Ruka 7

7
Jesu Anorapa Muranda Womukuru Wozana
(Mateo 8:5-13)
1Paadopedza kutaura uku kwese vanhu vachinzva adopinda muKaperenaume. 2Zvino mukuru wozana romauto wanga ano muranda waikosha kwaari, wanga achihwara zvokutoda kupfa. 3Paadonzva nozvaJesu, adotuma kwaari vakuru vovaJudha achimukumbira kuuya kudzoporesa muranda wache. 4Pavadosvika kuna Jesu, vadomuteterera chaizvo vachiti, “Adokodzera kuti mumuitire zvakarezvi, 5nokuti anoda rudzi redu, futi adotivakhira sinagoge redu.”
6Zvino Jesu adoenda navo. Paanga wava papfupi nopamumba mukuru wozana romauto adotumira shamwari dzache kwaari, dzidobva dzati kwaari, “Ishe rekai zvenyu kuzvinetsa. Ndava ndinokodzeraba kuti muuye mumba mangu, 7naizvozvo naininiwo ndinotarisiraba kuuya kwakareko. Asi ndonyairai shoko basi, muranda wangu anopora. 8Nokuti naininiwo ndiri munhu anomasimba, ndino mauto yari pasi pangu. Ndinoti kuno umwe, ‘Enda kwakati!’ Iye woenda, nokuno umwe, ‘Uya kuno!’ Iye wouya, nokumuranda wangu, ‘Ita chakati!’ Iye woita.”
9Jesu paadonzva zvakarezvi adoshamisika naye, ndokuchungunukira kugurusvusvu rovanhu vaimutevera achiti kwavari, “Ndinokunyepai kuti, handinai kuona kutenda kudodai kunyange pakati povaIzirairi!”
10Zvino vanga vatumiwa pavadodzoka kumba, vadowana muranda wapora.
Kumutsiwa kwoMwanakomana Womujiche paNaini
11Zvidoitika pazuva ridotevera kuti adoenda muguta raiitiwa Naini, vadzidzi vache nomhomho ikuru vadoenda naye. 12Waakusvika panyasi posuwo roguta, padoita murume wanga wapfa wanga adotakuhwa kuendesewa kunze. Wanga ari mwanakomana mubodzi wamaache, vanga variwo mujiche, mhomho ikuru yomuguta yanga iri pabodzi nomujicheyo. 13Ishe paadomuona, adomunzvira tsitsi ndokuti kwaari, “Rega kurira.” 14Adosvika ndokubata mukhangara, vatakuri vadomira kuti puru. Zvino iye adoti, “Jaha, ndinoti kwauri, muka.” 15Futi nyakupfa adobva wagarikika, ndokuthanga kutaura. Iye adomupereka kuna maache.
16Kucha kudovabata vese, vadobva varumbidza Mwari, vachiti, “Muporofiti mukuru wamuka pakati pedu! Uye Mwari wabvakachira vanhu vake!”
17Nyaya pamusoro pache idopararira muJudhiya rese nomatunhu yadopoteredza.
Nhume Dzidobva Kuna Johwani Muombeki
(Mateo 11:2-19)
18Vadzidzi vaJohwani vadomunyepa zvinhu zvakarezvi zvese, 19iye adodaidza vadzidzi vache vairi kuti vaenda kuna Ishe kobvunza kuti, “Ndimi chere waidzouya, kana kuti kuri kuuya umwe?”
20Zvino varume vaye pavadosvika kwaari vadoti, “Tatumiwa naJohwani Muombeki kudzobvunza kuti, ndimi chere waidzouya kana kuti kuri kuuya umwe?”
21Panguwa yakareyo adorapa vazinji pamatenda yavo nomadzudzo nomweya idoipa, uye marombe mazinji adoyasvinudza. 22Zvino adovapindura achiti, “Endai konyepa Johwani zvamaona nokunzva, zvokuti marombe yari kuona, vadotonhora nhengo vari kutekaira, vanomabobo vari kunatsiwa, nomaburunzeve yari kunzva, vadopfa vari kumutsiwa, varombo vari kuparidzihwa nyaya idonaka. 23Adokomborehwa asingagumbuhwe nainini!”
24Nhume dzaJohwani padzidoenda, adothanga kunyaira kugurusvusvu pamusoro paJohwani achiti, “Chii chamudoenda koona kusango, Mudoenda koona tsanga yaigwetedzewa nomhepo chere? 25Chii zvino chamudoenda koona? Mudoenda koona munhu adosimira hembe dzinodhura chere? Handiti vanosimira hembe dzinodhura vari mudzimba dzomadzimambo! 26Chii manje chamudoenda koona? Muporofiti chere? Inde, ndinokunyepai kuti anokunda muporofiti. 27Wakareyu ndiye adonyohwa nozvache kuti, ‘Ona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako, achanhadzira nzira yako.’ 28Ndinokunyepai kuti, pakati povadozvahwa novakadzi hapanai anokurira Johwani. Asi mudikidiki muumambo hwaMwari ndiye mukuru kwaari.”
29Pavadonzva zvakarezvo vanhu vese novateresi vadokudza Mwari, nokuti vanga vaombekewa noruombeko raJohwani, 30asi vaFarisi nomagweta vadoramba zano raMwari kwavari, nokusaombekewa naye.
31“Nzvipi manje zvandingaenzanise nazvo vanhu vonguwa ino, vadofanana nani? 32Vadofanana novana vadogarikika pamusika, vanodaidzirana vachiti, ‘Tidokuridzirai chinonje, asi hamunai kutamba, tidokuridzirai mhere asi hamunai kurira.’ 33Nokuti Johwani Muombeki adouya asingaje mazingwa, kana kumwa waini, asi imimi munoti, ‘Anoshave!’ 34Mwanakomana woMunhu adouya, achija nokumwa, asi imimi mudoti, ‘Onai! Nyanhafu nomuraradzi, shamwari yovateresi novatadzi!’ 35Asi uchenjeri hunoruramisiwa novana vahwene vese.”
Jesu Kumba kwaSimoni muFarisi
36Umwe muFarisi adomukumbira kuja naye, zvino adopinda mumba momuFarisi, ndokutora nzvimbo yake patafura. 37Zvino mukadzi womuguta rakarero, wanga ari mutadzi, paadoziva kuti Jesu wanga ari pathafura mumba momuFarisi, adouya noguchu romapfuta, 38adomira mumasure maJesu kutsoka dzache, achirira, ndokuthanga kutotesa tsoka dzaJesu nomisodzi yache, achidzipukuta novhudzi romusoro wache, achitsvoda tsoka dzache, nokudzizora mapfuta. 39Zvino muFarisi nyakukokera Jesu paadozviona, adotaurira mumwoyo achiti, “Dai munhu uyu waiva muporofiti, waitoziva zvidoita mukadzi ari kumubata, nokuti mutadzi.”
40Jesu achipindura adoti kwaari, “Simoni, ndinochokutaura kwauri.” Iye adopindura, “Mudzidzisi, taurai”
41“Umwe mupi wozvikwerete anga ano vakwereti vairi, umwe adokwereta mazana mashano yomadhenari, umwewo makumi mashano. 42Pavadotadzirira kubhadhara, iye adovarekerera vese. Zvino ngupi kwavari achanyanya kumuda?” 43Simoni adopindura achiti, “Ndinofunga kuti nguye adorekerehwa zvidowanda.” Adoti kwaari, “Watonga zvidonaka.” 44Ipopo achichungunuka kumukadzi adoti kuna Simoni, “Uri kuona chere mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako, haunai kundipasa mvura yotsoka dzangu, asi iye watotesa tsoka dzangu nomisodzi yache achidzipukuta novhudzi rache. 45Iwewe haunai kunditsvoda, asi kubva nguwa yandapinda haanai kurega kutsvoda tsoka dzangu. 46Haunai kuzora mapfuta musoro wangu, asi iyeyu wazora tsoka dzangu mapfuta. 47Ndinokuudza ndipo kuti, zvitadzo zvache zvizinji zvarekerehwa, nokuti iye adoda maninge, asi uyo adorekerehwa zvishoma, anodawo pashoma.” 48Adobva wati kumukadzi, “Zvitema zvako zvarekerehwa.” 49Zvino vanga vanaye pathafura vadothanga kunyairirana vachiti, “Ko iyeyu mbani, anotorekererawo zvitadzo?” 50Zvino adoti kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuponesa, enda zvako murunyararo.”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Ruka 7: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល