Ruka 12
12
Kutsindikihwa Pamusoro poKunyengera
(Mateo 10:26-27)
1Pazvanga zvichidaro, gurusvusvu rikuru rozviuru ridoungana zvokutoti vaitsikirirana, adothanga nokunyairira vadzidzi vache kuti, “Chenjererai mbiriso yovaFarisi, hunova unyengeri. 2Asi hapanai chidofukidziwa chisingadzobiritsiwa pachenu, kana chidosvisviwa chisingadzozikana. 3Saka chese chamudonyaira murima chichanzvika pachiedza, nochamudonyaira kazevezeve mudzimba dzomukati chichaparidziwa pamusoro podzimba.”
Anofanira Kuchiwa
(Mateo 10:28-31)
4“Ndinokunyepai shamwari dzangu, rekai kucha vanobaya muviri, vasinai chavanogona kuita mumasure mozvakarezvo. 5Asi ndichakunyepai wamunofanira kucha, ichai iye anoti kana muviri wako wapfa, anomasimba yokukukhandira muGehena, inde, ndinokunyepai, muchei wakareyo!”
6“Ko tusudzamvura tushano tunotengesewaba nomapeni mairi? Asi hapanai kana kabodzi chaiko kanokangamwiwa naMwari. 7Asi, kana novhudzi romusoro wenyu ridotoverengewa peno. Rekai kucha, ndava mudokosha kukunda tusudzamvura tuzinji.”
Kupupura Nokuramba Khirisitu
(Mateo 10:32,33; 12:2; 10:19,20)
8“Ndinokunyepai futi, kuti wese anondibvuma pamberi povanhu, Mwanakomana woMunhu achamubvumawo pamberi pongirozi dzaMwari, 9asi anondiramba pamberi povanhu acharambiwawo pamberi pongirozi dzaMwari. 10Nowese anotaura shoko rinopesana noMwanakomana womunhu anoregerehwa, asi anoshora Mweya Mutsvene anoregerehwaba.”
11“Kana maendesewa pamberi pomasinagoge nopovatongi novanomasimba, rekai kunetseka kuti muchapindurei kana kuti muchati chii. 12Nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai panguwa yakareyo zvamunofanira kutaura.”
Mufananidzo Womupfumi Dzemwa
13Umwe mukati mogurusvusvu adoti kwaari, “Tenzi, rairai mukoma wangu kuti akoverane nainini nhaka.” 14Asi adoti kwaari, “Iwe munhu, mbani adondiita mutongi kana mukovanisi pakati penyu?” 15Manje adoti kwavari, “Hokoyo, futi muchenjerere kuchiva kwese, ndava upenyu hwomunhu hahusi pazvinhu zvizinji zvaanazvo.”
16Adovanyepa mufananidzo achiti, “Munda womumwe mupfumi udoita gohwo ridokuritsa, 17Adofunga mumwoyo, achiti, ‘Chii chandichaita, ndava handinai pokuchengetera zvirimwa zvangu?’ 18Ipopo adoti, ‘izvi ndizvo zvandichaita, Ndichapwanya zvitura zvangu, ndovakha zvikuru. Makaremo ndimo mandichaisa zvirimwa zvangu zvese nomidziyo yangu. 19Ipopo ndichati kumweya wangu, unozvinhu zvizinji zvidochengetehwa makore mazinji. Tambarara, ija, umwe, ufare.’ 20Asi Mwari adoti kwaari, ‘Iwe dzemwa! Usiku huno mweya wako uchatohwa, ko zvinhu zvawagadzira zvichava zvaani?’”
21“Zvakarezvo ndozvidoita munhu anozviunganidzira pfuma, asi asinai kupfuma kuna Mwari.”
Vimba naMwari
(Mateo 6:25-34)
22Ipopo adoti kuvadzidzi vache, “Saka ndinokunyepai kuti mureke kushushikana pamusoro poupenyu hwenyu chamuchaja kana pamusoro pomuviri wenyu chamuchasimira. 23Ndava upenyu hunokunda chokuja, nomuviri unokunda chokusimira. 24Cherechedzai makunguwo, kuti hayajari kana kukohwa, hayanai pokuchengetera kana chitura, asi zvidodaipo Mwari anoyaposha! Handiti imimi mudotokoshetsa kukunda tushiri! 25Futi mbani pakati penyu angaingidzire khubiti ribodzi rokurepha kwache nokushushikana? 26Manje kana muchitadza kuita chinhu chidiki kunge ichocho, munonetsekerei pamusoro pozvimwe zvese? 27Cherechedzai maruva, kuti yanokura tini, hayashandi kana kurukha, asi zvidodaipo ndinokunyepai kuti kana naiye Soromoni pakubhwinya kwache kwese haanai kupfekedzewa zvidofanana norimwe royakareya. 28Zvino kana Mwari achipfekedza zvidodai usva hwomusango, hunondovapo nasi huchidzokhandiwa mumoto hwedza, angareke nai kunyanya kukupfekedzai vakaremi? Vanhu vokutenda kudiki!
29Saka rekai kutsvaga chamuchaja kana chamuchamwa, kana kushushikana mupfungwa. 30Ndava marudzi yese yonyika vanotsvaga zvinhu zvakarezvi, asi Baba venyu vanoziva kuti munozvida. 31Asi tsvagai umambo hwache, zvinhu zvakarezvi zvichava zvenyu pakamu.”
Pfuma Yokudenga
(Mateo 6:19-21)
32“Rekai kucha, kapoka kadiki, ndava Baba venyu vadofadziwa kukupasai Umambo. 33Tengesai zvamunazvo mupereke zvipo. Zvinhadzirirei zvikwama zvisingasakare, zvinoupfumi kudenga husingapfuruke, kusingasvikiwe nombavha kana tukumo hatuiparadzi. 34Ndava panopfuma yako pakarepo ndipo panomwoyo wako.”
Varanda Vanogaririra
35“Zviuno zvenyu mbazvisungiwe nomwenje yenyu mbaipfute, 36itai kunge vanhu vadogaririra tenzi wavo, paachadzoka achibva kumabiko yomuchato, kuti paanouya achigugudza, vanomuzururira nokamangu. 37Vadokomborehwa varanda vanowaniwa vadopenya paanouya tenzi, ndinokunyepai chokwadi chokuti, tenzi achazvipira kuvagarisa pasi, iye wovatenairira kuti vaje. 38Kana akauya panguwa yochipiri, kana yochitatu, wovawana vadodaro, vadokomborehwa varanda vakarevo! 39Asi zivai zvakarezvi, kuti dai mwenekachiro woimba waiziva nguwa inouya mbavha, waidzogaririra woreka kurekera imba yache ichipaziwa. 40Naimipawo gadzirirai, ndava Mwanakomana womunhu achauya nonguwa yamusingamufungire.”
Muranda Adotendeka kana Asinai
(Mateo 24:45-51)
41Pita adoti, “Ishe, anga mufananidzo wakareyu maunyairira isisu chere, kana kuti vanhu vese?”
42Ishe adoti, “Mbani manje mutariri adotendeka futi adochenjera, angaitiwe mutungamiri woimba yatenzi wache, kuti avapase zvokuja zvavo panguwa idofanira? 43Muranda wakareyo adokomborehwa, anowaniwa achiita zvakarezvo panouya tenzi wake. 44ndinokunyepai chokwadi, kuti achamugadza kuti ave mukuru wozvese zvaanazvo. 45Asi kana muranda wakareyo akati mumwoyo mache, ‘Tenzi wangu wachehwa kuuya,’ wothanga kurova varandarume novarandakadzi, achija nokumwa nokuredzera, 46tenzi womuranda wakareyo achauya nozuva raasingamutarisire noawa yaasingazive, achamugwata nokumuisa pabodzi novasingatende. 47Muranda anoziva zvinodiwa natenzi wache, akareka kuzvigadzirira kuita kana kuzvipira kuita zvinodiwazvo, acharohwa zvidokungudza, 48Asi uyo asingazive, akaita zvinorovesa, acharohwa zvishoma. Nokunowese adopasiwa zvidowanda, kwaari kuchabvunziwa zvidowandawo, nokunoadopasiwa zvidowanda, achabvunziwawo zvidowanda.”
Jesu Mukonzeri woKupesana
(Mateo 10:34-36)
49“Ndidouya kokhanda moto panyika, ndinototi dai udobatidziwa kare! 50Asi ndinoruombeko randichaombekewa naro, futi ndiri kumanikidzika zvidonyanya kusvikira raitika! 51Munofunga kuti ndidouya kopasa runyararo panyika nai? Ndinokunyepai kuti, neye, asi kudzopesanisa. 52Nokuti kubva ipopa mumba munovanhu vashano, muchava nokupesana. Vatatu vachapesana novairi, novairi vachapesana novatatu. 53Kuchava nokupesana kwababa nomwanakomana, nomwanakomana nababa. Amai vachapesana nomwanasikana, nomwanasikana achapesana namaache. Amwene vachapesana nomuroora, nomuroora achapesana naamwene vache.”
Kunzvitsitsa Nguwa
(Mateo 16:2-3)
54Adonyepa gurusvusvu pakare achiti, “Pamunoona guti richikwira kumadokero, nokamangu munoti, ‘Kuchana.’ Zvotoitika daipo. 55Futi pamunoona mhepo yokuchamhembe ichivhuvhuta munoti, ‘Kuchapisitsa.’ Zvakarezvo zvotoitika. 56Imi vanyengeri! Munoziva kududzira mamiriro yopasi nokudzuru, asi munotadza tini kududzira mamiriro yonguwa ino?”
Gadzirisana Nowaunopikisana Naye
(Mateo 5:25-26)
57“Sei imipa pachenyu musingatongane zvidonaka? 58Paunenge uchienda nomunenedzeri wako pamberi pomutongi, wirirana naye muchiri munzira, kuti areke kudzokupereka kumutongi, nomutongi wodzokupereka kumupurisa, nomupurisa achidzokuvharira mutorongo. 59Ndinokunyepai, unomubirikaba, kusvikira waripa kamari kokupedzisira.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka 12: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International