Johwani 1

1
Shoko Ridova Nyama
1Pakuthanga kwanga kuno Shoko, Shoko ranga rina Mwari, futi Shoko ranga riri Mwari. 2Wanga ari pakuthanga naMwari. 3Zvinhu zvese zvidoitiwa kuburikidza naye, futi kunze kwache hapanai chokugadzihwa changa chidogadzihwa. 4Maari maiva noupenyu, futi upenyu hwacho hwaiva chiedza chovanhu. 5Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harinai kuchikunda.
6Kwanga kuno munhu adotumiwa naMwari, waiitiwa Johwani. 7Adouira kuti apfakazire chiedza chakarecho, kuti vese vatende kuburikidza naye. 8Iye wanga asiri chiedza chacho, asi adouya kuti apase upfakazi hwochiedza. 9Chiedza chochokwadi chinovhenekera vanhu vese changa chichiuya panyika.
10Wanga ari panyika, futi nyika idonhadzihwa kuburikidza naiye, asi nyika yacho hainai kumuziva. 11Adouya kuvanhu vache, asi vanhu vachevo havanai kumutambira. 12Asi vese vadomutambira, vaye vadotenda muzita rache, adovapasa simba rokuva vana vaMwari, 13vasinai kuzvahwa nomagazi kana nokuda kwomuviri wonyama, kana nokuda kwomunhu, asi vadozvahwa naMwari.
14Shoko ridodzova munhu ndokugara pakati pedu, rizere nonyasha nochokwadi, tidoona kubhwinya kwache, kudoita kunge kwoMwanakomana mubodzi adobva kuna Baba.
15Johwani adopasa upfakazi pamusoro pache ndokudaidzira achiti, “Wakareyu ndiye wandidoreva ndichiti, ‘Anouya mumasure mangu asi adondithangira, nokuti wanga aripo inini ndisati ndavapo.’”
16Nokuti pakuzara kwache, tese tidotambira mutsa pamusoro pomutsa. 17Nokuti mutemo udouya kuburikidza naMozisi, asi mutsa nochokwadi zvidouya naJesu Khirisitu. 18Hapanai adomboona Mwari, asi Mwanakomana mubodzi ari pachipfuwa chaBaba ndiye adoita kuti azikane.
Upfakazi hwaJohwani Muombeki
(Mateo 3:1-12; Mariko 1:1-8; Ruka 3:1-18)
19Uhwu ndihwo upfakazi hwaJohwani, padouya nhume dzovaJudha kwaari dzichibva kuJerusarema, dzaiva vaphirisita novarevhi, vadomubvunza vachiti, “Ndiwe yani?”
20Adopasa upfakazi, haanai kuramba, asi adopasa upfakazi achiti, “Ndiniba Khirisitu.”
21Ivo vadomubvunza vachiti, “Chii manje? Ndiwe Eriya chere?”
Iye adoti, “Ndiniba.”
Vadomuti, “Ndiwe muporofiti chere?”
Iye adopindura achiti, “Neye.”
22Vadodzoti kwaari, “Ndiwe yani? Tinoda mhinduro yokopasawo vadotituma. Unozviti ndiwe yani?”
23adoti,
“Ndini ‘izvi roanokuwa musango,
yororai nzira yaIshe!’” Ndokunyohwa kwazvidoitiwa nomuporofiti Isaya.
24Zvino vaimubvunzavo vanga vatumiwa kubva kuvaFarise. 25Vadomubvunza vachiti, “Manje kana usiri Khirisitu, kana Eriya, kana kuti muporofiti, sei uri kuombeka?”
26Johwani adovapindura achiti, “Ndinoombeka nomvura, asi pakati penyu padomira umwe wamusingazive, 27wakareyo anouya mumasure mangu, ndinokodzeraba kusugudura murawu woshangu dzache.”
28Zvakarezvi zvidoitika muBhetani kumhiri kwohwizi Jorodhani, kwaanga achiombekera Johwani.
Hwayana raMwari
29Mangwanachimuka Johwani adoona Jesu achiuya kwaari ndokubva wati, “Nangarai Hwayana raMwari, rinobvisa zvitema zvonyika! 30Iyeyu ndiye wandidoreva ndichiti, ‘Mumasure mangu muchauya umwe adondithangira, nokuti wanga aripo kumberi kwangu.’ 31Inipano handinai kuziva kuti ngupi, nondava yakareyo ndidouya ndichiombeka nomvura, kuti iye anangidziwe kuvaIzirairi.”
32Johwani adopasa upfakazi achiti, “Ndidoona Mweya achiburuka kubva kudenga adoita kunge njiva, ndokuvhoda nokuramba ari paari. 33Inini pachangu ndaimuzivaba, asi adondituma kuti ndiombeke nomvura, ndiye adoti kwandiri, ‘Waunoona achivhodewa naMweya achigara paari, wakareyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’ 34Inini ndidoona ndokupasa upfakazi kuti, wakareyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
Vadzidzi vaJesu Vokuthanga
35Mangwanachimuka Johwani wanga adomira novadzidzi vache vairi, 36ndokunangara Jesu waitekaira zvache, Johwani adobva wati, “Onai Hwayana raMwari!”
37Vadzidzi vairi vadomunzva achitaura zvakarezvo, vadobva vatevera Jesu. 38Jesu adocheuka, ndokuvaona vachimutevera, iye ndokuti kwavari, “Anga muri kutsvaga chii?”
Vadoti kwaari, “Mudzidzisi” zvinoreva kuti Mudzidzisi, “Muri kugara poi?”
39Adoti kwavari, “Uyai muone.” Vadouya ndokuona paanga achigara, ndokugara naye zuva rakarero, ndava nguwa yanga yaakusvika paawa yochigumi.
40Umwe wovairi vadonzva Johwani achitaura, achibva watevera Jesu, ndiAndireya, waiva mukoma nomunin'ina naSimoni Pita. 41Chinhu chaadothanga kuita kuwana Simoni hama yache, adomunyepa achiti, “Tawana Mesiya,” zvinoreva kuti Khirisitu. 42Adoenda naye kuna Jesu.
Jesu adomunangara ndokubva wati, “Saka ndiweka Simoni, mwanakomana waJohwani? Uchaitiwa Kefasi.” Izvozvo zvinoreva kuti Pita.
Jesu Anodaidza Firipi naNatanieri
43Zuva ridotevera Jesu adosarudza kuenda kuGaririya. Adowana Firipi ndokumuti, “Nditevere.” 44Zvino Firipi waibva kuBhetisaidha, guta raibva Andireya naPita. 45Firipi adowana Natanieri ndokuti kwaari, “Tamuwana adonyohwa naMozisi pamusoro pache mumurairo, novaporofiti, Jesu woNazareta Mwanakomana waJosefa.”
46Natanieri adobva wati kwaari, “Pano chinhu chidonaka chingabvewo kuNazareta chere?”
Firipi adobva wamuti, “Uya uone.” 47Jesu paadoona Natanieri achiuya kwaari adomuti, “Nangarai muIzirairi wochokwadi, asinai unyengeri!”
48Natanieri adoti kwaari, “Ko munondiziva tini?”
Jesu adomupindura achiti, “Ndakuona usati wadaidziwa naFiripi, pawanga uri pasi pomukuyu.”
49Natanieri adoti, “Mudzidzisi, muri Mwanakomana waMwari! Muri Mambo wovaIzirairi!”
50Jesu adobva wamupindura achiti, “Watenda ndava ndati kwauri ndakuona pasi pomukuyu? Uchaona zvidokuritsa kukunda zvakarezvi.” 51Zvino adoti kwaari, “Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizuruka, ngirozi dzaMwari dzichikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu.”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Johwani 1: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល