Mabasa yoNhumwa 22

22
1“Hama dzangu nanababa, inzvai kuzvidairira kwandiri kuita pamberi penyu.” 2Pavadomunzva kuti ari kunyaira kwavari nomutauro wochiHebheru, vadonyararitsa, Iye adoti,
3“Ndiri muJudha, adozvarihwa muThasasi kuSirisiya, asi ndidokurira muguta rino nokudzidzisiwa naGamarieri, ndichidzidza nomutoo udooma womutemo womadzibaba vedu, ndichishingairira Mwari kunge zvamuri kuita mese nasi. 4Ndidotambudza voNzira yakarei kusvika pakubaya, nokusunga ndichiendesa kutorongo vese vanhurume novanhukadzi, 5fanike zvinopiwa upfakazi nomuphirisita mukuru nodare rese rovakuru. Ndidotambira tsamba kubva kwavari ndichienda kuhama, uye ndidoita hwendo kuDhamasiko kotora kamu vaye vanga vari vokwakareko nokuvauyisa kuJerusarema vadosungiwa kuti varangiwe.”
Phauro anonyaira zvokuPinduka kwache
(Mabasa yoNhumwa 9:1-19; 26:12-18)
6“Pandanga ndiri pahwendo ndaakusvika kuDhamasiko, yatova masikati kupenya kudokungudza kudobva kudenga kudonditoya kabodzinokabodzi. 7Ndidowira pasi ndokubva ndanzva izvi richiti kwandiri, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?’ 8Ndidobva ndapindura ndichiti, ‘Ndimi yaniko, Ishe?’ Adoti kwandiri, ‘Ndini Jesu wokuNazareta wauri kutambudza.’ 9Zvino vanga vanainini vadoona chiedza asi havanai kunzva izvi rowainyaira nainini. 10Zvino ndidoti, ‘Ndoita tini, Ishe?’ Zvino Ishe adoti kwandiri, ‘Sumuka uyende kuDhamasiko, uchanyairihwa kwakareko zvese zvaudotarihwa kuti uite.’ 11Pandidotadza kuona nokuda kwochiedza chidopenya chiye, ndidobatiwa ruoko ndokutungamirihwa kupinda muDhamasiko naabiyangu vandanga ndinavo.
12Zvino umwe murume waitiwa Ananiyasi, munhu wanga adozvipira maererano nomutemo, waipupurihwa zvidonaka novaJudha vese vaigara kwakareko, 13adouya kwandiri, ndokumira panyasi nainini achiti kwandiri, ‘Hama Sauro, chitambira kuona kwako.’ Paawa yakareyo ndidomuona. 14Iye adoti, ‘Mwari womadzibaba vedu adokugadza kuti uzive kuda kwache, kuti uone Adorurama Mubodzi uye kuti unzve izvi kubva pamuromo wache. 15Nokuti uchava mupfakazi wache kuvanhu vese pamusoro pozvaudoona nozvaudonzva. 16Zvino uchamirirei? Sumuka uombekewe, usukiwe zvitema zvako, udaidze kuzita rache.’”
Kudaidziwa kwaPhauro Koparidzira yamwe Marudzi
17“Pandidodzokera kuJerusarema, ndaitonamata muimba yaMwari, ndidobatiwa datsi. 18Ndidomuona achiti kwandiri, ‘Ita kamangu ubirikiretu muJerusarema, nokuti havatambiri uchapupu hwako pamusoro pangu.’ 19Zvino ndidoti, ‘Ishe, ivo pachavo vanoziva kuti mumasinagoge yese ndidoendesa kutorongo nokurova vaye vaitenda kwamuri. 20Uye padoyeredzewa gazi raSitefani mupfakazi wenyu, naininiwo ndidomiririra ndichizvisimbisa, ndichichengeta hembe dzovaye vaimutaka.’ 21Uye iye adoti kwandiri, ‘Birika, ndava ndichakutuma kurefu kuyamwe marudzi.’”
22Vadomutetekera kusvikira pamashoko yakareya, zvino vadosimudza mazvi yavo vachiti, “Kurefu nomunhu adodaro, mbaabirike panyika! Ndava anofaniraba kuchira.” 23Zvino pavaidaidzira vachivhuzura majasi yavo mudenga vachimwaya pfumbi mumhepo, 24Mukuru womauto adonyaira kuti vamuendese kumuzinda womauto, ndokuraira kuti vamuongorore nonzira yokumurova, kuti azive chikonzero vanhu vadodaidzira vachimupikisa zvidodaro. 25Asi pavadomusunga nothambo, Phauro adoti kumutungamiri wozana wanga adomira pakarepo, “Zviri pamutemo chere kwamuri kuti murove munhu anenge ari nzvahwa yoRoma asinai kupasiwa mhosva?”
26Zvino mutungamiri wozana romauto paadonzva zvakarezvo, adoenda kumukuru womauto ndokuti kwaari, “Chii chawaakuita? Nokuti munhu wakareyu inzvahwa yoRoma.”
27Nokudaro mukuru womauto adoenda ndokuti kwaari, “Ndinyepe, uri muRoma chere?” Iye adoti,
“Eye.”
28Mukuru womauto adopindura achiti, “Inini ndidotenga mvumo yokuva muRoma nomari idowanditsa.”
Phauro adoti, “Asi inini ndiri nzvahwa,”
29Saka vaye vanga vaakudzomuongorora vadobva vabirika nokamangu paanga ari, nomukuru womauto wanga waakucha, nokuti wanga waakuziva kuti Phauro muRoma apa wanga wamusunga.
Phauro Pamberi poDare
30Asi mangwana yacho, paaida kuziva chikonzero chomhosva yaanga achinenedzehwa novaJudha, adomusugudura, ndokuraira vaphirisita vakuru nodare rese kuti vasangane, uye adouya naPhauro ndokumuisa pamberi pavo.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mabasa yoNhumwa 22: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល