Ruka 6

6
Mubvunzo Pamusoro PoSabata
(Mateo 12:1-8; Mariko 2:23-28)
1Nomusi woSabata vaitekaira nomuminda yogorosi. Vadzidzi vache vadochora hora dzogorosi, vachitsukutira mumanja vachija. 2Asi vamwe vaFarisi vadoti, “Sei muchiita zvisingatendehwe kuitiwa paSabata?”
3Jesu adovapindura achiti, “Hamunai kuverenga nai zvidoitiwa naDhavhiti paanga ano nzara iye novanhu vaanga anavo? 4Adopinda muimba yaMwari, achitora nokuja mazingwa yanoera, yasingabvumihwi kujiwa noumwe munhu kusiya kwokujiwa novaphirisita basi. Adopasawo vanhu vaanga anavo.”
5Adoti kwavari, “Mwanakomana woMunhu ndiIshe woSabata.”
Murume Woruoko Ridoputirira
(Mateo 12:9-14; Mariko 3:1-6)
6Pano imwe Sabata Jesu adopinda musinagoge ndokudzidzisa. Makaremo manga muno umwe murume wanga anoruoko roruji rudoputana. 7Vanyori novaFarisi vadomunangara kuti vaone kana waidzoporesa nomusi woSabata, kuti vawane mhosva yokudzomunenedzera. 8Jesu adoziva pfungwa dzavo ndokuti kumurume wanga anoruoko ridoputana, “Uya umire pano.” Iye adosumuka ndokumira pakarepo. 9Jesu adoti kwavari, “Ndinokubvunzai kuti zvinobvumihwa chere kuita zvidonaka nomusi woSabata kana kuita zvidoipa, kuchidza upenyu kana kuhuparadza?” 10Adovanangara nangara vese, ndokuti kumurume uye, “Tambanudza ruoko rako.” Iye ndokuritambanudza, ruoko rache ndokubva rapora.
11Asi ivo vadozara noukari ndokunyairirana vachitsvaga chavangamuite.
Jesu Anosarudza Nhumwa Gumi Nodziiri
(Mateo 10:1-4; Mariko 3:13-19)
12Mumazuva yakareyo adoenda kugomo konamata, adonamata kuna Mwari usiku hwese. 13Pakwanga kwachena, adodaidza vadzidzi vache ndokusarudza gumi novairi pakati pavo, vaadotenza kuti nhumwa. 14Simoni waadotenza kuti Pita naAndireya waiva mukoma nomunin'ina naye, naJakobho naJohwani, naFiripi naBhatoromiyu, 15naMateo naTomasi, naJakobho mwanakomana waArufiyasi, naSimoni woushingi, 16naJudhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Sikariyoti, adodzova mupanduki.
Jesu Anodzidzisa Nokuporesa
(Mateo 4:23-25)
17Adoburuka novadzidzi ndokumira panzvimbo idoenzana, wanga anomhomho ikuru yovadzidzi vache nogurusvusvu rikuru rovanhu. Vanhu vakarevo vanga vabva kwese muJudhiya nomuJerusarema nomunyasi mogungwa roTire noSidhoni, vanga vauya kudzomunzva nokudzoporesewa matenda yavo, 18noavo vaitambudziwa nomweya idoipa vadoporesewa. 19Ipopo mhomho yese yovanhu vadovavarira kumubata, ndava simba raibirika kubva paari richivaporesa vese.
Zvinouyisa Mufaro kana Kusuwa
(Mateo 5:1-12)
20Adonangara vadzidzi vache ndokuti,
“Mudokomborehwa imipa varombo,
ndava umambo hwaMwari ngwenyu.
21Mudokomborehwa imipa vanonzva nzara manje,
ndava muchagutsiwa.
Mudoropafadziwa imipa vanorira manje,
ndava muchaseka.”
22“Mudokomborehwa imipa kana vanhu vachikuvengai, vachikusiyai kunze nokukuzvidzai, vachisvipisa mazita yenyu, nokuda kwoMwanakomana woMunhu! 23Farai pazuva rakarero, nokuchiruka nomufaro, ndava mubairo wenyu mukuru kudenga. Ndava zvakarezvo ndizvo zvidoitiwa nomadzibaba yavo kuvaporofiti.
24Asi mayanga kwamuri vadopfuma,
ndava matotambira kunyaradziwa kwenyu.
25Mayanga kwamuri imipa mudoguta iye manje,
ndava muchanzva nzara.
Mayanga kwamuri imipa munoseka nguwa ino, ndava
mucharira nokuungudza.”
26“Mayanga kwamuri, kana vanhu vese vachitaura zvidonaka pamusoro penyu, ndava madzibaba yavo vadoita zvakarezvo kuvaporofiti vomabhwodo.”
Idai Vavengi Venyu
(Mateo 5:38-48; 7:12a)
27“Asi ndinoti kwamuri imipa munonzva, Idai vavengi venyu, itirai zvidonaka vanokuzondai, 28ropafadzai vanokushurikidzai, munamatire vanokubatai uyanga. 29Anokurova padama, perekera rimwe kamu, noanokutorera bhachi, mureke atore nohembe kamu. 30Perekai kuno wese anokuruvirai, kana paita anokutorerai zvinhu zvenyu, rekai kudzomubvunza pakare kuti akudzotserei. 31Saka zvamunoda kuti vanhu vakuitirei muvaitire imimi zvakarezvo.”
32“Kana muchindoda vanokudai, nghupi kutendewa kwamunako? Nokuti novatadzi vanodawo vaye vanovada. 33Futi kana mukaitira zvidonaka kuno avo vanokuitirai zvidonaka, munowana mubairo wei? Ndava novatadzi vanoita zvibodzibodzizvo! 34Kana muchindokweretesa vamunogurupira kuti vachakudzotserai, munotendehwei? Nokuti vatadzi vanokweretesa vavanogurupira kuti vachavadzotsera pakamu zvavadovakweretesa. 35Asi imimi idai vavengi venyu, muvaitire zvidonaka, ipai pasinai chamunogurupira kudzotsehwa, mubairo wenyu uchava mukuru, ipopo muchava vana voWokumusorosoro, nokuti iye anotsitsi kuno vasingatende nokuno vanondozvifunga. 36Ivai notsitsi fanike Baba venyu vanotsitsi.”
Kutonga Vamwe
(Mateo 7:1-5)
37“Rekai kutonga, kuti murege kutongewawo, rekai kupasa mhosva, kuti murege kudzopiwawo mhosva, regererai, kuti muregerehwewo. 38Pasai, naimipa muchapasiwawo. Mhimo idonaka, idotsindihwa, idozunguzihwa, inomupororo, ichadururihwa pabuthu penyu. Nokuti mhimo yamunopasa ndiyo mhimo yamuchadzotsehwawo.”
39Adovanyepawo mufananidzo achiti, “Rombe rinokonaba kutungamira rimwe rombe, ndava vakatungamirirana, vese vanowira mugomba. 40Mudzidzi haakunde mudzidzisi wache, asi wese anenge adzidzisiwa zvidokwana, anofanana nomudzidzisi wache.”
41“Sei uchiona kasesu kari muziso rohama yako, asi usingaone danda riri muziso rako? 42Kana kuti ungaudze tini hama yako kuti, ‘Hama, reka ndibiritse kasesu kari muziso rako,’ iwewe usingaone danda riri muziso rako? Iwe munyengeri, thanga kubiritsa danda riri muziso rako, kuti udzonatsa kuona mabiritsiro yokasesu kari muziso rohama yako.”
Muti Nomichero Yawene
(Mateo 7:16-20; 12:33-35)
43“Ndava hapanai muti udonaka unobereka muchero udoipa, kana nomuti udoipa unobereka muchero udonaka. 44Ndava muti wese unozikana nomuchero wawene, nokuti huyu dzinothanziwaba pamwinza, kana mazambiringa yanothanziwaba padzambwa romwinza. 45Munhu adonaka anobiritsa zvinhu zvidonaka kubva pamwoyo wache udonaka, nomunhu adoipa anobiritsa zvidoipa kubva pamwoyo wache udoipa. Ndava muromo unonyaira zvidozara mumwoyo.”
Vavakhi Vodzimba Vairi
(Mateo 7:24-27)
46“Munondidaidzirei kuti, ‘Ishe, Ishe,’ musingaite zvandinokunyepai? 47Wese anouya kwandiri akanzva mashoko yangu nokuyaita, ndichakunangidzai waadofanana naye. 48Adofanana nomunhu anovakha imba, adochera zvokuti gwiri, wovakhira nheyo paruware, kahwizi pakadofashukira mafashamu yadorova imba yakareyo, asi hayanai kuigwetedza nokuti yanga idovakhiwa zvidosimba. 49Asi anonzva asingayaiti adofanana nomunhu adovakha imba yache pajecha pasinai nheyo, mafashamu payadorova imba yakareyo idowa nokamangu futi kuparara kwayene kwanga kudokuritsa.”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Ruka 6: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល