Johwani 5
5
Kuporesewa Padziva
1Mumasure mozvakarezvo Jesu adoenda kumutambo wovaJudha, waiva kuJerusarema. 2Zvino muJerusarema panyasi posuwo rikuru rohwai pano dziva ridotenzewa muchiHebheru kuti Bhetezidha, raiva notumathumba tushano tudoripoteredza. 3Makaremo ndimo maienzerera chaunga chozvirema zvidowanditsazvo, marombe, mhetamakumbo, novadotonhora nhengo. 4Ndava panoimwe nguwa ngirozi yaiburukira mudziva ichibvundura mvura, saka wese waithanga kupinda mudziva kana mvura yabvunduriwa, waiporesewa chihwere chese chaanenge anacho. 5Umwe murume waiva pakarepo, wanga wahwara kwomakore makumi matatu nomasere. 6Jesu paadomuona achiziva kuti wanga adoenzera pakarepo nguwa idorepha maninge, adoti kwaari, “Unoda kuporesewa chere?”
7Muhwere adopindura achiti, “Changamire, hapanai anondiwisira mudziva kana mvura yabvunduriwa, pandinenge ndichiri kuenda umwe anobva wandithangira kupinda.”
8Jesu adoti kwaari, “Sumuka, tora bonde rako, utekaire.” 9Kabodzi nokabodzi murume adobva wapora. Adotora bonde rache ndokutekaira. Manje zuva rakarero ranga riri Sabata. 10MaJudha vadobva vati kumurume wanga waporesewa, “Nasi iSabata, haubvumihwe kutakura bonde rako.”
11Asi iye adovapindura achiti, “Munhu wandiporesa ndiye wanditi, ‘tora bonde rako utekaire.’”
12Vadomubvunza vachiti, “Mbani munhu wacho wakuudza kuti, utore bonde rako utekaire?”
13Manje murume adoporesewa waizivaba adomuporesa, ndava Jesu wanga waporika muvanhu panzvimbo yakareyo, pachaunga chovanhu.
14Mumasure mozvakarezvo, Jesu adowana murume uye ari muimba yaMwari ndokubva wamuti, “Onaka waporesewa, reka kuita zvitadzo pakare kuti zvidoipitsitsa zvireke kuuya kwauri.”
15Murume uye adobva waenda konyepa vaJudha kuti ndiJesu wamuporesa. 16Izvozvi ndizvo zvidoita kuti vaJudha vatambudze Jesu, ndava waiita zvakarezvi paSabata. 17Asi Jesu adovapindura achiti, “Baba vangu vachiri kushanda, nainini ndiri kushanda.”
18Izvozvo ndizvo zvidoitisa kuti vaJudha vatsvagitsitse mabairo yavangamuite, ndava haanai kundochora mutemo woSabata chete, asi waidaidza Mwari kuti ndiBaba vache, kutozvienzanisa naMwari.
Simba roMwanakomana roChikuriri
19Jesu adoti kwavari, “Ndinokunyepai chokwadi, Mwanakomana hapanai chaangaite ari wega, asi zvaanoona Baba vachiita basi, nokuti zvese zvinoitiwa naBaba zvakarezvo ndizvo zvinoitiwawo noMwanakomana. 20Nokuti Baba vanofarira Mwanakomana, vanomunangidza zvese zvavanoita ivo, vachamunangidza mabasa makuru kukunda yakareya, zvokutoti muchashamisika. 21Sezvinoita Baba kumutsa vadopfa vachivapasa upenyu, naiyewo Mwanakomana anopasa upenyu munhu waanoda. 22Baba hapanai wavanotonga, asi vadopasa kutonga kwese kuMwanakomana, 23kuti vese varemekedze Mwanakomana, sekuremekedza kwavanoita Baba. Asingaremekedze Mwanakomana haaremekedzewo Baba vadomutuma.”
24“Ndinokunyairirai zvochokwadi, uyo anonzva Shoko rangu achitenda kuna iyeyo adondituma, anoupenyu husingapere, haauye pakutongewa, asi wabirika muipfa wapinda muupenyu. 25Ndinokunyepai chokwadi ndichiti, nguwa iri kuuya, izvozvi yatosvika, apo vadopfa vachanzva dzinga roMwanakomana waMwari, futi vacharinzvavo vachararama. 26Baba sezvavanoupenyu mavari, saizvozvo vadopasawo Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. 27Futi vadomupasa simba rochikuriri kuti atonge, ndava Mwanakomana woMunhu. 28Rekai kushamisiwa nozvakarezvi, nokuti nguwa iri kuuya apo vese vari mumanda vachanzva dzinga rache 29vobirika, avo vadoita zvidonaka vomukira kuupenyu, avo vadoita zvidoipa vomukira kutongewa.”
Vanopfakazira Jesu
30“Hapanai chandinokona nosimba rangu ndega, ndinotonga sezvandinonzva, kutonga kwangu kudokohoroka, ndava ndinotsvagaba zvangu ndega asi zvinodiwa noadondituma. 31Kana ndikazvipupurira, upfakazi hwangu hunenge huri hwomabhwodo, 32Aripo umwe anoupfakazi pamusoro pangu, futi ndinoziva kuti anondiitira upfakazi hwochokwadi. 33Pamudotuma vanhu kuna Johwani, iye adopasa upfakazi hwochokwadi. 34Zvinorevaba kuti ndinotambira upfakazi hunobva kuvanhu, asi ndinonyaira zvakarezvi kuti muponesewe. 35Johwani wanga ari mwenje waipfuta uchipasa chiedza, naimipa mudoda nokufarira chiedza chache kwokanguwa. 36Asi upfakazi hwandinahwo mbukuru kukunda hwaJohwani, nokuti basa randidopasiwa naBaba kuti ndipedzise, rakarero randiri kuita, rinondipfakazira kuti Baba vadondituma. 37Baba pachavo vadondituma vadondipupurira. Dzinga ravo hamunai nokundorinzva kwese, chimiro chavo hamunai nokundochiona kwese, 38nokuti imipa hamunai shoko ravo rinogara mamuri, nokuti hamutende wavadotuma. 39Munonzvera magwaro nondava yokuti munofunga kuti mayari muno upenyu husingapere, magwaro yakareyo ndiyo yanopfakaza pamusoro pangu. 40Asi imipa munoramba kuuya kwandiri kuti muve noupenyu. 41Handitambire kukudziwa kunobva kuvanhu. 42Asi ndinokuzivai kuti hamunai rudo raMwari mukati menyu. 43Ndidouya muzita raBaba vangu, asi hamunditambire, kana umwewo akauya muzita rache, iyeyo muchamutambira. 44Mungatende sei, iyemi munotambira kurumbidzana asi musingatsvage kurumbidziwa kunobva kuna Mwari chete? 45Rekai kufunga kuti ndichazokunenedzerai pamberi paBaba. Mozisi wamunovimba naye ndiye anokupasai mhosva. 46Dai mudotenda Mozisi, maitendawo inini, nokuti Mozisi adonyora pamusoro pangu. 47Asi kana musingatende zvaadonyora, mungatende tini mashoko yangu?”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Johwani 5: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International