Johwani 3

3
Jesu naNikodhimo
1Kwanga kuno murume muFarisi waiitiwa Nikodhimo, waiva mukuru wovaJudha. 2Murume wakareyo adouya kuna Jesu usiku ndokumuti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri mudzidzisi anobva kuna Mwari, ndava hapanai munhu angaite zviratidzo zvamunoita, kusara kwokunge achitova naMwari.”
3Jesu adomupindura achiti, “Ndinokunyepa chokwadi, munhu haangaone umambo hwaMwari kusiya kwokunge watozvariwa pakare.”
4Nikodhimo adoti kwaari, “Munhu angazvariwe tini kana wakura? Angapinde pakare chere mumimba mamaache kuti azvariwe?” 5Jesu adopindura achiti, “Ndinokunyepa chokwadi, kunze kwokunge munhu wazvahwa nomvura noMweya, anopindaba muumambo hwaMwari. 6Icho chidozvahwa nomunhu munhu, nochidozvahwa noMweya mweya. 7Reka kushamisiwa ndava ndakuti, unofanira kuzvahwa pakamu. 8Mhepo inopupuza ichienda kwainoda, unondonzva ruzha rayene, asi unozivaba kwainobva nokwainoenda. Zvakarezvo ndozvidoita wese adozvahwa noMweya.”
9Nikodhimo adomubvunza achiti, “Izvozvi zvinoitika tini?”
10Jesu adomupindura achiti, “Uri mudzidzisi wovaIzirairi, saka unonzvitsitsaba zvakarezvi nai? 11Chokwadi, ndinoti kwauri, tinonyaira zvatinoziva nokupa upfakazi hwozvatidoona, asi imipa hamutambire upfakazi hwedu. 12Kana ndidokunyairira zvopasi pano imipa motadza kuzvitenda, mungadzotenda tini ndikakunyairira zvokudenga? 13Hapanai adokwira kudenga kunze kwaiye Mwanakomana woMunhu adoburuka achibva kudenga.”
14Futi sezvidoitiwa naMozisi zvokuturika nyoka musango, naiyewo Mwanakomana woMunhu anofanira kuturikiwa pamusoro, 15kuti wese anotenda kwaari ave noupenyu husingapere. 16Nokuti Mwari adoditsa nyika zvokutoipasa Mwanakomana wache mubodziyo, kuti wese anotenda kwaari areke kupfa, asi ave noupenyu husingapere. 17Nokuti Mwari haanai kutuma Mwanakomana wache kuti apase murandu nyika, asi kutoti nyika iponesewe kuburikidza naye.
18“Uyo anotenda kwaari haatongewe. Asi asingatende watotongewa kare, nokuti haanai kutenda kuMwanakomana waMwari mubodzi. 19Kutongewa nghuku, kuti chiedza chidouya panyika, asi vanhu vadofarira rima pachinzvimbo chochiedza, nokuti zviito zvavo zvanga zvidoipa. 20Ndava wese anoita zvidoipa anovenga chiedza, futi haauye pachiedza, kuti zviito zvache zvireke kufumuhwa. 21Asi uyo anoita zvochokwadi anouya pachiedza, kuti zvioneke pachenu kuti zviito zvache zvidoitiwa muna Mwari.”
Jesu naJohwani Muombeki
22Mumasure mozvakarezvi Jesu adoenda kunyika yoJudhiya novadzidzi vache. Adoramba anavo kwakareko achiombeka vanhu. 23NaJohwaniwo wanga achiombeka ari paAnoni panyasi noSarimu, nokuti pakarepo panga panomvura idowanditsa, futi vanhu vadouya vachiombekewa. 24Nokuti Johwani wanga asati waisiwa mutorongo.
25Manje nharo dzidomuka pakati povadzidzi vaJohwani noumwe muJudha, pamusoro pokuzvinatsa. 26Vadouya kuna Johwani ndokuti kwaari, “Mudzidzisi, uyeuye wamanga munaye kumhiri kwohwizi Jorodhani, wakareuye wamudopfakazira uye, waakuombeka, futi vanhu vese vaakutoenda kwaari.”
27Johwani adovapindura achiti, “Hapanai angawane chaangatambire kunze kwokunge wachipasiwa kubva kudenga. 28Imipa munotondipupurira kuti ndidoti, ‘Ndiniba Khirisitu, asi ndidotumiwa pamberi pache.’ 29Uyo anomwenga ndiye murume, muperekedzi womurume, anomira achinzva, anofara chaizvo achinzva dzinga romurume, saka mufaro wanguyu wapfachukira. 30Anofanira kuingidzika, asi inini ndinofanira kuderedzeka.”
Uyo Adobva kuDenga
31Uyo anobva kumusoro ari pamusoro povese, uyo ari pasi ndowopasi, anonyaira zvinhu zvopasi futi, uyo anobva kudenga ari pamusoro povese. 32Anopasa upfakazi hwozvinhu zvaadoona nozvaadonzva, asi hapanai anotambira zvaanopfakaza. 33Uyo anotambira upfakazi hwache anoisa chisimbiso chache chokuti, Mwari ngwochokwadi. 34Nokuti iyeyo adotumiwa naMwari anonyaira mazvi yaMwari, nokuti adopasiwa Mweya asingapimihwe. 35Baba vanopfarira Mwanakomana, futi vadoisa mumaoko yache zvinhu zvese. 36Uyo anotenda kuMwanakomana anoupenyu husingapere, uyo asingatetekere Mwanakomana haazoona upenyu, asi ukari hwaMwari huchagara pamusoro pache.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Johwani 3: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល