamihwa noshave racho kusango, kunzvimbo dzache wega.
30Zvino Jesu adomubvunza achiti, “Zita rako ndiwe yani?”
Iye adoti, “Rigiyoni,” nokuti mashave mazinji yanga yapinda maari. 31Mashave yadodzomukumbira kuti areke kuyaraira kuenda kugomba risingagon'e.
32Zvino boka rikuru rohumba ranga richifura mumhera mogomo, mashave yadokumbira Jesu kuti ayabvumire kupinda madziri. Iye ndokuyabvumidza. 33Ipopo mashave yadobirika mumurume yachipinda muhumba, zvino boka ridotizirana kumapiripiri dzichiwirira mugungwa ndokupfira makaremo.
34Anyakabusa pavadoona zvanga zvaitika, vadotiza, ndokuzvinyepa muguta nomumisha. 35Ipopo vanhu vadobirika koona zvanga zvaitika, vadosvika panga pana Jesu, ndokuwana murume adobiritsiwa mashave, adogarikika patsoka dzaJesu, adotosimira wava nopfungwa kwadzo, vachibva vacha. 36Vaye vanga vazviona vadovanyepa maponesehwo yadoitiwa iye wanga ano mashave. 37Zvino vanhu vese vonyika idopoteredza yovaGarasa vadomukumbira kuti abve kwavari, ndava vanga vabatiwa nokucha kukuru, saka adopinda mukamwadiya ndokudzokera. 38Murume wokubiritsiwa mashave adokumbira kuti ave naye, asi adomuendesa achiti,
39“Dzoka kumba kwenyu wozivisa zvikuru zvawaitihwa naMwari.” Iye adoenda, achiudza guta rese zvinhu zvikuru zvaadoitihwa naJesu.
Mwanasikana WaJairosi noMukadzi Waibirika Gazi
(Mateo 9:18-26; Mariko 5:21-43)
40Zvino Jesu paadodzoka, mhomho yovanhu idomutambira, nokuti vese vanga vadotomumirira. 41Zvino padodzouya murume waiitiwa Jairosi, wanga ari mukuru wosinagoge, achizviwisira pasi patsoka dzaJesu adomuteterera kuti aende kumba kwake. 42Nokuti anga ano mwanasikana mubodzi, wanga ano makore gumi nomairi, wanga waakutandadza.
Paanga achienda vanhu vaibva kumativi yese vadomusvanikidza. 43Zvino mukadzi wanga achibirika magazi kwomakore gumi nomairi pasinai waikona kumurapa, 44adouya nomumasure make ndokubata mukombero wojasi rache, kabodzinokabodzi magazi yadomira kubirika. 45Jesu adobva wati, “Mbani wandibata?”
Asi vese vadozviramba, Pita adoti, “Tenzi, mhomho iri kukuguma-gumai futi ichikutsvikinyidzai!”
46Asi Jesu adoti, “Pano munhu wandibata, nokuti ndanzva simba richibirika mandiri.” 47Mukadzi paadoona kuti haanai kuhwanda, adouya achitetemera, adozviwisira pasi pamberi pache ndokumuudza pamberi povanhu vese chikonzero chaadomubatira, nomaporesehwo yaadoitiwa kabodzinokabodzi. 48Jesu adobva wati, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa, enda murunyararo.”
49Jesu achiri kutaura murume adobva kumba kwomutungamiri ndokusvika achiti, “Chirekai kushupa Mudzidzisi, nokuti mwanasikana wenyu watopfa.”
50Asi Jesu paadozvinzva adomupindura achiti, “Reka kucha. Tenda basi, achapora.”
51Jesu paadosvika kumba, haanai kubvumira vamwe vanhu kupinda kusiya kwaPita, Jakobho naJohwani nababa naamai vomusikana. 52Vese vanga vachimurira maundu, Jesu adovati, “Rekai kurira, haanai kupfa, adondoenzera basi.”
53Vadobva vamuseka, nokuti vanga vachiziva kuti wapfa. 54Asi adobata ruoko rake achiti, “Mwana muka.” 55Mweya wake udobva wadzoka, achibva wamuka pakarepo, adovaraira kuti vamupase chokuja. 56Ipopo vabereki vache vadoshamisika nazvo, asi adovakohomedza kuti varege kuwana wavanoudza zvanga zvaitika.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka 8: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: