Mabasa yoNhumwa 5

5
Ananiyasi naSafira
1Zvino murume waiitiwa Ananiyasi pabodzi nomukadzi wache Safira vadotengesawo munda. 2Asi iye adozvikamurira imwe mari kubva pano yaadowana pakutengesa, mukadzi wache wanga achizviziva, ndokuuyisa chikamu basi ndokuisa pamberi ponhumwa. 3Pakarepo Pita adoti, “Ananiyasi, Sathani wazazireiko mwoyo wako kuti ubhwodokere Mweya Mutsvene, nokuzvikamurira imwe mari kubva pamutengo womunda? 4Pawanga usinati watengesewa, wanga usiri wako chere? Wabva kutengesewa mariyo njakoba, waita tiniko kufunga kuita chinhu chidodaichi mumwoyo mako? Manje haunai kubhwodokera vanhu, asi Mwari.” 5Ananiyasi paadonzva mashoko yakareya, adokomoka ndokuwira pasi nokupfirafuti. Kucha kukuru kudobata vese vadozvinzva. 6Pakarepo majaha vadosumuka vachiputiridza mutumbi wache ndokuubiritsa panze vachienda komuviga.
7Padopera chinguwa chomaawa matatu mukadzi wache adopinda, asingazive zvanga zvaitika. 8Pita adoti kwaari, “Ndinyepe yakarei ndiyo mari yamudowana chere pamudotengesa munda?” Iye adoti, “Inde ndiyoyo.’’
9Zvino Pita adoti kwaari, “Ndavayei mabvumirana pabodzi kuyedza Mweya waIshe nangara ndipo, tsoka dzovabva koviga murume wako dziri pamusuwo, uye vachakubiritsawo panze.” 10Pakarepo adokomoka ndokuwira pasi patsoka dzache ndokupfawo. Majaha pavadodzopinda vadomuwana watopfa ndokumubiritsa panze vachienda komuviga padivi pomurume wache. 11Kucha kukuru kudobata Kherekhe yese, novese vadonzva pamusoro pozviitiko zvakarezvi.
Minana Nozvishamiso
12Manje zviratidzo zvizinji nozvinoshamisa zvidoitiwa pakati povanhu nomanja yonhumwa. Uye vese vanga vari pabodzi vari paberere raSoromoni, 13Pakati pavo panga pasinai munhu adotsunga kubatana navo, asi vairemekedzewa zvikuru novanhu. 14Zvisinei vatendi vadowanda, vanhurume novanhukadzi vadoramba vachiingidzihwa kuna Ishe. 15Nokudaro vadoisa vahwere munzira vachivaradzika pamibhedha nopamaponde, kuti kana Pita waakupinda nopakarepo mumvurimvuri wache usvike panovamwe vavo. 16Vanhu vadobvawo mumaguta yadopoteredza Jerusarema, vadoungana vachiuya novahwere novaitambudziwa nomweya idoipa, vese vadoporesewa.
Nhumwa DzinoTambudziwa
17Asi muphirisita mukuru adosumuka novese vaanga anavo, vanga vari vobato rovaSadhusi, vanga vanochanje chaizvo; 18vadosunga nhumwa ndokudziisa mutorongo maiisiwa vanhu vese. 19Asi usiku ngirozi yaIshe idovhura misuwo yotorongo, ichivabiritsa ichiti, 20“Endai komira muimba yaMwari munyairire vanhu mashoko yese youpenyu.” 21Pavadonzva zvakarezvi, vadopinda muimba yaMwari kwaakuchena ndokudzidzisa.
Manje muphirisita mukuru naabiyache pavadosvika, vadokokorodza makorokota nodare rese rovaIzirairi, ndokutuma vanhu kovatora kutorongo. 22Asi varanda pavadosvika, havanai kuvawana mutorongo, vadodzoka vachivanyepa zvakarezvo vachiti, 23“Tawana torongo ridozaririwa zvidosimba, novachengeti votorongo vadomira pamisuwo, asi patavhura hatinai kuwana munhu mukati!” 24Zvino mukuru wovachengeti voimba yaMwari novaphirisita vakuru pavadonzva mashoko yakareya, vadokanganisiwa nayo, vachinetseka kuti zvinodzoita tini zvakarezvi. 25Pakarepo umwe adobva wasvika achivanyepa achiti, “Varume vamudoisa mutorongo vaye vari muimba yaMwari, vakutodzidzisa vanhu.” 26Pakarepo mukuru wovachengeti voimba yaMwari adoenda novatariri vache kovatora, asi vasingaite zvokuvakikiritsa, ndava vanga vachicha kuti vanhu vangavateme nomabhwe.
27Pavadosvika navo, vadovapereka kumakorokota. Muphirisita mukuru adovabvunza, 28achiti, “Tidokutsindikiraiba kasingapere kuti rekai kudzidzisa nozita rakareri, manje nangarai matozaza Jerusarema nodzidziso yenyu, munoda kuti gazi romunhu wakareyu ritipfukire nai.”
29Asi Pita nonhumwa vadopindura vachiti, “Tinofanira kutetekera Mwari kupinda vanhu. 30Mwari womadzibaba vedu adomutsa Jesu kuvadopfa, iye wamudobaya muchimuturika pamuchinjikwa. 31Mwari adomusumudzira iye kujanja rache roruji kuti ave mutungamiri nomuponisi, kuti apase vaIzirairi kupinduka nokukangamwihwa zvitema. 32Isisu tiri pfakazi dzozvinhu zvakarezvi, pabodzi naMweya Mutsvene adopasiwa naMwari kuna ivo vanomutetekera.”
33Pavadonzva zvakarezvi vadokaripitsa zvokutoda kuvabaya. 34Asi umwe muFarisi mudaremo waiitiwa Gamarieri, mudzidzisi womutemo, wairemekedzewa novanhu vese, adosumuka ndokuraira kuti, varume vabiritsiwe panze kwokanguwa kadikidiki. 35Adoti kwavari, “Varume vaIzirairi, ngwarirai zvamunoda kuitira vanhu vakareva. 36Nokuti kare Tudhasi adomuka, achizviti ndiri munhu mukuru, uye vanhu vanosvika mazana manai vadobatana naye, asi iye adobaiwa novese vanga vachimutevera vadopwamwadziwa. 37Mumasure mowakareyu Judhasi woGaririya adomuka kamu pamazuva yokuverengewa, vanhu vadomutevera, iye adopararawo novese vaimutevera vadopwamwadziwa. 38Nokudaro panyaya yakarei ndinokunyepai vanhu vakareva rekai kuvabata, nokuti kana kufunga kwakareku nobasa rakareri zviri zvovanhu, zvichaparara. 39Asi kana zviri zvaMwari, hamukwanisi kuvakunda, ndava mungadzodaro muchipikisana naMwari!”
40Nokudaro vadomutetekera, vadodaidza nhumwa vachipinda, vadovashapura ndokuvatsindikira kuti vareke kudzonyaira nozvozita raJesu, ndokuvarekera vachienda. 41Pakarepo vadobirika pamakorokota vachifara, kuti naivowo vadokodzera kutambudziwa nokuda kwozita rache. 42Uye mazuva yese vadorekaba kudzidzisa nokuparidza muimba yaMwari nomudzimba vachiti Jesu ndiye Khirisitu.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mabasa yoNhumwa 5: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល