1 Pita 1

1
1Kubva kuna Pita, nhumwa yaJesu Khirisitu.
Kuvatohwa vadokwamwarira kudzimwe nyika dzinoti, Pondasi, Garatiya, Kapadhokiya, Ezhiya nokuBhitiniya vari vasaruhwa vaMwari, 2maererano nokutemehwa naMwari Baba nokuchenesewa naMweya kuti vateerere Jesu Khirisitu nokuwazihwa kwogazi rache.
Dai mutsa norunyararo zvawanziwa kwamuri.
Tariro Ipenyu
3Mbaakudziwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu! Mutsitsi dzache dzikuru tidozvahwa patsva kutariro ipenyu kuburikidza nokumuka kwaJesu Khirisitu kubva kuvadopfa, 4nokunhaka isingapfuruke, yamudochengetehwa kudenga, isingasvipisiwe kana kuuna, 5iyemi kuburikidza nokutenda mudodzivirihwa nosimba raMwari nokuda kworuponiso ridogadzirihwa kuonesewa panguwa yokupedzisira.
6Munozvakarezvi zvese munofara maninge, kana zvazvene kwonguwa ino ipfupi muchifanira kudzudziwa nomarudzi yese yomiyedzo. 7Zvakarezvi zvidouya kuitira kuti pakuonekwa kwaJesu, kutenda kwenyu kunokosha kukunda ndarama, inoparara kana zvayene ichinatsiwa nomoto, kuwanike kuri kwochaiko kunofanira kuva nopembedzo, kubhwinya nokuremekedzewa. 8Kana zvenyu musinai kumuona, munomuda, kana zvenyu musiri kumuona manje, munotenda kwaari uye mudozara nomufaro mukuru usingataurike, 9ndava muri kutambira zvinobva pakutenda kwenyu, iro ruponiso romweya yenyu.
10Pamusoro poruponiso rakareri, vaporofiti vadonyaira zvomutsa waidzouya kwamuri, vadonatsa kutsvagitsitsa, 11vachibvunzitsitsa pamusoro pokuti munhui nonguwa idonangiwa noMweya waKirisitu waiva mavari pawainangidza kutambudzika kwaKhirisitu nokubhwinya kwaidzotevera. 12Zvidozaruhwa kwavari kuti pavainyaira zvinhu zvakarezvi zvamudodzonyepewa naivo vadokuparidzirai vhangeri naMweya Mutsvene adotumiwa kubva kudenga, vaishumira imipa vasingazvishumire ivo, zviri zvinhu zvinodiwa kuonewa nongirozi.
Kudaidziwa Kudzorarama Muutsvene
13Nokudaro gadzirirai pfungwa dzenyu, muve vadopepuka, isai tarisiro yenyu idozara pamutsa uchauya kwamuri pakuonekwa kwaJesu Khirisitu. 14Sevana vanoteerera, rekai kuumbiwa nozvido zvidoipa zvokusaziva kwamaiva nako kare. 15Asi saiye mutsvene adokudaidzai, ivaiwo vatsvene pamuitiro wenyu wese, 16ndava kudonyohwa kuti, “Ivai vatsvene, ndava inipano ndiri mutsvene.”
17Sezvo wamunodaidza kuti Baba achitonga basa romunhu wese pasinai tsvete, raramai upenyu hwenyu sevatohwa muchicha. 18Ndava munoziva kuti hamunai kudzikinuhwa nozvinoparara zvinenge sirivha kana ndarama kubva munzira dzenyu dzisinai nomusoro wese dzamudosiihwa nomadzibaba yenyu, 19asi nogazi rinokosha raKhirisitu, kunge rohwayana risinai chinoshoreka kana dondorozi. 20Iye adosarudziwa nyika isinati yasikiwa, asi adodzoonesewa panguwa dzino dzokupedzisira nondava yenyu. 21Kuburikidza naye mudotenda kuna Mwari, adomumutsa kubva kuvadopfa achimupasa kubhwinya, nokudaro kutenda kwenyu notariro zviri muna Mwari.
22Zvino zvamudozvinatsa kuburikidza nokuteerera chokwadi kuti muve norudo rudoperera kuhama dzenyu, ditsitsanai zvinobva pamwoyo. 23Mudoberekewa patsva, aikona nombeu inoora, asi noisingaore, kuburikidza noshoko raMwari ripenyu rinogara, 24ndava,
“Vanhu vese vanenge usva,
kubhwinya kwavo kwese kunenge ruva romusango.
Usva hunosvava, noruva rinokuhumuka,
25asi shoko raIshe rinogara nokusingapere.”
Futi shoko rakareri ndiro nhau dzidonaka dzidoparidziwa kwamuri.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

1 Pita 1: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល