Ruka 9
9
Jesu Anotuma Vadzidzi Gumi Novairi
(Mateo 10:5-15; Mariko 6:7-13)
1Zvino adodaidza vanogumi novairi, ndokuvapasa simba nochikuriri pamusoro pomashave yese, nokuporesa zvihwere, 2ipopo adovatuma koparidza umambo hwaMwari nokuporesa. 3Adoti kwavari, “Regai kutakura chinhu, tsvimbo, nhava, mbuva, kana mari pahwendo hwenyu, regedzai kutakura zvokusimira zviirizviiri. 4Mumba yamunenge mapinda garai makaremo, kusvikira mabirika. 5Kwese kwavasingakutambirei, kana maakubirika muguta rakarero, kuhumurai pfumbi rotsoka dzenyu kuti huve upfakazi hunovaroverera.” 6Saka vadodzobirika ndokuenda nomumamisha vachiparidza vhangeri nokuporesa kwesekwese.
Kukanganisika kwaHerudhe
(Mateo 14:1-12; Mariko 6:14-29)
7Zvino Herudhe, mutongi, paadonzva zvese zvidoitiwa, adonetseka nazvo, nokuti vamwe vaiti Johwani wanga wamuka kuvadopfa, 8vamwe ndovaiti, Eriya waonekwa, vamwewo vachiti umwe wovaporofiti vokare wamuka. 9Herudhe adoti, “Johwani ndidomugwata musoro, manje mbani iyeyu wandaakunzva waakuita zvesezvi?” Saka Herudhe adotsvaga kumuona.
Jesu Anogutsa Zviuru Zvishano
(Mateo 14:13-21; Mariko 6:30-44; Johwani 6:1-14)
10Nhumwa pavadodzoka vadoudza Jesu zvese zvavanga vaita. Iye adoenda navo pavo vega kuguta raiitiwa Bhetisaidha. 11Asi mhomho paidozviziva idomutevera, iye adovatambira ndokuvanyepa zvoumambo hwaMwari achirapa vaye vanga vachida kuporesewa. 12Pakwanga kwaakudoka, vanogumi novairi vadouya ndokuti kwaari, “Kototsai vanhu, kuti vaende mumisha nomunzvimbo dzidopoteredza, kwavangawane zvokuja, ndava tiri musango.” 13Asi iye adoti kwavari, “Imipa vapasei zvavangaje.” Ivo vadoti, “Hatinai zvinopfuura mazingwa mashano nohove dziiri, kunze kwokuti titoenda kotengera vanhu vakareva vese zvokuja.” 14Ndava panga pano vanhurume vaitosvika zviuru zvishano. Zvino adoti kuvadzidzi vake, “Garisai vanhu muzvikwata zvomakumi mashano.” 15Vadoita izvozvo, ndokugarisa vanhu vese pasi 16Adotora mazingwa mashano nohove dziiri ndokunangara kudenga, achizvikomborera nokuzvikomorakomora achipasa vadzidzi vache kuti vazvipase vanhu. 17Vese vadoja vachiguta. Vadodzounganidza zvidosara, ndokuzadza tsvanda gumi nodziiri dzozvimepfu.
Pita Anopupura Kuti Jesu ndiMesiya
(Mateo 16:13-19; Mariko 8:27-29)
18Zvino zvidoitika kuti paanga achinamata wega vadzidzi vadouya, iye adovabvunza kuti, “Ko vanhu vanoti ndini yani?” 19Ivo vadopindura vachiti, “Johwani Muombeki, asi vamwewo vanoti Eriya, kwodzoitawo vanoti ngumwe wovaporofiti vokare wamuka.” 20Iye adoti kwavari, “Ko imimi munoti ndini yani?” Pita adobva wati, “Ndimi Khirisitu waMwari.”
Jesu Anotaura Zvokutambudziwa kwache nozvoIpfa yache
(Mateo 16:20-28; Mariko 8:30—9:1)
21Asi adovaraira achivakohomedza kuti vareke kuzvitaurira munhu, 22zvino adoti, “Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudziwa pazvinhu zvizinji nokurambiwa novakuru vovanhu, novaphirisita vakuru, novanyori, wobaiwa, wodzomuka pazuva rochitatu.”
23Adobva waudza vese achiti, “Kana munhu achida kuuya mumasure mangu, mbaazvirambe atore muchinjikwa wache mazuva ese anditevere. 24Nokuti wese anoda kuchidza upenyu hwache achataikihwa nahwo, nowese anotaikihwa noupenyu hwache nokuda kwangu, achahuchidza. 25Nokuti chii chichabatsira munhu kana akawana nyika yese iye achitaika kana kuzvitaya? 26Ndava wese anondinyara inini nomashoko yangu, wakareyo Mwanakomana womunhu achamunyarawo paanouya mukubhwinya kwache nokubhwinya kwaBaba vache nokwongirozi dzitsvene. 27Ndinokuudzai chokwadi kuti varipo vadomira pano vasingadzoraidza ipfa vasati vaona umambo hwaMwari.”
Kubhwinya kwaJesu
(Mateo 17:1-8; Mariko 9:2-8)
28Kwapera mazuva yanenge masere yokunyaihwa kwozvakarezvi adotora Pita, naJohwani naJakobho, achikwira mugomo konamata. 29Paanga wakunamata chiso chache chidosanduka, hembe dzache dzidochena zvokuyetima kunge kupenya kwokambarivari. 30Zvino varume vairi, Mozisi naEriya vadooneka vachinyaira naye, futi vanga vanokubhwinya kukuru. 31Vadonyaira pamusoro pokuenda kwache kwaaidzozazisa kuJerusarema. 32Pita naabiyake vaanga anavo vadobatiwa nohope dzidonyanya, asi pavadodzopengenuka, vadoona kubhwinya kwache, novarume vairi vadomira naye. 33Zvidoitika pavanga vaakuparadzana naye, Pita adoti kuna Jesu, “Tenzi, zvidonaka kuti tiri pano, mbatiitei misakasira mitatu, umwe wenyu, umwe waMozisi noumwe waEriya,” asingazivi zvaaitaura.
34Paanga achinyaira zvakarezvi guti ridouya ndokuvafukidza, vadocha pavanga vaamuguti. 35Izvi ridobirika mugutimo richiti, “Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu, Musaruhwa wangu, mutetekerei!”
36Izvi paridonyaira, Jesu adodzoonewa waawega. Vadoramba vadozvinyarara zvakarezvo mumazuva iyoyo, hapanai munhu wavadonyepa chinhu pamusoro pozvavadoona.
Jesu Anoporesa Mukomana wanga Anomweya udoipa
(Mateo 17:14-18; Mariko 9:14-27)
37Mangwana chimuka, vaburuka mugomo, mhomho ikuru idosangana naye. 38Padoita murume wanga ari mumhomho, adodaidzira Jesu achiti, “Mudzidzisi, ndapota, ndionereiwo mwanakomana wangu, nokuti ndiye chete mwana wangu! 39Shave rinomubata, woerekana wathanga kukuwa, rinomugwetedza nosimba kusvikira waakuphupha furu. Anobva wati raphatha, risingamusiye kamangu, futi riri kutomuparadza. 40Ndakumbira vadzidzi venyu kuti varibiritse, asi varitadzirira.”
41Jesu adomupindura achiti, “Imi vanhu vonguwa ino vasingatende, vadotaika, ndichava naimimi nokuva nomwoyo murefu naimimi kusvikira rini? Ndichakubatsirai kusvikira riniko? Uya nomwanakomana wako pano.”
42Paanga achiuya shave ridomuumburudza richimugwetedza nosimba. Asi Jesu adokaruza mweya wotsambwa, ndokuporesa mukomana, nokumupereka kuna baba vache. 43Vese vadoshamisika nokuona ukuru hwaMwari. Zvino vachiri kushamisika nozvese zvaadoita, adotaura kuvadzidzi vache.
Jesu Anotaura Pakare Zvoipfa Yache
(Mateo 17:22-23; Mariko 9:30-32)
44Adoti, “Mazvi yakareya mbayapinde munzeve dzenyu, ndava Mwanakomana womunhu achaisiwa mumaoko yovanhu.” 45Asi ivo havanai kunzvitsitsa kutaura kwakareku, futi kwanga kudosvisvika kwavari, kuti vareke kuzvibata, asi vadocha kumubvunza nyaya yakareyo.
Mukuru Wovese Mbani?
(Mateo 18:1-5; Mariko 9:33-37)
46Zvino nharo dzidomuka pakati pavo dzokuti mbani mukuru pakati pavo. 47Asi Jesu paadoziva kufunga kwomwoyo yavo, adotora mwana ndokumugadzika panyasi pache, 48adoti kwavari, “Wese anotambira mwana uyu muzita rangu anotambira inini, noanonditambira anotambirawo adondituma, ndava mudiki pakati penyu mese, ndiye mukuru.”
Wese Asingakupikisei Ngwenyu
(Mariko 9:38-40)
49Johwani adobva wati, “Tenzi, taona munhu achidzinga mashave muzita renyu, tamurambidza, ndava haakuteverei pabodzi naisisu.” 50Asi Jesu adoti kwaari, “Rekai kumurambidza, nokuti asingapikisane naimimi ngwenyu.”
Musha wovaSamariya Udoramba Kutambira Jesu
51Padosvika nguwa yokuti iye atambihwe kudenga, adozvigadzirira kuenda kuJerusarema. 52Adotuma nhume mberi kwake, idzo dzidoenda ndokupinda mumusha wovaSamariya, kuti vamugadzirire. 53Asi vanhu havanai kumutambira nokuti wanga achitoenda kuJerusarema. 54Zvino vadzidzi vake Jakobho naJohwani pavadozviona, vadoti, “Tenzi, munoda chere kuti tikumbire moto ubve kudenga uvaparadze?”
55Asi iye adochununguka ndokuvadzuma. 56Zvino vadoenda kuno umwe musha.
Vanoda Kuva Vateveri vaJesu
(Mateo 8:19-22)
57Pavaifamba munzira, umwe murume adoti kwaari, “Ndichakuteverai kwese kwamunoenda.”
58Jesu adoti kwaari, “Makava yanomisina, notushiri tuno tushashira, asi Mwanakomana woMunhu haanai pokutsamidza musoro wake.”
59Kunoumwe adoti, “Nditevere.” Asi iye adoti, “Ishe, rekai ndithange ndaviga baba vangu.”
60Asi iye adoti kwaari, “Reka vadopfa vavikhe vadopfa vavo, asi iwewe enda koparidza umambo hwaMwari.”
61Umwewo adoti, “Ndichakuteverai, Ishe, asi rekai ndithange ndagoneka vari kumba.”
62Jesu adoti kwaari, “Hapanai anoti kana waisa janja rache pagejo wodzocheuka anganzi adofanira muumambo hwaMwari.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka 9: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: