Ruka 24

24
Kumuka KwaJesu
(Mateo 28:1-10; Mariko 16:1-8; Johwani 20:1-10)
1Asi nomusi wokuthanga kwosondo, mambakwedza, vadouya kuguwa, vadotakura zvinonushira zvavanga vagadzira. 2Vadowana dombo rakungurutsiwa kubva paguwa, 3Vadopinda mukati, ndokusaya mutumbi waIshe Jesu. 4Pavanga vachiri kunetseka nazvo, padomira varume vairi vaiva vadosimira zvinoyetima, 5pavadovhunduka, nokutogurama zviso zvavo pasi, varume vakarevo vadoti kwavari, sei muri kutsvaga mupenyu pakati povadopfa? 6Haazi pano, wamuka, yeukai zvaadotaura kwamuri paanga achiri muGaririya, 7achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kuisiwa mumanja yovatadzi, woroverehwa, pazuva rochitatu womuka pakare.” 8Vadobva varangarira mashoko yache, 9vadodzoka vachibva paguwa ndokuudza vanogumi nomubodzi novamwe vese zvinhu zvakarezvo zvese. 10Vakarevo vanga vari Mariya Magadharina, naJoana, naMariya amai vaJakobho, novamwe vakadzi vavanga vanavo vadoudza nhumwa zvakarezvi, 11asi mazvi yakareya yadoita kunge chinzano kwavari, havanai kuvatenda. 12Asi Pita adosumuka, ndokuita ruviro kumhanyira kuguwa, paadokotama adondoona mapiza basi yari payene yega. Adobirika pakarepo ndokuenda kumba, achishamisika kuti chii changa chaitika.
Vairi Vaienda kuEmausi
(Mariko 16:12,13)
13Pazuva rakarero vairi vavo vanga vachienda kumusha unoitiwa Emausi, huri yomamaera masere kubva kuJerusarema. 14futi vadotaurirana zvinhu zvakarezvi zvese zvanga zvaitika. 15Zvidoitika kuti pavaitaura daipo vachibvunzana, Jesu pachake adonyedza papfupi, ndokuenda navo. 16Asi meso yavo yadoita buzvi ndokutadza kumuziva. 17Adobva wati kwavari, “Hukurukurirana kworudzii kwamunoita muchitekaira daipa?” Vadobva vamira, vadosuwa. 18Umwe wacho waiitiwa Khiropasi, adomupindura achiti, “Ndiwe wega nai murendo muJerusarema asingazive zvinhu zvidoitika mazuva yano?” 19Iye adobva wati, “Zvinhu zvokuti chii?” Vadoti kwaari, “Zviri maererano naJesu woNazareta, wanga ari muporofiti anosimba pabasa nopashoko pamberi paMwari novanhu vese, 20nomaperekehwo yaadoitiwa novaphirisita vedu vakuru novatongi kuti atongehwe ipfa, futi kuti aroverehwe. 21Asi Tanga tichitogurupira kuti ndiye achadzikinura vaIzirairi. Futi pamusoro pozvakarezvi zvese, rino rava zuva rochitatu kubva pazvidoitika. 22Ukuwo, vamwe vakadzi voboka redu vatishamisa, vanga vari kuguwa mambakwedza. 23Havanai kuwana mutumbi wache. Vadzoka vachiti vaona chiratidzo chongirozi, ndokubva dzavanyepa kuti mupenyu. 24Vabiyedu vatanga tinavo vaenda kuguwa, ndokuwana zvidoita sekutauhwa kwazvanga zvaitiwa novakadzi, asi iye havanai kumuona.” 25Adobva wati kwavari, “O varume madzemwa, muno mwoyo inochehwa kutenda zvese zvidorehwa novaporofiti! 26Zvanga zvisinai kufanira chere kuti Khirisitu atambudzike zvidodai achidzopinda mukubhwinya kwache?” 27Adothanga kubva pana Mozisi nokuvaporofiti vese, adovadudzira zvomumagwaro yese zviri maererano naye pachake. 28Zvino vadosvika papfupi nomusha wavanga vachienda, Iye adoita kunge waakupindirira. 29Ivo vadomurambidza kuenda vachiti, “Gara naisisu, ndava nguwa yaenda, zuva radoka.” Saka adodzopinda kogara navo. 30Zvino adodzogarikika navo kuti vaje, adotora mazingwa, ndokuropafadza, ndokukomora achibva wavapasa. 31Meso yavo yadopengenuka, ndokubva vamuziva, iye adobva wanyangarika. 32Vadonyairirana vachiti, “Sei mwoyo yedu isinai kutirimuka paanga achinyaira naisisu munzira, panguwa yaanga achitivhurira magwaro?” 33Vadosumuka paawa yakareyo vachidzokera kuJerusarema, vadowana vano gumi nomubodzi vadoungana pabodzi novavanga vanavo, 34ivo vadoti, “Ishe wamuka pachokwadi, futi wazviratidza kuna Simoni!” 35Ipopo vadorondedzera zvanga zvaitika munzira, nomaziviro yavadomuita pakukomora zingwa.
Jesu Anozvionesa Kuvadzidzi Vache
(Mateo 28:16-20; Mariko 16:14-18; Johwani 20:19-23)
36Pavanga vachitaura zvakarezvo, Jesu pachake adomira pakati pavo. 37Asi vadovhunduka vachicha, vachifunga kuti vanga vachiona chipoko. 38Iye adoti kwavari, “Sei muri kunetseka, futi sei munomibvunzo iri kumuka mumwoyo menyu? 39Onai manja yangu notsoka dzangu, kuti ndini pachangu, ndibatei, muone, ndava chipoko hachinai nyama nomapfupa sezvamuri kuona kuti ndinazvo.” 40Adobva wavanangidza manja notsoka dzache. 41Vachiri kutadza kuzvitenda nomufaro, vachishamisika, adoti kwavari, “Muno chokuja chere pano?” 42Vadomupasa nhindi yohove idogochewa, 43Adoitora ndokuija pamberi pavo. 44Ipopo adoti kwavari, “Aya ndiyo mazvi yangu yandidonyaira kwamuri, ndichiri nemi, kuti zvese zvidonyorewa pamusoro pangu mumutemo waMozisi novaporofiti nomapisarema zvinofanira kuzazisiwa.” 45Ipopo adovhura pfungwa dzavo kuti vanzvitsitse Magwaro, 46futi adoti kwavari, “Ndizvo zvidonyohwa kuti Khirisitu anofanira kutambudzika nozuva rochitatu womuka kubva kuvadopfa, 47kuti kupinduka nokuregerehwa kwozvitadzo kuparidziwe muzita rache kumarudzi yese, kuthanga muJerusarema. 48Imimi muri zvapupu zvozvinhu zvakarezvi. 49Onai, ndinotumira chipikihwa chaBaba vangu pamusoro penyu, asi garai muguta kusvikira masimidziwa nosimba rinobva kumusoro.”
Jesu Anokwira Kudenga
(Mariko 16:19-20)
50Ipopo adovatungamira kunze papfupi noBhetani, adosumudza maoko yache ndokuvaropafadza. 51Paanga achivaropafadza, adopararana navo, ndokutohwa kuenda kudenga. 52Ivo vadodzokera kuJerusarema nomufaro mukuru, 53vadoramba vari muimba yaMwari vachikudza Mwari.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Ruka 24: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល