Johwani 2
2
Muchato kuKana romuGaririya
1Pazuva rochitatu kudoitika muchato kuKana romuGaririya. Amai vaJesu vanga variko, 2futi Jesu novadzidzi vache vanga vakokewawo kumuchato wakareyo. 3Waini paidopera, amai vaJesu vadomunyepa vachiti, “Havachinai waini.”
4Zvino Jesu adoti kwavari, “Nai amai, munoda kuti ndiitei nazvo? Nguwa yangu hainati yasvika.” 5Amai vache vadobva vanyairira vashandi vachiti, “Itai zvese zvaanokunyepai.”
6Zvino pakarepo panga padogadzikiwa makhate yomabhwe matanhatu, nochikonzero chotsika yokuzvinatsa kwovaJudha. Gate ribodzi raipinda marita yangasvike zana. 7Jesu adoti kuvashandi, “Zazai makhate yakareya nomvura.” Vashandi vadobva vayazaza kuti punumunu. 8Adodzoti kwavari, “Chitekai muende kopasa mukuru womutambo.” Ivo vadobva vaita zvakarezvo. 9Mukuru womutambo paadoraidza mvura yanga yava waini. Adozivaba kwayanga yabva asi vashandi, vanga vateka mvura ndivo vaiziva. Mukuru womutambo adodaidza murume waichata 10ndokuti kwaari, “Munhu wese anothanga kukovera waini idonaka, kana vaphunga vakorewa, wodzovapasa waini yomaruhwi. Asi iwewe wanga udondochengeta waini idonaka kusvika manje!”
11Chakarechi nyhiratidzo chokuthanga, chidoitiwa naJesu paKana roGaririya. Paadonangidza kubhwinya kwache vadzidzi vache vadotenda kwaari.
12Mumasure mozvakarezvi, Jesu adoenda kuKaperenaume namaache, novanin'ina vache, novadzidzi vache vadogara kunzvimbo yakareyo mazuva mashoma.
Jesu Anopinda muimba yaMwari
(Mateo 21:12-13; Mariko 11:15-17; Ruka 19:45-46)
13Phasika mutambo wovaJudha pawanga waakusvika, Jesu adoenda kuJerusarema. 14Adowana muimba yaMwari munovanhu vaitengesa mombe, mahwai, hangaiva novaiita basa rokusandura mari vadogara pamatafura yavo. 15Adobva watora thambo achibva wagadzira siwepu nayo, ndokuvabiritsa muimba yaMwari vese nomombe nomahwai, achibva wataya mari yovaichinjana, achiphidigura mathafura yavo. 16Adonyairira vaitengesa hangaiva achiti, “Biritsai zvinhu zvakarezvi, rekai kuita imba yaBaba vangu musika wokutengeserana.” 17Vadzidzi vache vadoyeuka kuti zvidonyohwa kuti, “Shungu dzoimba yenyu dzichandipedza.”
18VaJudha vadodzoti kwaari, “Unochiratidzo chipi chaungatinangidze kuti unochikuriri chokuita zvakarezvi?”
19Jesu adovapindura achiti, “Pwanyai imba yaMwari yakarei, ndinoivakha futi pamazuva matatu.”
20VaJudha vadobva vati, “Kudopera makore makumi manai nomatanhatu imba yaMwari yakarei ichivakhiwa, manje iwepa ungaivakhe chere pamazuva matatu?”
21Asi iye imba yaMwari yaaireva wanga uri muviri wache. 22Paadodzomutsiwa kuvadopfa, vadzidzi vache vadoyeuka kuti wanga wanyaira zvakarezvo, vadobva vatenda magwaro noshoko ridonyaihwa naJesu.
Jesu Anoziva Unhu hwoVanhu
23Zvino paanga ari muJerusarema pamutambo woPhasika, vazinji vadotenda muzita rache pavadoona zviratidzo zvaadoita. 24Asi Jesu haanai kuzvipereka kwavari nokuti waiziva unhu hwovanhu vese. 25Saka haanai kuda kuti umwe munhu amupase upfakazi pamusoro pomubiyake.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Johwani 2: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: