1
Mariko 6:31
KoreKore Bible Translation
KBT
Ukuwo gurusvusvu rovanhu raimbondouya nokuenda zvokuti Jesu novadzidzi vache vadotosaya nonguwa yokuja chaiyo. Ipopo Jesu adoti kwavari, “Mbatibirikei paruzinji tiende pedu tega mumbofemawo kanguwa kapfupi.”
ប្រៀបធៀប
រុករក Mariko 6:31
2
Mariko 6:4
Asi Jesu adoti kwavari, “Muporofiti haasaye kukudziwa kusiya kwomunyika yache, nomuhama dzache, nomumba mache basi.”
រុករក Mariko 6:4
3
Mariko 6:34
Jesu paadoburuka mukamwadiya adoona gurusvusvu rikuru rovanhu, achibva avanzvira tsitsi nokuti vaiita kunge hwai dzisinai nyakabusa. Saka adothanga kuvadzidzisa zvinhu zvizinji.
រុករក Mariko 6:34
4
Mariko 6:5-6
Nokudaro haanai kudzoita mabasa yosimba makaremo kusara kwokundoturika maoko pavahwere vashomanana vaadoporesa. Zvino adoshamisika, nokusaya kutenda kwavo. Saka adotenderera muimwe misha achidzidzisa.
រុករក Mariko 6:5-6
5
Mariko 6:41-43
Ipopo Jesu adotora mazingwa mashano nohove dziiri, ndokunangara kudzuru ndokuzvikomborera. Adobva wazvikomora komora achipasa vadzidzi vache kuti vapase vanhu. Vese vadoja vachiguta. Pakarepo vadohwenga zvimepfu zvomazingwa zvidosara ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri nohovewo kamu.
រុករក Mariko 6:41-43
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ