Jesu adodzotora mazingwa, ndokuita munamato wokukomborera, adodzoyakovanisa vanhu vanga vadogarikika, ndokuita zvakarezvo nohove, achivapasa zvidoenderana nozvavaida. Pavadoja vachiguta, adoudza vadzidzi vache achiti, “Unganidzai zvimepfu zvasara kuti pareke kuva nochinotaiwa.”