Pakarepo Pita adoti, “Ananiyasi, Sathani wazazireiko mwoyo wako kuti ubhwodokere Mweya Mutsvene, nokuzvikamurira imwe mari kubva pamutengo womunda? Pawanga usinati watengesewa, wanga usiri wako chere? Wabva kutengesewa mariyo njakoba, waita tiniko kufunga kuita chinhu chidodaichi mumwoyo mako? Manje haunai kubhwodokera vanhu, asi Mwari.” Ananiyasi paadonzva mashoko yakareya, adokomoka ndokuwira pasi nokupfirafuti. Kucha kukuru kudobata vese vadozvinzva.