Johwani Kuwidzira

Kuwidzira
Vhangeri ridonyohwa naJohwani riri pakati pomabhuku manai yanotsanangura upenyu hwaJesu Khirisitu yari muChibvumirano Chitsva. Mabhuku yakareya yese yanoitiwa “Vhangeri” zvinoreva kuti “Nyaya Dzidonaka.” Nyaya Dzidonaka dzakaredzi dzidonyohwa naMateo, Mariko, Ruka naJohwani, mumasure moipfa nokumuka kwaJesu. Vhangeri raJohwani rinenge ridonyohwa noNhumwa Johwani mumasure momakore makumi mapfemba (90) yokuzvahwa kwaJesu Khirisitu. Kunyange zvazvene bhuku raJohwani risingatsanangure kuti Johwani ndiye adorinyora, asi manyorehwo yarene yadofanana notsamba dzaadonyora iye Johwani, dzinova, 1 Johwani, 2 Johwani uye 3 Johwani. Vanyori vokare vanoti Johwani adonyora bhuku rakareri ari muguta roEfeso maanga achigara.
Johwani anoisa pachenu chinangwa chokunyora bhuku rache achiti, adonyorera kuti vanhu vatende kuti Jesu ndiye Khirisitu, Mwanakomana waMwari mupenyu, Johwani 20:31. Pakutenda zvakarezvi tinova noupenyu muzita rache. Bhuku rakareri ridonyorehwa vaverengi vese, vochiJudha novaye voyamwe marudzi. Vhangeri ridonyohwa naJohwani rino kusiyana kukuru kwaridoita noyamwe mavhangeri matatu. Bhuku rakareri rinonyanyitsa kunyaira pamusoro pozvishamiso zvidoitiwa naJesu richisiya zvomifananidzo yaadopasa pakudzidzisa kwache. Zvimwe zvidoitika zvinokosha, fanike zvokuombekewa kwaJesu nokuedzewa kwache ari musango hazvinai kunyohwa muVhangeri raJohwani.
Marongehwo
Johwani anothanga vhangeri yache kubva pachitsauko (Johwani 1:1-18).
Kubvawo pakarepa anodzonyora pamusoro pozvishamiso zvidowanda zvidoitiwa naJesu. (Johwani 1:19—12:50).
Paanondopedza zvakarezvi, anodzotsanangura zvinhu zvizinji zvidoitika muupenyu hwaJesu zvidodzotungamira kuipfa futi nokudzomuka kwache kubva kuipfa (Johwani 13:1—20:31).
Johwani paanopedzisa vhangeri yache pachitsauko 21 anonyaira zvonguwa yokuzvinangidza kwaJesu kuvanhu mumasure mokumuka kwache kubva kuvadopfa, anodzopedzisira nokunyaira chinangwa chaadonyorera bhuku rakareri.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Johwani Kuwidzira: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល