Munozvakarezvi zvese munofara maninge, kana zvazvene kwonguwa ino ipfupi muchifanira kudzudziwa nomarudzi yese yomiyedzo. Zvakarezvi zvidouya kuitira kuti pakuonekwa kwaJesu, kutenda kwenyu kunokosha kukunda ndarama, inoparara kana zvayene ichinatsiwa nomoto, kuwanike kuri kwochaiko kunofanira kuva nopembedzo, kubhwinya nokuremekedzewa.