Mabasa yoNhumwa 23
23
1Zvino Phauro adonangaritsa kudare, ndokuti, “Hama, ndidorarama pamberi paMwari ndino hana idonaka kusvika pazuva ranasi.” 2Pakarepo muphirisita mukuru Ananiyasi adoraira vaye vanga vadomira naye kuti vamunzetemure pamuromopo. 3Zvino Phauro adoti kwaari, “Mwari vachakurova iwepa madziro yadochenesewa kunze! Uri ngukhukhu kugarikika kuti unditonge maererano nomutemo, asi uchipikisana nomutemo pakuraira kuti ndirohwe?”
4Vaye vanga vadomira panyasi vadoti, “Unotukana muphirisita mukuru waMwari?”
5Ipopo Phauro adoti, “Handinai kuziva, hama, kuti ndiye muphirisita mukuru, nokuti kudonyohwa kuti, ‘Reka kunyaira zvidoipa pamusoro pomutongi wovanhu vako.’”
6Asi Phauro paadoziva kuti chikwata chibodzi nyhovaSadhusi chimwe vaFarisi, adodaidzira mudare achiti, “Hama, ndiri muFarisi, mwanakomana womuFarisi, Nopamusaka potariro uye nokumuka kwovadopfa ndiri pakutongesewa.”
7Iye paadonyaira zvakarezvi, kupararana kudomuka pakati povaFarisi novaSadhusi, uye dare ridokamuka. 8Nokuti vaSadhusi vanoti hakunai kumuka kwovadopfa, kana ngirozi, kana mweya, asi vaFarisi vanozvitambira zvese. 9Nokudaro padoita ruzha ridokura, uye vamwe vanyori vochikwata chovaFarisi vadosumuka vachipikisa vachiti, “Hapanai zvidoipa zvataona pamurume wakareyu. Ko kana uri mweya kana ngirozi idonyaira naye?”
10Zvino kupikisana pakudodzova nomunyonga, mukuru womauto, adocha kuti Phauro waidzoitiwa kanyama kanyama navo, adoraira mauto kuti vamutore nochisimba vachimubiritsa pakati pavo nokumuendesa kumuzinda womauto.
11Usiku hudotevera Ishe adomira naye ndokuti, “Tsunga mwoyo, ndava sekupfakaza kwawaita pamusoro pangu muJerusarema, saka unofanira kupfakaza pakare kuRoma.”
Rangano nozvoupenyu hwaPhauro
12Pakwanga kwachena vaJudha vadoita chirangano ndokuzvipikira mhiko yokuti vaijaba kana kumwa kusvikira vabaya Phauro. 13Vanga vadowanda zvokupindirira makumi manai vadorangana chiziriri. 14Ipopo vadoenda kuvapirisita vakuru nokuvakuru, ndokuvati, “Tazvisunga zvidooma nokupika kurega kuraidza chokuja kusvikira tabaya Phauro. 15Saka imipa, nodare perekai chiziviso izvozvi kumukuru womauto kuti vauye naye kwamuri, moita kunge munoda kunzvitsitsa nyaya yache chaiyo. Isisu tidotogadzirira kumubaya anati wasvika papfupi.”
16Zvino mwanakomana wohanzvadzi yaPhauro adonzva zvokuda kuhwandira kwavo; saka adoenda ndokupinda mumuzinda womauto achibva wataurira Phauro. 17Zvino Phauro adodaidza umwe wovakuru vozana ndokuti, “Endesa mukomana uyu kumukuru womauto, ndava ano zvaanoda kumunyepa.” 18Saka adomutora ndokumuendesa kumukuru womauto achiti, “Phauro musungwa adondidaidza ndokundikumbira kuti ndiuye kwamuri nomukomana wakareyu, sezvo ano zvinhu zvokunyaira kwamuri.”
19Mukuru womauto adomubata ruoko, ndokuenda naye kwavo vega achimubvunza zvidohwanzika ndokumuti, “Chii chaunoda kundinyepa?”
20Iye adoti, “VaJudha vadotenderana kukukumbirai kuti muunze Phauro kudare mangwana, fanike vanoda kudzobvunzitsitsa pamusoro pache vari papfupi. 21Asi rekai kuvatetekera, nokuti vabiyavo vanodarika makumi manai vadoronga kumuhwandira, vadozvisunga nokupika kuti damba kuja kana kumwa kusvikira vamubaya, saka zvino vatogadzirira, vandomirira mvumo yenyu basi.”
22Saka mukuru womauto adoendesa mukomana, ndokumutsindikira achiti, “Reka kunyairira munhu kuti wandinyepa zvakarezvi.”
Phauro Anotumihwa kuna Ferekisi Mutongi
23Zvino adodaidza vakuru vozana vairi ndokuti, “Paawa yochitatu yousiku gadzirirai mauto mazana mairi pabodzi novarume vopamabhiza vanomakumi manomwe novarume mazana mairi vomapfumo kuti vaende zvokusvika, kuKesariya. 24Unziraiwo Phauro bhiza nochokugarira, momusvitsa adochengeteka kunaFerekisi mutongi.” 25Uye adonyora tsamba idodai,
26“Khiraudhiyasi Raisiyasi kuna Anoremekedzewa mutongi Ferekisi, moroi. 27Munhu uyu adobatiwa novaJudha, uye wanga akutobaiwa navo, pandidovasvikira ndinomauto ndokumusvokodza, pandidonzvitsitsa kuti iye muRoma. 28Uye pakuda kunzvitsitsa mhosva yavaimunenedzera, ndidomuendesa kudare ravo, 29Ndidoona kuti wainenedzehwa zvinochokuita nomibvunzo yomutemo wavo, asi kutongewa kusinai chingade ipfa kana torongo. 30Zvino pazvidoisiwa pachenu kwandiri kuti panga patoita kuhwandihwa kwomunhu wakareyu, ndidomutumira kwamuri kamangu, nokuraira vapikisi vache kuti vatsanangure pamberi penyu zvavanopikisana naye.”
31Saka mauto, zvidoenderana nokuraihwa kwavo, vadotora Phauro ndokumuendesa usiku kuna Andipatirisi. 32Mangwana yacho vadodzokera kumuzinda, vachisiya vomabhiza kuti vaende naye. 33Pavadosvika kuKesariya vachipasa tsamba kunomutongi, vadoperekawo Phauro pamberi pache. 34Paadoverenga tsamba, adobvunza dunhu rache kuti ndipi. Paadoziva kuti waibva kuSirisiya 35adoti, “Ndichakunzva kana vanenedzeri vako vasvika.” Zvino adoraira kuti achengetewe ari mumuzinda waHerudhe.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mabasa yoNhumwa 23: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International