Vadikani, ndinokukumbiritsai, sevatohwa novarendo, siyanai nozvido zvonyama, zvinohwisana nomweya wenyu. Raramai upenyu hudonaka pakati povasingatende, kuti kana nepo vachikunenerai kuti munoita zvidoipa, vaone zviito zvenyu zvidonaka, varumbidze Mwari pazuva raachauya.